RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 144
  • Bhaibheri Rinotii Nezvekupisa Zvitunha?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinotii Nezvekupisa Zvitunha?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Nhema dzinotaurwa nevanhu nezvekupisa zvitunha
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Kudzokera Kuguruva Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2009
  • Kurerutsa Mitoro Yorufu
    Mukai!—1992
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 144
Gaba rine madota echitunha riri pedyo nepikicha yemushakabvu

Bhaibheri Rinotii Nezvekupisa Zvitunha?

Mhinduro yeBhaibheri

Bhaibheri haripi mutemo panyaya yekupisa zvitunha. Haritauri kuti munhu anofanira kuita zvekuvigwa kana kuti kupiswa.

Bhaibheri rinotaura nezvevamwe vashumiri vaMwari vakatendeka vakaviga hama dzavo. Semuenzaniso, Abrahamu akatsvaga nzvimbo yakanaka yekuviga mudzimai wake Sara.—Genesisi 23:2-20; 49:29-32.

Bhaibheri rinotaurawo nezvevamwe vakatendeka vakapisa hama dzavo dzakanga dzafa. Semuenzaniso, Mambo Sauro weIsraeri nevanakomana vake vatatu pavakaurayiwa muhondo, zvitunha zvacho hazvina kuvigwa zvakanaka pazvainge zviri kunyika yevavengi vavo. Masoja echiIsraeri ainge akatendeka paakazviziva, akaenda kunotora zvitunha zvacho ndokuzvipisa vachibva vazoviga mapfupa acho. (1 Samueri 31:8-13) Bhaibheri rinoratidza kuti zvakaitwa nevarume ava zvakanga zvisina kuipa.—2 Samueri 2:4-6.

Nhema dzinotaurwa nevanhu nezvekupisa zvitunha

Zvavanofunga: Kupisa chitunha kusaremekedza munhu anenge afa.

Chokwadi nezvenyaya iyi: Bhaibheri rinoti munhu paanofa anodzokera kuguruva, uye ndizvo chaizvo zvinoitika kuchitunha pachinoora. (Genesisi 3:19) Kupisa chitunha kunongoita kuti chikurumidze kuparara chosara chava madota.

Zvavanofunga: Munguva dzemuBhaibheri, vanhu vaiita zvakaipa ndivo chete vaipiswa kana vafa.

Chokwadi nezvenyaya iyi: Zvitunha zvevamwe vanhu vainge vasina kutendeka vakadai saAkani nemhuri yake, zvakapiswa. (Joshua 7:25) Asi hazvirevi kuti ndiwo waiva mutemo. (Dheuteronomio 21:22, 23) Sezvambotaurwa, zvitunha zvevamwe vanhu vakatendeka vakadai saJonatani mwana waMambo Sauro, zvakapiswawo.

Zvavanofunga: Mwari haazokwanisi kumutsa munhu anenge aita zvekupiswa.

Chokwadi nezvenyaya iyi: Panyaya yekumutswa kwevakafa, hazvina basa kuna Mwari kuti munhu wacho akaita zvekuvigwa, kupiswa, akafira mugungwa kana kuti akadyiwa nemhuka. (Zvakazarurwa 20:13) Mwari Wemasimbaose ane simba rekusikazve munhu iyeye.—1 VaKorinde 15:35, 38.

Zvii Zvingabatsira Kuziva Kuti Chitunha Chopiswa Here Kana Kuti Chovigwa?

Kuti uzive kuti chitunha choitwa sei, funga nezvezvinhu zvinotevera.

  • Zvakasiya zvataurwa nemunhu afa. Bhaibheri rinotaura nezvedzimwe mhuri dzakaremekedza zvakasiya zvataurwa nemufi panyaya yezvavaifanira kuzoita nechitunha chake.—Genesisi 50:4, 5; Eksodho 13:19.

  • Tsika dzekwamunogara. Kazhinji kacho dzinobatsira vanhu kuziva kuti voita sei nechitunha. (Johani 19:40) Semuenzaniso, munguva dzemuBhaibheri, vanhu vaiwanzoita zvekuviga vanhu vainge vafa. (Genesisi 49:31; 1 Samueri 28:3) Mazuva ano, munhu anogona kusarudza kutevedzera tsika dzemunharaunda yaanogara chero bedzi dzisingapesani nezvinotaurwa neBhaibheri.

  • Mitemo yekwamunogara. Bhaibheri rinoti tinofanira kuteerera hurumende. (VaRoma 13:1) Mune dzimwe nzvimbo, hurumende inogadza mitemo yekuti zvitunha zvinofanira kuitwa sei. Semuenzaniso, panyaya yekupisa zvitunha, dzimwe hurumende dzinogadza mitemo yekunofanira kurasirwa madota acho.

  • Zvinofungwa nevamwe. Magwaro anotikurudzira kuti tive nehanya nezvinofungwawo nevamwe. (VaFiripi 2:4) Patinenge tichifunga kuti toita sei nechitunha, tinogona kufunga nezvemibvunzo iyi: Vemumhuri vanoona sei nyaya yekupisa kana kuti kuviga? Vanhu vemunharaunda vanozvionawo sei?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe