RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb13 pp. 2-3
  • Rugwaro Rwegore rwa2013

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rugwaro Rwegore rwa2013
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2013
  • Mashoko Akafanana
  • Joshua 1:9—“Shinga, Usimbe”
    Kutsanangurwa Kwemavhesi
  • Zvakayeukwa naJoshua
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 6—Joshua
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Shinga—Jehovha Anewe!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2013
yb13 pp. 2-3

Rugwaro Rwegore rwa2013

“Shinga, Usimbe. . . . Jehovha Mwari Wako Anewe.”​—Joshua 1:9

Muna 1473 B.C.E., vaIsraeri vakanga vagadzirira kupinda muNyika Yakapikirwa, asi vakanga vakatarisana nevavengi vane simba. Mwari akaudza Joshua kuti, “Shinga, usimbe.” Kana aizoramba akatendeka, Joshua aizobudirira. Akaudzwa kuti, “Usavhunduka kana kutya, nokuti Jehovha Mwari wako anewe kwose kwaunoenda.” Uye zvechokwadi Mwari akava naye, nokuti vaIsraeri vakakunda vavengi vavo mumakore matanhatu chete.—Josh. 1:7-9.

VaKristu vechokwadi vava pedyo nekupinda munyika itsva saka vanofanira kushinga uye kusimba. Kufanana naJoshua, isuwo tine vavengi vanoda kukanganisa kuperera kwedu. Hondo yatiri mairi haisi yemapfumo nemapakatwa, asi inorwiwa nezvombo zvekufananidzira, uye Jehovha anotidzidzisa kuti tingazvishandisa sei neunyanzvi. Chero mamiriro ezvinhu aungasangana nawo, ziva kuti kana ukashinga, wosimba uye woramba wakatendeka, Jehovha acharamba ainewe uye achaita kuti ukunde.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe