RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwex nyaya 3
  • Vakamira Kuti Vabatsire

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vakamira Kuti Vabatsire
  • Zvakaitika
  • Mashoko Akafanana
  • Matai—Anogona Kuponesa Upenyu Hwako!
    Mukai!—2004
  • Ndinogona Sei Kurega Kunwa?
    Mukai!—1993
  • “Tiri Pano! Titumei!”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • ‘Tisaneta’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Zvakaitika
ijwex nyaya 3
Bob akagara pawiricheya achigadzirirwa mota yake

Vakamira Kuti Vabatsire

Mumwe musi kuchitonhora, Bob aidhiraivha mota yake achifamba anenge makiromita 100 paawa muAlberta, kuCanada. Vhiri rake rekumashure rakabva raputika, asi haana kuzviziva saka akangoramba achidhiraivha. Kuti asvike kumba, kwakanga kwasara makiromita 5.

Akanyorera Zvapupu zvaJehovha tsamba achitsanangura zvakazoitika. Akati: “Pane vakomana 5 vaivawo mumota yavo vakabva vadaidzira vachindiudza kuti vhiri rangu rakanga raputika. Ndakabuda mumugwagwa uye vakabva vandibatsira kurichinja. Ndaisatomboziva kuti ndaiva nerimwe vhiri here kana jegi racho. Pandainge ndakagara parutivi pemugwagwa ndiri muwiricheya, vakaenda pasi pemota vachibva vazviwana vakabva vachinja vhiri racho. Kwaitonhora chaizvo, kuchitonaya chando. Vakanga vakachena, asi vakaita basa racho ndichibva ndaenderera mberi nerwendo rwangu. Ndaisazombokwanisa kuzviita ndiri ndega.

“Ndinotenda vakomana ava vakandibatsira. Vakanga vari pabasa ravo rekuparidza shoko raMwari. Vakomana ava vanoita zvinoenderana nezvavanoparidza zvechokwadi. Vakandibatsira chaizvo uye ndinovatenda nemwoyo wese. Handaimboziva kuti ndichasangana nevanhu vachandibatsira zvakadaro!”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe