RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 60
  • Ungakurira Sei Dambudziko Rokutya Rufu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ungakurira Sei Dambudziko Rokutya Rufu?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Ita Kuti Mwoyo Wako Utye Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Kudzidza Kuwana Mufaro Mukutya Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Kutyirei Mwari, Kwete Vanhu?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Itya Jehovha Uye Rumbidza Zita Rake Dzvene
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 60

Ungakurira Sei Dambudziko Rokutya Rufu?

Mhinduro yeBhaibheri

Zvakakodzera kuti titye rufu nokuti muvengi wedu uye tinotora matanho okuzvidzivirira. (1 VaKorinde 15:26) Asi kutya rufu zvisina basa nemhaka yenhema dzinotaurwa nevanhu kana kuti kutenda mashura zvinoita kuti vanhu vave “muuranda kwoupenyu hwavo hwose.” (VaHebheru 2:15) Kuziva chokwadi nezverufu kuchakusunungura pakutya rufu zvisina basa nokuti kunyanya kurutya kunoita kuti usafara muupenyu.​—Johani 8:32.

Chokwadi pamusoro pevakafa

  • Vakafa havana chavanoziva. (Pisarema 146:4) Haufaniri kutya uchifunga kuti kana wafa ucharwadziswa kana kuti kutambudzwa, nokuti Bhaibheri rinofananidza rufu nokurara.​—Pisarema 13:3; Johani 11:11-14.

  • Vakafa havakwanisi kutikuvadza. Kunyange vanhu vainge vakarimirana kumuganhu pavanofa vanenge vasisina simba. (Zvirevo 21:16) Bhaibheri rinoti “kuvenga kwavo negodo ravo zvakatoparara.”​—Muparidzi 9:6.

  • Munhu paanofa hazvirevi kuti zvatoperera ipapo. Mwari achamutsa vanhu vakafa kuti vararame zvakare.​—Johani 5:28, 29; Mabasa 24:15.

  • Mwari anovimbisa kuti “rufu haruchazovipo.” (Zvakazarurwa 21:4) Bhaibheri richitaura nezvenguva iyoyo rinoti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi,” vasingazombotyi kufa.​—Pisarema 37:29.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe