Anna Moneymaker/Getty Images
RAMBAI MAKAMUKA!
Nyanzvi Dzesainzi Dziri Kuti Vanhu Vava Pedyo Kuparadza Nyika—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
Nyanzvi dzesainzi dzine wachi inonzi Doomsday Clocka yavanoti kana ikasvika pana 12 dzepakati peusiku nyika inobva yaguma. Musi wa24 January 2023, vakawedzera kufambisa wachi yacho vachiiendesa pedyo na12 dzepakati peusiku.
“Wachi iyi inonzi ‘Doomsday Clock’ inofananidzira nguva yasara kuti vanhu vaparadze nyika. Musi weChipiri nyanzvi dzesainzi dzakafambisa wachi yacho dzichiiswededza pedyo na12 dzepakati peusiku. Aka ndiko kekutanga kuti vaisvitse ipapo. Vakaita izvi nemhaka yehondo yekuUkraine, kutyira kwavari kuita kuti kunogona kuitika hondo yenyukiriya uyewo kusagadzikana kwemamiriro ekunze.”—AFP International Text Wire.
“Musi weChipiri nyanzvi dzesainzi dzakati dzakafambisa wachi yeDoomsday vachiisa pekuti kwangosara masekonzi 90 kuti isvike pana 12 dzepakati peusiku. Izvi zvinoratidza kuti vanhu vava pedyo kuparadza nyika.”—ABC News.
“Nyanzvi dzesainzi dzinobva munyika dzakasiyana-siyana dzakayambira kuti vanhu vari kuita zvinhu zvinogona kuparadza nyika kupfuura zvavaiita kare.”—The Guardian.
Nyika nevanhu vanogara pairi zvava pedyo kuparara here? Tinofanira kutya zvinhu zvichaitika mune ramangwana here? Bhaibheri rinoti kudii?
Zvichange zvakaita ramangwana
Bhaibheri rinoti “nyika inoramba iripo nekusingaperi” uye pachange paine vanhu “vachagara mairi nekusingaperi.” (Muparidzi 1:4; Pisarema 37:29) Saka vanhu havasi kuzoparadza nyika kana kuita kuti isagarika.
Asi Bhaibheri rinotaura nezvemugumo. Semuenzaniso, rinoti “nyika iri kupfuura.”—1 Johani 2:17.
Kuti uzive zvinenge zvichirehwa neBhaibheri parinotaura nezvekuguma kwenyika verenga nyaya yakanzi, “Nyika Yava Pedyo Kuguma Here? Chii Chinonzi Apocalypse?”
Kuti uzive zvinhu zvinoratidza kuti nyika yava kuda kuguma, verenga nyaya yakanzi “Nyika Ichaguma Riini?”
Ramba uine tariro
Bhaibheri rinogona kutibatsira kuti tirambe tiine tariro pasinei nematambudziko atiri kuona munyika. Rinotibatsira sei?
Bhaibheri rinotipa mazano anoshanda. (2 Timoti 3:16, 17) Semuenzaniso, verenga nyaya yakanzi “Zvaungaita Kuti Usanyanya Kuzvidya Mwoyo” kuti uone kuti Bhaibheri rinokubatsira sei kuramba uine tariro pasinei nematambudziko eupenyu.
Bhaibheri rinotiudza kuti ramangwana richange rakanaka. (VaRoma 15:4) Rinotiudza zvakajeka zvinhu zvatiri kutarisira iye zvino uye mune ramangwana, uye izvi zvinotibatsira kuti tisatya pasinei nezvingaitika munyika.
Kuti unyatsobatsirwa neBhaibheri tinokukurudzira kuti uite kosi yeBhaibheri uchibatsirwa nemumwe munhu.
a “Wachi inonzi The Doomsday Clock yakagadzirwa kuti iyambire vanhu kuti vava pedyo zvakadii nekuparadza nyika nezvinhu zvavari kugadzira. Ingori nzira yekuyeuchidza vanhu zvavanofanira kugadzirisa nekukurumidza kana vachida kuramba vari vapenyu.”—Bulletin of the Atomic Scientists.