RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb17 pp. 106-107
  • Ndakakumbira Jehovha Kuti Anditungamirire

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndakakumbira Jehovha Kuti Anditungamirire
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
  • Mashoko Akafanana
  • Rudo Rwechokwadi rwechiKristu Harumboperi
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
  • Ndainzwa Kuti Zviri Kunyatsondifambira
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
  • Ndakazvionera Ndega Zvinotaurwa neBhaibheri!
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
  • Aisakwanisa Kurisiya Pasi!
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
Ona Zvimwe
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
yb17 pp. 106-107

GEORGIA

Ndakakumbira Jehovha Kuti Anditungamirire

Tamazi Biblaia

  • AKABEREKWA MUNA 1954

  • AKABHABHATIDZWA MUNA 1982

  • NHOROONDO YEUPENYU Akabatsira pakuprindwa kwemabhuku pachivande uye akashumira semumwe wevatariri vanofambira vekutanga muGeorgia, uku achirera vana vake vana.

Tamazi Biblaia

AMAI vangu vakatsamwa chaizvo ini nemudzimai wangu, Tsitso, patakava Zvapupu zvaJehovha. Rimwe zuva, vakaunganidza hama dzedu dzese, vaine chivimbo chekuti vaizotinyengetedza kuti tisazombofa takawadzana futi neZvapupu. Ndakanzi ndisarudze kuti ndoda zvipi, kurega kuva Chapupu kana kuti kudzingwa mumhuri.

Ndakasarudza kutama mutaundi randaigara. Sezvo ndaiita basa rekupfura simbi, ndakafunga zvekuenda kune rimwe remaguta makuru muGeorgia rinonzi, Kutaisi, kwandaigona kuzowana basa zviri nyore. Ndaizivawo kuti kwaidiwa vaparidzi vakawanda muguta iroro, saka ndakakumbira Jehovha kuti anditungamirire.

Pasina nguva, ndakasangana nemumwe wandaidzidza naye Bhaibheri, aigara mutaundi diki rinonzi Jvari. Paakanzwa kuti ndaifunga nezvekuenda kuKutaisi, akandikumbira kuti nditamire kutaundi raaigara. Akandiudza kuti, “Tine imba yatinogona kugara tese. Ini nemudzimai wangu nevana vedu tinogona kushandisa rimwe kamuri uye iwe nemudzimai wako moshandisa rimwe racho.”

Sezvo ndaida kutungamirirwa naJehovha, ndakaudza munhu iyeye wandaidzidza naye Bhaibheri kuti ndaigona kumbogara navo kwechinguva kana ndaizokurumidza kuwana basa nepekugara muJvari. Ndakashamisika chaizvo manheru iwayo paakauya nepepa rainge rakanyorwa mazita evanhu vaitsvaka munhu webasa.

Papera mazuva mashomanana, ini nemhuri yangu takanogara kuJvari. Kubvira musi wekutanga chaiwo, ndakawana basa raibhadhara kupfuura zvandaifungidzira. Munhu wandainge ndava kushandira akandipa imba yekambani yakakura yekuti ndigare. Pasina nguva, hama dzakandikumbira kuti ndibatsire vaiita basa rekuprinda mabhuku eBhaibheri pachivande. Taiva nenzvimbo yakakura chaizvo mumba medu, saka ini nemudzimai wangu takaita kuti ishandiswe pakuita basa iri.

Kwemakore akawanda, imba yedu yakakura yakashandiswa kuitira Chirangaridzo nezvimwe zviitiko zvinokosha. Vanhu vanopfuura 500 vakabhabhatidzirwa mumba medu! Ndinofara chaizvo kuti ndakanyatsoona kutungamirira kwaJehovha uye kuti ndakabvuma kutungamirirwa naye!

Tamazi Biblaia nemudzimai wake vachidzidza Bhaibheri nemumwe murume
    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe