Thomas Jackson/Stone via Getty Images
RAMBAI MAKAMUKA!
Zvaungaita Kuti Uve Netariro Muna 2024—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
Vakawanda vari kuona sekuti zvinhu zvichangoramba zvakaoma kunyange muna 2024. Asi tine chokwadi chekuti zvinhu zvichanaka mune ramangwana. Chii chinoita kuti tive netariro iyoyo?
Bhaibheri rinotipa tariro
Bhaibheri rinotivimbisa kuti Mwari achagadzirisa matambudziko ese ashungurudza vanhu nhasi. Munguva pfupi iri kutevera, Mwari “achapukuta misodzi yese pamaziso [edu], uye hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa.”—Zvakazarurwa 21:4.
Kana uchida kunzwa zvakawanda zvinovimbiswa neBhaibheri nezveramangwana, verenga nyaya yakanzi “Tariro Yechokwadi Yeramangwana Rakanaka.”
Bhaibheri ringakubatsira sei iye zvino?
Bhaibheri rine mashoko anopa tariro, anoita kuti usanyanya kunetseka. (VaRoma 15:13) Mazano ari muBhaibheri anogona kukubatsira kuti utsungirire matambudziko auri kusangana nawo iye zvino akadai seurombo, kusabatwa zvakanaka nevamwe uye kurwara.
Inzwa kuti Bhaibheri rakabatsira sei mumwe murume kuti afare uye asanetseka pasinei nekuti vaiva varombo mumhuri mavo. Ona vhidhiyo yakanzi Juan Pablo Zermeño: Jehovha Akandipa Upenyu Hune Chinangwa.
Ona kuti Bhaibheri ringakubatsira sei kana uchinzwa wakasuruvara, uchizvidya mwoyo, uchizvipa mhosva kana kuti uchirwadziwa nekufirwa kwawakaitwa. Verenga nyaya yakanzi “Bhaibheri Rine Mashoko Angandinyaradza Here?”
Mumwe mukadzi aiva musoja anoti ‘aiva munhu asingambofari uye aiva nemwoyo wakaoma.’ Anoti kudzidza Bhaibheri kwakamuita kuti ave netariro. Inzwa zvaakataura muvhidhiyo inonzi Ndakakanda Gidi Pasi.
Ita kuti iwe nemhuri yako mufare mugore ra2024. Inzwa kuti Bhaibheri ringakubatsira sei. Tinokukurudzira kuti uite kosi yeBhaibheri uchibatsirwa nemumwe munhu. Inzwa kuti iye zvino Mwari anokupa sei “pfungwa dzerugare” uye “ramangwana rakanaka netariro.”—Jeremiya 29:11.