RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwex nyaya 24
  • Kushumira Jehovha Panguva Dzakaoma muVenezuela

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushumira Jehovha Panguva Dzakaoma muVenezuela
  • Zvakaitika
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kukomborerwa Kwakaitwa Basa Rekuparidza
  • Kutenda Uye Rudo Zviri Kuita Kuti Vabatsire Vamwe
  • Munhu Wese Anogona Kubatsira
  • Jairo Anoshandisa Maziso Chete Pakushumira Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Ndakasarudza Basa Rakanaka
    Mukai!—2007
  • Akashamiswa Nezvakaitika
    Zvakaitika
  • Zorodza Hama Dzako Dzokunyama Nemvura Dzezvokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Zvakaitika
ijwex nyaya 24
Murume nemudzimai vakapfeka mamask, vachiendesa zvekudya kuhanzvadzi yechikuru.

Kushumira Jehovha Panguva Dzakaoma muVenezuela

Mumakore achangopfuura, vanhu vemuVenezuela vasangana nematambudziko akakura pane zveupfumi uye kusagadzikana kwezvinhu munyika. Chimwe Chapupu chinonzi Edgar chinoti, “Mumakore mashomanana, vanhu vakatanga kushaya mari uye zvinhu zvekurarama nazvo, zvekuti takanzwa sekuti tava kurarama kune imwe nyika!”

Chii chakabatsira Edgar kuti ajairane nekuchinja kwakanga kwaita zvinhu? Anoti: “Ini nemudzimai wangu, Carmen, takafunga nezvemamishinari akatamira kunyika dzine urombo uye akadzidza kurarama asina zvimwe zvinhu zvinokosha muupenyu. Izvi zvakaita kuti tidzidze kurarama tisina zvinhu zvakawanda uye kuedza zvimwe zvinhu zvitsva zvakadai sekurima zvekudya.”

Carmen naEdgar vachiratidza zvinhu zvavari kurima.

Carmen naEdgar

Edgar naCarmen vane zvimwewo zvavakaita. Vakatangawo kunyaradza vamwe vavanonamata navo kusanganisira vaya vakaora mwoyo. (1 VaTesaronika 5:11) Edgar anoti, “Pane kungovanyaradza, takaedza kuvakurudzira kuti vawane mufaro unobva pakubatsirawo vamwe.”—Mabasa 20:35.

Kukomborerwa Kwakaitwa Basa Rekuparidza

Pakatanga chirwere cheCOVID-19, Argenis akafunga kuparidzira hama dzake. Vamwe vavo vakabvuma kudzidza Bhaibheri pafoni.

Argenis akagara padhesiki aine foni, Bhaibheri uye bhuku rinonzi “Rarama Nekusingaperi Uchifara!”

Argenis

Argenis aidawo kuti hama dzake dzakanga dzisina indaneti dzipindewo gungano remunharaunda ra2020. Chimwe Chapupu chaigara mutaundi riri pedyo navo chakavapa purogiramu yegungano racho yakarekodhwa. Hama dzaArgenis dzakabva dzakumbirawo vamwe TV yakakura nemasipika. Argenis aivafonera purogiramu isati yatanga kuti vanyengetere. Zvakaitwa naArgenis zvakaita kuti hama dzake 4 nevamwe vanhu 15 vakwanise kupinda.

Kutenda Uye Rudo Zviri Kuita Kuti Vabatsire Vamwe

Mumwe murume anonzi Jairo nemudzimai wake anonzi Johana ndivo vega vane mota muungano yavo, saka vanoishandisa kubatsira vamwe. Rimwe dambudziko ravanosangana naro nderekuti mafuta emota anonetsa kuwana. Jairo anoti, “Tinoita maawa akawanda, uye dzimwe nguva tinotoita usiku hwese tiri muraini kuti tidirirwe mafuta.”

Johana naJairo vari mumota yavo.

Johana naJairo

Jairo anonzwa kuti vari kushandira zviripo nekubatsira kwavari kuita vamwe. Anoti: “Patinoendesera hama nehanzvadzi zvinhu zvekushandisa, tinofara kuona vachitenda Jehovha, uyo anopa vanhu vake zvese zvavanoda.”—2 VaKorinde 9:11, 14.

Munhu Wese Anogona Kubatsira

Kunyange zvazvo yava nemakore 28, imwe hanzvadzi inonzi Norianni yaifunga kuti vanhu vanogona kumuona seachiri mudiki kuti abatsire vamwe. Asi akazoverenga pana 1 Timoti 4:12: panoti, “Usarega munhu achikutarisira pasi nekuti uri mudiki. Asi iva muenzaniso kune vakatendeka.”

Norianni achibatsira hanzvadzi yechikuru kuparidza netsamba.

Norianni

Vhesi iyi yakaita kuti Norianni ade kubatsira vechikuru vari muungano yake. Aivabatsira kuparidza vachiita zvekunyora tsamba uye kunyange kuvakoka kuti vabatane pakuitisa zvidzidzo zvake zveBhaibheri. Aivafonerawo nekuvatumira mameseji ekuvakurudzira. Norianni anoti, “Jehovha akandiratidza kuti ndine zvakawanda zvandinogona kuita.”

Hama nehanzvadzi dzedu dzekuVenezuela dziri kusangana nematambudziko akawanda panguva iyi yakaoma. Kunyange zvakadaro, vari kuramba vachishingaira pakuparidza uye ‘vari kunyaradzana zvikuru.’—VaKorose 4:11; 2 Timoti 4:2.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe