RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 179
  • Bhaibheri Rinotii Panyaya Yekutsiva?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinotii Panyaya Yekutsiva?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Kutsiva kwakaipirei?
  • Mwari anoranga sei?
  • Ndingaita sei kuti ndisava nepfungwa dzekutsiva?
  • Zvinofungwa nevamwe nezvekutsiva
  • Kana Wagumburwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • 2 | Usatsiva
    TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2022
  • Kusuma Chikamu 7
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Ko Matsive Akaipa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 179
Mukadzi ari kufunga kutsiva.

Bhaibheri Rinotii Panyaya Yekutsiva?

Mhinduro yeBhaibheri

Kunyange zvazvo munhu angafunga kuti ane kodzero yekutsiva, Bhaibheri rinoti tisatsiva. Rinoti: “Usati: ‘Ndichamuita zvaakandiita; Ndichamubata.’” (Zvirevo 24:29, mashoko emuzasi) Bhaibheri rine mazano ari kubatsira vakawanda kuti vasava nepfungwa dzekutsiva.

Zviri munyaya ino

  • Kutsiva kwakaipirei?

  • Mwari anoranga sei?

  • Ndingaita sei kuti ndisava nepfungwa dzekutsiva?

  • Zvinofungwa nevamwe nezvekutsiva

Kutsiva kwakaipirei?

Kana mumwe munhu akakuitira zvinhu zvakaipa kana kukukuvadza, unogumbuka uye zviri nyore kunzwa uchida kuti munhu iyeye arangwe pamusana pezvaanenge aita. Asi Bhaibheri rinoti tisatsiva. Nemhaka yei?

Jehovhaa Mwari haafari kana tikaedza kuda kutsiva. Iye pachake anoti: “Kutsiva ndekwangu; ndichatsividza.” (VaRoma 12:19) Bhaibheri rinokurudzira vaya vanenge vaitirwa zvinhu zvakaipa kuti vatsvage nzira dzekugadzirisa nadzo nyaya yacho zvine rugare pane kutsiva. (VaRoma 12:18) Asi ko kana munhu akaedza kugadzisirisa nyaya yacho murugare asi zvoramba, kana kuti poshayika nzira yacho yekuzvigadzirisa? Bhaibheri rinotikurudzira kuti tisiyire nyaya yacho mumaoko aJehovha, iye ndiye achazozvigadzirisa.—Pisarema 42:10, 11.

Mwari anoranga sei?

Parizvino, Mwari anobvumira zviremera kuranga vanhu. (VaRoma 13:1-4) Nekufamba kwenguva, achaita kuti vanhu vese vari kuitira vamwe zvakaipa vapiwe mutongo wavo uye pachange pasisinazve munhu anenge achiitirwa utsinye.—Isaya 11:4.

Ndingaita sei kuti ndisava nepfungwa dzekutsiva?

  • Usati kana wagumburwa wobva watoita chimwe chinhu. (Zvirevo 17:27) Vanhu vanoti vakagumburwa vobva vaita hasha nekupopota kakawanda kacho vanowanzoita zvinhu zvavanozodemba. Asi vaya vanozvidzora votanga vafunga vasati vaita chimwe chinhu havawanzoiti chinhu chavanozodemba.—Zvirevo 29:11.

  • Tsvaga chikonzero. (Zvirevo 18:13) Kana ukagumburiswa unogona kuzvibvunza kuti, ‘Pane zvandisiri kuziva here zvaita kuti munhu uyu aite zvaaita izvi? Ane zviri kumunetsa here? Kana kuti aita asiri kutomboziva kuti ndizvo zvaaita?’ Dzimwe nguva tinogona kufunga kuti munhu atigumbura nemaune asi tozoona kuti handizvo.

Zvinofungwa nevamwe nezvekutsiva

Zvinofungwa nevamwe: Bhaibheri harirambidzi kutsiva nekuti rinoti, ‘ziso rinotsviviwa neziso.’—Revhitiko 24:20.

Chokwadi nezvenyaya iyi: Mutemo wekuti ‘ziso rinotsiviwa neziso’ wainge wakapiwa vaIsraeri waisakurudzira munhu kuti atsive ega. Mutemo uyu waibatsira vatongi kuti vape chirango chaienderana nezvinenge zvaitwa nemunhu.b—Dheuteronomi 19:15-21.

Zvinofungwa nevamwe: Sezvo Bhaibheri risingabvumiri kuti munhu atsive ega, hatifaniri kuzvidzivirira kana tikaitirwa zvinhu zvakaipa.

Chokwadi nezvenyaya iyi: Munhu ane kodzero yekuzvidzivirira kana kukumbira vane masimba kuti vamubatsire kana akaitirwa zvinhu zvakaipa. Asi Bhaibheri rinotaura kuti tinofanira kuedza nepese patinogona napo kuti tisarwisana nevanhu kana kuita zvemhirizhonga.—Zvirevo 17:14.

a Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.

b Kuti unzwe zvakawanda nezvemutemo uyu, verenga nyaya yakanzi Zvinomborevei Kuti “Ziso Rinotsiviwa Neziso”?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe