Tsamba Inobva kuDare Rinodzora
Hama neHanzvadzi Dzinodiwa:
Baba vedu vokudenga Jehovha, vane rudo rukuru. Ndosaka Bhaibheri richiti: “Mwari rudo.” (1 Joh. 4:8) Kunyange zvazvo Jehovha ari Wemasimbaose, Shoko rake harimboti “Mwari isimba.” Kutonga kwake kwose ndekwerudo. Izvi zvinoita kuti tiswedere pedyo naye!
Zvinofadza kuti Jehovha haatimanikidze kumushumira. Haasi mudzvinyiriri. Anoda kuti timushumire nerudo rwunobva pamwoyo. Kana tikadaro tinenge tichiratidza kuti tinoda utongi hwake nokuti tinoziva kuti ndihwo hwakarurama uye ndehwerudo. Izvi zvave zvichinyatsooneka kubva pakasikwa vanhu.
Pane kumanikidza Adhamu naEvha kumuteerera, Jehovha akavapa mukana wokuzvisarudzira. Kudai vainyatsoda Jehovha uye vaikoshesa zvaakanga avaitira, vangadai vakaramba kufurirwa naSatani kuti vapanduke.
Makore akazotevera, Mosesi akaudza vaIsraeri mumashoko ekupedzisira eupenyu hwake kuti: “Ona, nhasi ndinoisa pamberi pako upenyu nezvakanaka, uye rufu nezvakaipa.” (Dheut. 30:15) Vanhu vakanga vakasununguka kusarudza mararamiro avaida. Ndozvakataurwawo naJoshua paakaudza vaIsraeri kuti: “Kana zvakaipa kwamuri kushumira Jehovha, zvisarudzirei nhasi wamuchashumira.” Vanhu vakamupindura vachiti: “Hatingambofungi zvakadaro, kusiya Jehovha.” (Josh. 24:15, 16) Ndiwo manzwiro atinoita kunyange nhasi. “Hatingambofungi” kusiya Jehovha nokuti tinomuda.
Muungano yechiKristu, tinonyatsoziva kuti tine rusununguko rwekuzvisarudzira. Kunyange zvazvo vakuru vakapiwa basa rokupa zano kana kuti rekuranga, havafaniri kutonga vamwe. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Kwete kuti tiri vanatenzi vokutenda kwenyu, asi tiri vashandi pamwe chete nemi kuti mufare, nokuti makamira nokutenda kwenyu.”—2 VaK. 1:24.
Zvinotigutsa zvikuru kana tikaita chinhu zvichibva pakuti tinoda kuchiita kwete kuti tamanikidzwa. Jehovha anotikumbira kuti tiite zvakanaka nokuti tinomuda. Izvi zvinonyatsooneka kukosha kwazvo mumashoko aPauro akafemerwa ekuti: “Kana ndikapa zvinhu zvangu zvose kuti ndidyise vamwe, uye kana ndikapa muviri wangu sechibayiro, kuti ndizvirumbidze, asi ndisina rudo, handimbobatsirwi.”—1 VaK. 13:3.
Zvinofadza Jehovha zvikuru uye zvinoita kuti arumbidzwe, mamiriyoni ehama nehanzvadzi paanomushumira nekuti anomuda nemwoyo wose!
Jehovha anobva aratidzawo kuti anoda vashumiri vake vose, kusanganisira vana uye vachiri kuyaruka vanoratidza kuti vanoda Jehovha kupfuura nyika nezvinowanika mairi zvokuzvifadza. Zivai kuti tinokudaiwo zvikuru.—Ruka 12:42, 43.
Zvichibva pakuda kwamunoita Jehovha, gore rapera imi hama dzedu nehanzvadzi uye vechiduku vedu makaita maawa 1 748- 697 447 muchiparidza mashoko akanaka. Rudo irworwo rwakaita kuti vanhu 7 782- 346 vaite basa rekuparidza munyika yose. Tinofarawo kuti vatsva vanokwana 268 777 avo vanosanganisira vechiduku, vakaratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha nokubhabhatidzwa. Izvi zvinoreva kuti vanhu vanokwana 5 168 vaibhabhatidzwa vhiki rimwe nerimwe. Chokwadi izvi zvinotibaya mwoyo!
Munguva ino yemugumo, vanhu vaMwari vanofanira kutsungirira zvinetso zvakawanda, kutambudzwa, kurwara, uye kukwegura. Asi takatsunga kuti ‘tisatombodzokere shure’ uye kuti ‘tisaneta.’ Mose zvenyu tinokudai zvikuru.—VaH. 10:39; 2 VaK. 4:16.
Hama dzenyu,
Dare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha