RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 99
  • Ndingadzidzisa Sei Hana Yangu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingadzidzisa Sei Hana Yangu?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chii chinonzi hana?
  • Nei uchifanira kudzidzisa hana yako?
  • Ungadzidzisa sei hana yako?
  • Ungaramba Sei Uine Hana Yakanaka?
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Kuva Nehana Yakanaka Pamberi paMwari
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Hana Yako Yakanyatsorovedzwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Hana Yako Inokutungamirira Zvakanaka Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 99
Mukomana wechidiki ari kuita chisarudzo. Zviri kuseri kwake zviri kuratidza zvakanaka uye zvakaipa.

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingadzidzisa Sei Hana Yangu?

Hana yako ingafananidzwa nechii pazvinhu zvinotevera?

  • kambasi

  • girazi

  • shamwari

  • mutongi

Mhinduro ndeyekuti zvese zviri 4. Nyaya ino ichatsanangura kuti sei zvakadaro.

  • Chii chinonzi hana?

  • Nei uchifanira kudzidzisa hana yako?

  • Ungadzidzisa sei hana yako?

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Chii chinonzi hana?

Hana inokubatsira kusiyanisa chakanaka nechakaipa. Bhaibheri rinoti yakafanana ‘nemutemo wakanyorwa mumwoyo.’ (VaRoma 2:15) Hana yakanaka inokubatsira kuti unyatsoongorora chinhu chauri kuda kuita kana kuti chawakatoita kare.

  • Hana yako yakafanana nekambasi. Inokutungamirira munzira yakarurama kuti usapinda muna taisireva.

  • Hana yako yakaita segirazi. Inoratidza tsika dzako, kuti uri munhu akaita sei nechemukati.

  • Hana yako yakaita seshamwari yakanaka. Inogona kukupa yambiro yekubatsira kuti ubudirire kana ukaiteerera.

  • Hana yako yakaita semutongi. Inokutongesa kana paine chimwe chinhu chakaipa chawaita.

Mukomana ari mushopu inotengeswa mavideo game achisarudza kuti otenga gemhu ipi.

Hana yakanaka inokubatsira kuita zvisarudzo zvakanaka

Pfungwa inokosha: Hana yako chinhu chinokosha chaizvo pakukubatsira (1) kusarudza nekuchenjera uye (2) kugadzirisa zvaunenge wakanganisa.

Nei uchifanira kudzidzisa hana yako?

Bhaibheri rinotiudza kuti “rambai muine hana yakanaka.” (1 Petro 3:16) Izvozvo zvakaoma kana hana yako isina kumbodzidziswa.

“Ndainyepera vabereki vangu nezvekwandaienda uye ndaisambovaudza. Hana yangu yakambotanga ichindinetsa, asi nekufamba kwenguva ndakanga ndisisaoni chakaipa pane zvandaiita.”—Jennifer.

Asi hana yaJennifer yakazomuita kuti audze vabereki vake zvaaiita uye kuti arege kuvanyengedza.

Zvekufunga nezvazvo: Ndiriini paifanira kunge pakarova hana yaJennifer?

“Zvakaoma uye zvinotoshungurudza kurarama uchida kuvanza kamwe kaupenyu kaunenge uchirarama. Kana hana yako ikakubvumira kuita chisarudzo chakaipa zvinenge zvatova nyore kuti uitezve chimwe chisarudzo chakaipa.”—Matthew.

Vamwe vanhu vanotorega zvachose kuteerera hana yavo. Bhaibheri rinoti havasisina “unhu zvachose.” (VaEfeso 4:19) Bhaibheri Rinoyera rinoti: “Havasisina nyadzi.”

Zvekufunga nezvazvo: Vanhu vasingazvipi mhosva yekuita zvakaipa, vanorarama upenyu huri nani here? Vanopedzisira vapinda mumatambudziko akaita sei?

Pfungwa inokosha: Kuti urambe uine hana isingakupi mhosva, unofanira kunge uine ‘simba rekunzwisisa rakadzidziswa kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.’—VaHebheru 5:14.

Ungadzidzisa sei hana yako?

Kuti udzidzise hana yako unofanira kunge uchiziva zvaunofanira kuita nezvausingafaniri kuita. Vamwe vanoita izvi nekutarisa:

  • zvinoitwa nemhuri yavo kana kuti patsika dzavo

  • zvinoitwa nevezera ravo

  • zvinoitwa nevanhu vakakurumbira

Zvisinei, zvinotaurwa neBhaibheri kuti ndiwo mararamiro atinofanira kuita ndizvo zvine musoro. Izvozvo hazvitishamisi nekuti Bhaibheri ‘rakafemerwa naMwari’ uyo akatisika uye anoziva zvatinoda uye zvakatinakira.—2 Timoti 3:16.

Chimbofunga mienzaniso inotevera.

ZVINOFANIRA KUITWA: “[Tinoda] kuva vakatendeseka pazvinhu zvese zvatinoita.”—VaHebheru 13:18.

  • Pfungwa iyi ingakubatsira sei kana wava kuda kubiridzira pabvunzo, kunyepera vabereki vako, kana kuti kuba?

  • Kana hana yako ikaita kuti uve akatendeseka pazvinhu zvese, unofunga kuti izvozvo zvichakubatsira sei mune remangwana?

ZVINOFANIRA KUITWA: “Tizai upombwe.”—1 VaKorinde 6:18.

  • Pfungwa iyi ingabatsira sei hana yako kana ukapinda pamuedzo wekuona zvinonyadzisira kana kuti wekuita zvepabonde iwe usati waroora kana kuroorwa?

  • Kana hana yako ikaita kuti utize upombwe, izvozvo zvichakubatsira sei iye zvino uye mune remangwana?

ZVINOFANIRA KUITWA: “Itiranai mutsa, muchinzwirana tsitsi kwazvo, muchiregererana nemwoyo wese.”—VaEfeso 4:32.

  • Pfungwa iyi ingakubatsira sei kana ukatadza kuwirirana nemunin’ina, mukoma kana hanzvadzi yako kana kuti neshamwari?

  • Kana hana yako ikaita kuti uve nemutsa nekunzwira tsitsi, zvichakubatsira sei iye zvino uye mune remangwana?

ZVINOFANIRA KUITWA: “Jehovha . . . anovenga munhu wese anoda zvemhirizhonga.”—Pisarema 11:5.

  • Pfungwa iyi ichakubatsira sei pakusarudza mafirimu, mapurogiramu epaTV uye mavideo game?

  • Kana hana yako ikakubatsira kuti urege varaidzo yekurwisana, izvozvo zvichakubatsira sei iye zvino uye mune remangwana?

NYAYA YAKAITIKA: “Ini neshamwari dzangu taitamba mavideo game ekurwisana. Asi baba vangu vakazondiudza kuti ndisaatamba. Saka ndaingoatamba pandaishanyira shamwari dzangu. Pandaidzoka kumba ndaisambozviti bufu. Baba vangu vaindibvunza kana paine chaindinetsa asi ndaivati pakanga pasina. Asi mumwe musi ndakaverenga Pisarema 11:5 ndikabva ndatanga kunetseka nezvandaiita. Ndakaona kuti ndaifanira kurega kutamba mavideo game iwayo. Iye zvino handichaatambi. Imwe shamwari yangu, yaona zvandakanga ndaita, yakatsidzawo kuti yaisazotamba magemhu ekurwisana.”—Jeremy.

Zvekufunga nezvazvo: Hana yaJeremy yakatanga kushanda papi, uye ndepapi paakatanga kuiteerera? Unodzidzei pane zvakaitika kuna Jeremy?

Pfungwa inokosha: Hana yako inoratidza zvauri uye zvinhu zvaunokoshesa. Hana yako inoratidza kuti uri munhu akaita sei?

Zvinotaurwa nevezera rako

Alexis.

“Kunyange kana hana yedu ichiziva zvakanaka nezvakaipa, izvozvo hazvirevi kuti tichaita zvinhu zvakanaka. Kana kambasi ichishanda zvakanaka ichitiratidza kwatinofanira kufamba takananga, zvinongosarira kwauri kuti utevedzere zvairi kukuudza.”—Alexis.

Lionel.

“Hana haisi fenzi inokudzivirira. Inzira inokuratidza kwaunofanira kuenda. Hana yako inoita semasaini ari mumugwagwa ayo anokuchengetedza panjodzi dzinenge dziri mberi.”—Lionel.

Isabella.

“Handibvumiri kuti nditungamirirwe nehana yemumwe munhu. Ndakadzidzisa hana yangu, zvekuti chero chainondiudza ndinoziva kuti chinofanira kunge chakanaka. Handifaniri kuchinja zvandiri ndichiitira kuti ndifaririrwe nevamwe.”—Isabella.

Kudzokorora: Ndingadzidzisa sei hana yangu?

  • Funga zvakanakira mitemo iri muBhaibheri yekuva netsika. Bhaibheri rakafemerwa naMwari, uyo akatisika uye anoziva zvinhu zvakanyanya kutinakira.

  • Ongorora kuti hana yako inoenderana nezvinotaurwa neBhaibheri here. Zvii zvaungaita kuti uratidze kuti mafungiro ako anoenderana neaMwari?

  • Ita zvinotaurwa neBhaibheri. Kuziva kwaunoita Bhaibheri ngakukubatsire pazvisarudzo zvaunoita zuva nezuva.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe