Francesco Carta fotografo/Moment via Getty Images
Kuwedzera Kwedambudziko Rekusurukirwa—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
Maererano neongororo yakaitwa pasi rese,a zvakaonekwa kuti munhu mumwe chete pavanhu 4 vega vega anonzwa kusurukirwa.
“Tese zvedu, pasinei nekwatinogara uye zera redu, tinogona kunzwa kusurukirwa.”—Chido Mpemba, sachigaro weWorld Health Organization’s Commission on Social Connection.
Vakawanda vanofunga kuti dambudziko rekusurukirwa rinongobata vakwegura chete kana kuti vanozviraramira vari kwavo vega. Asi kusiyana naizvozvo, dambudziko iri rinobatawo vechidiki, vane utano hwakanaka, vanhu vakabudirira, uye vari muwanano. Kugara ungori pako wega usina wekumbotaura naye kunogona kukonzera zvirwere zvakasiyana-siyana kusanganisira zvirwere zvekushushikana mupfungwa.
Mumwe mukuru wavanachiremba vanovhiya vekuUnited States anonzi Dr. Vivek Murthy akati: “Kusurukirwa hakusi kungonzwa kusafara.” Akawedzera kuti: “Munhu anozviita zindoga anenge achikanganisa utano hwake sezvinoita munhu anosvuta midzanga 15 yefodya pazuva.”
Bhaibheri Rinoti Kudii?
Musiki wedu haadi kuti tizviparadzanise nevamwe. Mwari agara aine chinangwa chekuti vanhu vanakidzwe nekushamwaridzana nevamwe.
Zvinotaurwa neBhaibheri: “Mwari akabva ati: ‘Hazvina kunaka kuti munhu arambe ari ega.’”—Genesisi 2:18.
Mwari anoda kuti tive neushamwari naye. Anovimbisa kuti achaswedera pedyo nesu kana tikaitawo pedu kuti tiswedere pedyo naye.—Jakobho 4:8.
Zvinotaurwa neBhaibheri: “Vanofara vaya vanoziva kuti vanoda kutungamirirwa naMwari, nekuti Umambo hwekudenga ndehwavo.”—Mateu 5:3.
Mwari anoda kuti timunamate tiri pamwe chete nevamwe. Patinoita izvozvo tinonzwa kufara.
Zvinotaurwa neBhaibheri: “Ngativei nehanya nemumwe nemumwe, kuitira kuti tikurudzirane kuva nerudo uye kuita mabasa akanaka, tisingaregi kuungana kwedu, . . . asi tikurudzirane, zvikurukuru muchiona zuva richiswedera kudai.”—VaHebheru 10:24, 25.
Verenga nyaya yakanzi “Loneliness in a World of Mass Connection” kuti unzwe kuti zvakakosherei kuti urwise dambudziko rekusurukirwa.
a The Global State of Social Connections, by Meta and Gallup, 2023.