RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 98
  • Ndoita Sei Kana Ndiri Kufoira Kuchikoro?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndoita Sei Kana Ndiri Kufoira Kuchikoro?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvaunogona kuita
  • Ndinogona Sei Kuvandudza Mamakisi Angu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Mungabatsira Sei Mwana Wenyu Kuti Apase?
    Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Ndingapedza Sei Homuweki Yangu?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Ndingawana Sei Nguva Yebasa Rechikoro Rinoitirwa Kumba?
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 98
Vechidiki vakawanda vari kubuda pachikoro. Mumwe musikana ari kutarisa bepa rezvabuda mubvunzo dzaakanyora achiratidza kushungurudzika.

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndoita Sei Kana Ndiri Kufoira Kuchikoro?

“Ndinoona vamwe vandinodzidza navo vakangogara mukirasi vasina kana mabhuku vachitoteerera havo mimhanzi apa mudzidzisi ari pakati pekutaura. Asi vanoshamisika kuti sei vari kufoira! Kwozoita vamwe vakaita seni vekuti vanoverenga kunge vachapenga, asi vongofoira zvakadaro. Handizivi kuti sei izvozvo zvichiitika. Zvinorwadza kufoira iwe waita vhiki rese uchitadza kurara uchiverenga.”—Yolanda.

Unonzwawo sezvinoita Yolanda here? Chokwadi ndechekuti kufoira kamwe chete kana kuti kanotevedzana kunopedza simba.

Vamwe vechidiki vanenge vachifoira kuchikoro vanopedzisira vasisadi kushanda nesimba kuti vapase. Vamwe vanopedzisira vatosiyira chikoro panzira. Kunyange zvazvo zvinhu zviviri izvi zvingaita sekuti zvine musoro, pane imwe nzira yekugadzirisa dambudziko racho. Ngationgororei nzira 5 dzinogona kukubatsira kupasa kuchikoro.

  • Zvaunogona kuita

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Zvaunogona kuita

  • Usarovha. Danho iri rinogona kuita sekuti munhu wese anotoriziva, asi kana ukarovha kakawanda, unopedzisira wafoira.

    “Kuchikoro kwandinoenda, vaya vasina basa nekufoira ndivo vanowanzorovha, izvo zvinopedzisira zvangokanganisa ivo pachavo.”—Matthew.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Zvinodyarwa nemunhu, ndizvo zvaachakohwa.”—VaGaratiya 6:7.

  • Nyatsoteerera zvinenge zvichitaurwa mukirasi. Kana ukapinda chidzidzo chimwe nechimwe unenge wagona, uye kana wavamo edza kuteerera zvese zvinenge zvichitaurwa. Nyora manotsi. Edza kunzwisisa zviri kutaurwa nemudzidzisi. Bvunza mibvunzo kana zvichibvumidzwa.

    “Ndinobvunza mibvunzo yakawanda nekuti ndinoona kuti mudzidzisi achanyatsotsanangura zviri nani kana akaziva kuti mudzidzi haasi kunyatsonzwisisa.”—Olivia.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Nyatsongwarirai kuti munoteerera sei.”—Ruka 8:18.

  • Usava nepfungwa dzekuda kubiridzira. Kubiridzira kunoratidza kuti hauna kuvimbika. Pane nzira dzakawanda dzekubiridzira kuchikoro. Imwe nzira ndeyekukopa zvinenge zvanyorwa nevamwe. Uku kuva munhu asina kuvimbika uye hazvina kana zvazvinombokubatsira.

    “Kana paine chinhu chausina kunzwisisa, usakopa. Ukabiridzira, hapana zvaunenge waita. Panzvimbo pekuti ugadzirise matambudziko wega, uri kutojairira kubatsirwa nevamwe”—Jonathan.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu mumwe nemumwe ngaaongorore zvaanoita, uye achabva afara nazvo iye pachake, asingazvienzanisi nemumwe munhu.”—VaGaratiya 6:4.

  • Koshesa homuweki. Kana zvichiita, ita homuweki yako usati waita zvimwe zvinhu, kunyanya zvekutandara.a Unozonyatsotandara wakasununguka uchiziva kuti wapedza homuweki yako!

    “Ndaikurumidza kuita homuweki yangu, uye izvozvo zvakandibatsira kuti ndipase. Pandaisvika kumba ndaimbomira kunorara kana kuti kuteerera mimhanzi. Ndaida kutanga ndaita homuweki yangu ndozozorora pava paya.”—Calvin.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Muve nechokwadi chekuti ndezvipi zvinokosha kupfuura zvimwe.”—VaFiripi 1:10.

  • Kumbira kubatsirwa. Usanyara kubatsirwa nevamwe. Kumbira kubatsirwa nevabereki vako. Bvunza mudzidzisi wako kuti ungaitei kuti upase. Dzimwe nguva unogona kutobatsirwa nemumwe ane ruzivo nazvo.

    “Enda unotaura nemudzidzisi wako. Mukumbire kuti akubatsire kunzwisisa chidzidzo chacho kuti upase. Mudzidzisi anogona kutofara nechido chako chekuti upase zvekuti achabva akubatsira.”—David.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Vanhu vanopa mazano vakawanda zvinhu zvinobudirira.”—Zvirevo 15:22.

Musikana ari muimba yekurara achiridza gitare.

Kuvandudza zvidzidzo zvako kuti upase kwakafanana nekudzidzira kuridza chiridzwa. Hazvisi nyore, asi kushandira zviripo

Zvinotaurwa nevezera rako

Alexandra.

“Kuti upase kuchikoro, ziva kuti upenyu haudzokororwi, kubudirira kwako kunoenderana nekushanda kwaunenge waita.”—Alexandra.

Elijah.

“Ita kuti vadzidzisi vako vazive chinangwa chako. Pandaiva kuchikoro, ndaibvunza vadzidzisi vangu zvandaifanira kuita kuti ndivandudze zvidzidzo zvangu, kunyange kana zvaireva kudzokorora basa randinenge ndamboita kana kuti kuita homuweki yakawanda.”—Elijah.

Mackenzie.

“Tanga iwe kutsvaga kubatsirwa. Vadzidzisi vanoshanda newe zvakanaka kana vakaona kuti une chido chekupasa.”—Mackenzie.

Kudzokorora: Ndoita sei kana ndiri kufoira kuchikoro?

  1. Usarovha.

  2. Nyatsoteerera paunenge uri mukirasi.

  3. Usabiridzira.

  4. Nyatsoita homuweki yaunopiwa.

  5. Kumbira kubatsirwa.

a Kuti uwane mazano ekuti ungavandudza sei madzidziro aunoita, ona nyaya inoti “Vechidiki Vanobvunza Kuti . . . Ndingapedza Sei Homuweki Yangu?”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe