RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwex nyaya 25
  • Anobatsira Vamwe Pasinei Nematambudziko Eutano

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Anobatsira Vamwe Pasinei Nematambudziko Eutano
  • Zvakaitika
  • Mashoko Akafanana
  • Kuedza Kwandakaita Kuita Zvisarudzo Zvakanaka
    Mukai!—2000
  • Kutsungirira Matambudziko Kunounza Makomborero
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Mhuka—Tichanakidzwa Nadzo Nokusingaperi
    Mukai!—2004
  • Mwari Anoona Sei Matsi?
    Dzimwe Nyaya
Ona Zvimwe
Zvakaitika
ijwex nyaya 25
Maria Lúcia achinyora tsamba.

Anobatsira Vamwe Pasinei Nematambudziko Eutano

Maria Lúcia, wekuBrazil, ane chirwere chinonzi Usher’s syndrome icho chinoita kuti vanhu vakawanda vave matsi uye zvishoma nezvishoma vapedzisire vasingachaoni. Akaberekwa ari matsi uye akadzidzira mutauro wemasaini achiri mwana mudiki. Paakanga ava nemakore anenge 30, akatanga kusaona zvakanaka. Pasinei nematambudziko ake, Maria Lúcia haana kuzviparadzanisa nevamwe. Iye zvino ava nemakore anodarika 70, asi achiri kufara uye ari kurarama upenyu hune chinangwa.

Maria Lúcia akaonana neZvapupu zvaJehovha muna 1977, paakanga achiri kuona zvakanaka. Anoti: “Ndakaonana naAdriano wandakanga ndadzidza naye kuchikoro, uyo akanga achangobva kuva Chapupu. Akandiudza nezvevimbiso yaMwari yekuti nyika ino ichava paradhiso uye kuti vanhu vachararama vaine utano hwakanaka. Ndakabayiwa mwoyo nezvaakandiudza zvekuti ndakabvuma kudzidza Bhaibheri. Munguva pfupi ndakatanga kupinda misangano neungano yaiva muRio de Janeiro, uye mimwe misangano yaiturikirwa mumutauro wemasaini. Ndichibatsirwa naJehovha ndakafambira mberi mune zvekunamata uye ndakabhabhatidzwa muna July 1978.”

Papera nguva, Maria Lúcia akatamira kuungano yakanga isina Zvapupu zvaiziva mutauro wemasaini. Pakutanga zvakanga zvakamuomera nekuti akanga asinganzwisisi zvaidzidziswa pamisangano. Hanzvadzi mbiri dzakamubatsira. Vaigara naye pamisangano uye vaimunyorera zvaidzidziswa. Maria Lúcia anoti, “Ndava kumba, ndairamba ndichiverenga zvavainge vanyora kusvikira ndava kuzvinzwisisa. Hanzvadzi mbiri idzi dzakazodzidzira mutauro wemasaini uye ndidzo dzakanga dzava kuturikira.”

Maria Lúcia paakanga ava kuwedzera kusaona, akanga asingachakwanisi kuona vaturikiri pavaisaina. Saka akatanga kusainirwa mumaoko. Izvozvo zvinoitwa sei? Anoti: “Ndinoisa maoko angu pamusoro peemunhu anenge achiturikira. Izvi zvinoita kuti ndikwanise kuziva kuti ari kuti kudii.”

Maria Lúcia anoonga chaizvo basa riri kuitwa nevanhu vanoturikira. Anoti “Vanhu ava chipo chaicho chinobva kuna Jehovha. Kundibatsira kwavari kuita kuri kuita kuti ndikwanise kunzwisisa zvinodzidziswa pamisangano uye magungano.”

Muturikiri achisainira Maria Lúcia mumaoko kuti akwanise kunzwisisa musangano.

Maria Lúcia anogara achiita basa rekuparidza. Anoparidzira matsi achiita zvekusainirwa mumaoko, uye vanoshamiswa nekushanda nesimba kwaanoita kuti avaudze mashoko akanaka. Munguva yeCOVID-19, Maria Lúcia akanyorera matsi tsamba dzakawanda achibatsirwa nehanzvadzi yake, José Antônio, uyo asinganzwiwo kana kuona.a

Maria Lúcia achinyora tsamba uko José Antônio achimusainira muruoko rwake rweruboshwe.

Anozviita sei? Anoti, “Ndinoshandisa chirura chepurasitiki chakaita L. Chinondibatsira kuti ndinyore mitsetse yakatwasuka uye ndigadzire ndima pandinenge ndichinyora. José Antônio anoyeuka chaizvo zvinhu zvaanenge abata. Anotaura nyaya dzemuBhaibheri nemavhesi, uye ndinoaisa mutsamba dzangu. Ndinoedza kunyora zvinonzwisiswa nevanhu vanenge vari matsi. Vamwe vanhu vanenge vari matsi havakwanisi kunzwisisa zvinhu zvakanyorwa.”

Kunyange zvazvo Maria Lúcia ava bofu, achiri kukwanisa kuita mabasa. Karoline, mumwe wevanomuturikira, anoti: “Maria Lúcia anoita mabasa ese emumba ega uye mumba make munogara makachena. Anofarira kubika uye kupa shamwari dzake zvaanenge abika.”

Maria Lúcia achipakurira shamwari yake zvaabika.

Mumwe mukuru wemuungano yaMaria Lúcia anonzi Jefferson anoti: “Maria Lúcia anoda Jehovha chaizvo. Anodawo vanhu. Anogara achiita zvinhu zvinobatsira vamwe. Haafungi zvakangomunakira.”—VaFiripi 2:4.

a José Antônio akazova Chapupu Maria Lúcia atova Chapupu uye akabhabhatidzwa muna 2003. Akaberekwa ari matsi akazovawo bofu sezvakangoita Maria Lúcia.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe