Kuparidza Nokudzidzisa Munyika Yose—Nhamba Dzose Dza2008 Pasi Pose
GORE negore tinoverenga mubhuku rino nezvezviri kuitwa pakubatsira vanhu kuti vazive uye vade Jehovha Mwari. Kukura kwakaita basa iri hakutauriki. Hapana sangano ringagona kubhadhara vanhu vane mamiriyoni kuti vazivise shoko chero ripi zvaro kuvanhu vakawanda kudaro vari munyika dzose. Asi, Zvapupu zvaJehovha hazvitarisiri kubhadharwa pabasa razvo rokudzidzisa vamwe Bhaibheri. Vanoomerera pamurayiro wakapiwa vadzidzi naJesu anoda kusvika makore chiuru akapfuura, wokuti: “Makagamuchira pachena, ipai pachena.” (Mat. 10:8) Sezvaunofungisisa zvakaitwa mugore rebasa rapfuura, wana kanguva kekumbofunga kuti izvozvo zvakaitwa nevaya vanopa pachena uye vasina udyire nokuti vanokurudzirwa kuonga rudo rwaMwari.
Nhamba Dzose Dza2008 Pasi Pose
Mapazi eZvapupu zvaJehovha: 115
Nhamba Yenyika Dzakashuma: 236
Ungano Dzose: 103 267
Vakapinda Chirangaridzo Munyika Yose: 17 790
631
Vakadya Pachirangaridzo Munyika Yose: 9 986
Nhamba Yepamusorosoro Yevaparidzi Mubasa
roUmambo: 7 124 443
Avhareji Yevaparidzi Vanoparidza Mwedzi
Woga Woga: 6 829 455
Kuwedzera Kwakaitika Kubva Gore ra2007: 2,1
Nhamba Yevose Vakabhabhatidzwa: 289 678
Avhareji Yemapiyona Ebetsero Mwedzi
Woga Woga: 321 986
Avhareji Yemapiyona Mwedzi Woga Woga: 732 912
Maawa Ose Akapedzerwa
Muushumiri: 1 488 658 249
Avhareji Yevadzidzi veBhaibheri Mwedzi
Woga Woga: 7 133 760
Mugore rebasa ra2008, Zvapupu zvaJehovha zvakashandisa madhora ekuAmerica anopfuura mamiriyoni 141 kutsigira mapiyona chaiwo, mamishinari, uye vatariri vanofambira mumabasa avo oushumiri.
◼Munyika yose, vashumiri vakagadzwa vanokwana 19 820 vanoshanda mumapazi akasiyana-siyana. Vose zvavo inhengo dzeBoka Romunyika Yose Revashumiri Chaivo Venguva Yakazara reZvapupu zvaJehovha.
[Chati iri papeji 32-39]
MUSHUMO WEGORE REBASA RA2008 WEZVAPUPU
ZVAJEHOVHA PASI POSE
(Ona bhuku racho)
[Mepu iri papeji 40-42]
(Ona bhuku racho)