RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w26 July pp. 14-19
  • Nyatsoziva Jehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyatsoziva Jehovha
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVINOREVEI KUZIVA JEHOVHA?
  • NEI TICHIFANIRA KURAMBA TICHIWEDZERA KUZIVA NEZVAJEHOVHA?
  • ZVII ZVATINGAITA KUTI TIWEDZERE KUZIVA JEHOVHA?
  • TICHARAMBA TICHINGODZIDZA NEZVAJEHOVHA
  • Zvininipise Uchibvuma Kuti Pane Zvimwe Zvinhu Zvausingazivi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Tingaita Sei Zvisarudzo Zvinoratidza Kuti Tinovimba naJehovha?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Yeuka Kuti Jehovha Ndiye “Mwari Mupenyu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • “Zvisarudzirei . . . Wamuchashumira”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
w26 July pp. 14-19

SEPTEMBER 21-27, 2026

RWIYO 12 Mwari Mukuru, Jehovha

Nyatsoziva Jehovha

“Ziva Mwari wababa vako, umushumire nemwoyo wakaperera.”—1 MAK. 28:9.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti zvinorevei kuziva Jehovha, nei tichifanira kuramba tichimuziva uye kuti tingazviita sei.

1. Tinonzwa sei patinofunga nezveruzivo runa Jehovha, uchenjeri hwake, uye zvinhu zvese zvaakaita?

MUSIKI wedu Jehovha anoshamisa chaizvo, anoziva zvinhu zvese, hapana ane uchenjeri hunopfuura hwake, uye akaita zvinhu zvakawanda zvinoshamisa. Patinofunga zvese izvi, tinogona kusvika pakunzwa semanzwiro aiita muapostora Pauro paakanyora kuti: “Chokwadi pfuma yaMwari neuchenjeri hwake neruzivo zvakadzama! Chokwadi mitongo yake haigoni kuongororwa uye nzira dzake hadzigoni kunzwisiswa!”—VaR. 11:​33, 34.

2. Chii chinoratidza kuti tinokwanisa kuziva Jehovha?

2 Kunyange zvazvo tisingakwanisi kuziva zvese nezvaJehovha, pane zvimwe zvatinokwanisa kuziva nezvake. Nei tichidaro? Mambo Dhavhidhi akaudza mwanakomana wake Soromoni kuti: “Ziva Mwari wababa vako, umushumire nemwoyo wakaperera . . . Kana ukamutsvaga, achaita kuti umuwane.” (1 Mak. 28:9) Pashure pemakore akawanda, muapostora Johani akayeuchidza vaKristu vepanguva yake kuti Mwari akatipa “njere kuti tizive iye wechokwadi.” (1 Joh. 5:20) Uyewo Jesu pachake akataura kuti aizobatsira vanhu kuti vanyatsoziva Baba.—Mat. 11:27.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Vanhu vese vakazvitsaurira kuna Jehovha vane zvinhu zvakawanda zvavanotoziva nezvaJehovha. Asi hatimbofa takasvika ‘pakuziva’ zvese nezvake. (Joh. 17:3) Ticharamba tichingodzidza zvatinofanira kuita kuti timufadze uye zvatingaita kuti tiwedzere kuvimba naye. Saka regai timbokurukura mibvunzo mitatu yatinofanira kufunga nezvayo pasinei nekuti tava nemakore akawanda sei tichishumira Jehovha. Wekutanga, zvinorevei kuziva Jehovha? Wechipiri, nei tichifanira kuramba tichiwedzera kuziva nezvaJehovha? Uye wechitatu, zvii zvatingaita kuti tiwedzere kumuziva?

ZVINOREVEI KUZIVA JEHOVHA?

4. Zvinorevei kuziva Jehovha?

4 Mhinduro yacho tinoiwana kubva pamashoko akataurwa naJehovha nezvenhapwa dzechiJudha dzaizobva kuBhabhironi. Jehovha akati: “Ndichadzipa mwoyo wekuti dzindizive kuti ndini Jehovha.” (Jer. 24:7) Nhapwa idzodzo dzaizobva kuBhabhironi dzine zvadzaiziva nezvaJehovha. Asi dzaifanira kuwedzera kumuziva kuitira kuti dziswedere pedyo naye. Rimwe bhuku rinoti: “Kungoziva nezvaMwari kwakasiyana nekunyatsomuziva zvekuti unosvika pakuva shamwari yake yepedyo. Tinogona kuzvifananidza neizvi: Kuverenga nezverudo kwakasiyana nekupinda murudo.” Hatifaniri kungogumira pakuziva kuti Jehovha ane zita uye kuti ndiMwari. Asi tinofanira kunyatsosvika pakuziva kuti ndiMwari akaita sei.

5. Nyaya yaMambo Josiya inotibatsira sei kunzwisisa zvazvinoreva kuziva Jehovha?

5 Tinowedzerawo kuziva Jehovha patinodzidza zvinhu zvaanofarira nezvaasingafariri. Ndizvo zvakaitwa naMambo Josiya. Bhaibheri rinoti: “Mugore rechi8 rekutonga kwake, paakanga achiri mukomana, akatanga kutsvaga Mwari watateguru vake Dhavhidhi.” (2 Mak. 34:3) Izvi zvinoratidza kuti Josiya aidzidza nezvaJehovha. Asi haana kungogumira pakudzidza nezvake, aishandisa zvaaidzidza. Jehovha akatomboshandisa muprofita Jeremiya kutaura nezvaJosiya achiti, ‘aitonga zvakanaka uye aiita zvakarurama’ uye akarwira nyaya dzevanhu vanotambura nevarombo. Jehovha akazotaura kuti izvozvo ndizvo zvinofanira kuitwa nevanhu vanomuziva paakati: “Handiti ikoko ndiko kundiziva here?”—Jer. 22:​15, 16.

6. Maererano naPisarema 9:​10, kuziva Jehovha kunotibatsira sei?

6 Verenga Pisarema 9:10. Patinowedzera kuziva Jehovha, tinowedzerawo kuvimba naye. Izvozvo tinonyatsozviona pane zvakaitika kune muapostora Pauro. Paaiva mujeri kekupedzisira uye atarisana nerufu, muapostora Pauro akanyora kuti: “Handinyari. Nekuti ndinoziva wandakatenda maari.” (2 Tim. 1:12) Nei akadaro? Pauro akadzidza zvakawanda nezvaJehovha muupenyu hwake uye akaona achimubatsira kakawanda. Ndosaka ainyatsovimba naye. Pauro ainyatsoziva kuti Jehovha aisazomukanganwa. Aisazokanganwawo kumushumira kwaakaita akatendeka uye kuti aizomumutsa.

NEI TICHIFANIRA KURAMBA TICHIWEDZERA KUZIVA NEZVAJEHOVHA?

7. Zvii zvinogona kuitika kwatiri kana tava nemakore akawanda tichishumira Jehovha?

7 Patakatanga kudzidza Bhaibheri, taishanda nesimba kuti tizive zvakawanda nezvaJehovha. Asi makore zvaanenge achipindana, tinogona kupedzisira tava kusaisa pfungwa dzedu pakudzidza nezvaJehovha. Zvingaitika sei izvozvo? Patinenge tichiverenga Bhaibheri tiri tega kana kuti patinoriverenga pamwe chete nevamwe kumisangano, tinogona kungoisa pfungwa dzedu pakuti zvatiri kudzidza zvinoshanda sei muupenyu hwedu kana kuti tingazvishandisa sei pakubatsira vamwe. Izvozvo hazvina kumboipa. Bhaibheri rinototikurudzira kuti tidaro. (2 Tim. 3:​16, 17) Asi pane zvimwe zvinhu zvinokosha zvinodzidziswa neBhaibheri zvatisingafaniri kukanganwa nezvazvo. (Pis. 25:​8-10) Tinofanira kuzvibvunza kuti, ‘Zvandiri kuverenga zvinondiudzei nezvaJehovha Mwari?’a

8. Chii chichaitika kuushamwari hwedu naJehovha kana tikawedzera kumuziva? (Pisarema 73:​24-28)

8 Patinowedzera kuziva Jehovha, ushamwari hwedu naye hunowedzerawo kusimba. Chimbofunga izvi: Unonzwa sei paunopedza kuverenga Bhaibheri zuva rega rega, paunopedza kuona JW Broadcasting kana kuti panopera gungano? Tinowanzonzwa tawedzera kuswedera pedyo naBaba vedu vekudenga nekuti tinenge tadzidza zvakawanda nezvavo. Izvi zvinowanzoita kuti tinzwe tichida kuvarumbidza uye kuvatenda. Tinonzwa semanzwiro aiita munyori wePisarema paaifungisisa nezvekudiwa kwaanoitwa naJehovha. Akati: “Mwari idombo remwoyo wangu uye mugove wangu nekusingaperi.” (Verenga Pisarema 73:​24-28.) Zvese zvatinoedza kuita kuti tizive Jehovha zvinoita kuti tiwedzere kukoshesa ushamwari hwedu naye.

9. Kugara tichifunga nezvaJehovha kunotibatsira sei? Taura muenzaniso.

9 Bhaibheri rinotiudza kuti tigare tichifunga nezvaJehovha. (Zvir. 3:​5, 6) Izvi zvinoreva kuti tinofanira kugara tichifunga zvinhu zvatakadzidza nezvake uye kuti zvatinosarudza zvinoita kuti anzwe sei. Izvi zvinotibatsira kuti tiite zvisarudzo zvinomufadza. Tinogona kuzvienzanisa neizvi: Hama nehanzvadzi dzakawanda dzinowanzochengeta mufananidzo wemunhu wavakaroorana naye pekuti vanogara vachiuona. Izvi zvinovayeuchidza nezvekuda kwavanoita munhu iyeye uye zvinoita kuti vagare vachimufunga. Zvinoitawo kuti vaite zvisarudzo zvavanoziva kuti zvichafadza mumwe wavo uye havazombodi kuita zvinhu zvinogona kumurwadzisa. Nesuwo kana tikagara tichifunga nezvaJehovha, zvichatibatsira kuti tiite zvisarudzo zvichamufadza.—Pis. 19:​13, 14.

10. Kudzidza nezvaJehovha kuchatibatsira kuti tiite sei?

10 Takasikwa nemufananidzo waMwari, saka tinokwanisa kumutevedzera. (Gen. 1:26) Uyewo kana tikawedzera kudzidza zvakawanda nezvaJehovha, zvichatibatsira kuti tiwedzere kunzwisisa zvatingaita kuti timutevedzere. Jesu akashora vanyori nevaFarisi nemhaka yekuti vaitadza kutevedzera Jehovha. Vainyatsoziva mutemo, asi ‘vakasiya nyaya dzinokosha dzeMutemo, dzinoti, kutonga zvakarurama nengoni nekutendeka.’ (Mat. 23:23) Isu hatimbodi kuvatevedzera, asi tinofanira kufunga kuti mitemo uye zvimwe zvinotaurwa muBhaibheri zvinotidzidzisei nezvaJehovha. Kuita izvi kuchatibatsira kuti tinyatsomutevedzera.—1 Joh. 4:​8, 11.

ZVII ZVATINGAITA KUTI TIWEDZERE KUZIVA JEHOVHA?

11. Wakasvika sei pakuziva nezvaJehovha?

11 Ndiani akatanga kukudzidzisa nezvaJehovha? Pamwe vanogona kunge vaiva vabereki vako. Vanogona kunge vaishandisa nyaya dziri muBhaibheri kuti vakubatsire kuona kuti Jehovha ndiMwari akaita sei uye vanogona kunge vakakubatsira kuona kuti zvinhu zvakasikwa zvinokudzidzisei nezvake. Kana kuti chimwe Chapupu chakatozokudzidzisa Bhaibheri watokura. Mudzidzisi wako anogona kunge akashandisa bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! kuti akubatsire kuona kuti nyaya dziri muBhaibheri uye zvinhu zvakasikwa zvinotidzidzisei nezvaJehovha.b (Neh. 8:8; Mab. 14:17) Iye zvino ngatimboonai kuti zvii zvatingaita kuti tirambe tichidzidza nezvaJehovha.

12-13. Zvii zvatinodzidza nezvaJehovha patinoverenga Bhaibheri? Taura muenzaniso. (Jeremiya 39:​15-18) (Onawo mufananidzo.)

12 Chekutanga, tinogona kudzidza zvakawanda nezvaJehovha kana tikadzidza Shoko rake. Dzimwe nguva Bhaibheri rinonyatsotiudza zvakajeka kuti Jehovha ndiMwari akaita sei. (Eks. 34:​6, 7) Asi kakawanda kacho, rinotiudza nyaya dzezvakaitika muupenyu hwevanhu uye zvisarudzo zvavakaita. Paunoverenga nyaya dzakadaro, edza kufunga kuti dzinokudzidzisei nezvaJehovha.

13 Chimbofunga nezvenyaya yaEbhedhimereki muItiopiya. Paunenge uchiverenga Jeremiya 38:​6-13, unoudzwa nezvekuti akanunura sei muprofita Jeremiya. Pamwe unobva watoona zvaungaita kuti utevedzere Ebhedhimereki pakuratidza ushingi, pakuda hama nehanzvadzi dzako uye pakubatsira vamwe kunyange pazvinenge zvakaoma. Asi ndezvipi zvaunodzidza nezvaJehovha panyaya iyoyo? (Verenga Jeremiya 39:​15-18.) Ndeapi mavhesi anoratidza kuti Jehovha anokoshesa zvatinomuitira? Zvii zvinoratidza kuti Jehovha anoita zvakarurama? Uye zvii zvinoratidza kuti Jehovha anoda munhu wese pasinei nekuti anobva kupi? Ndezvipi zvimwe zvaunodzidzawo nezvaJehovha kubva panyaya iyi? Pese paunoverenga Bhaibheri, edza kuona kuti mavhesi auri kuverenga anokudzidzisei nezvaJehovha uye mutende uchimurumbidza nemhaka yezvaunenge wadzidza nezvake.

Ebhedhi-mereki nevamwe varume vachibudisa Jeremiya mumugodhi vachiita zvekumudhonza netambo. Vamwe varume vane mapfumo vakamira vakagadzirira kuvadzivirira.

Ebhedhi-mereki akaratidza ushingi paakanunura Jeremiya, uyo akanga akandwa mumugodhi (Ona ndima 12-​13)


14. Nei tichifanira kunyatsofungisisa pamusoro pezvinhu zvakasikwa naJehovha?

14 Chechipiri, tinogona kudzidza zvakawanda nezvaJehovha kana tikawana nguva yekunyatsofungisisa zvinhu zvaakasika. (Pis. 145:​9, 10) Izvi hazvirevi kuti tinongogumira pakuona zvinhu zvaakasika. Kune vanhu vanoita upenyu hwavo hwese vachidzidza nezvezvinhu zvakadai semhuka kana kuti zvinhu zvinomera, asi vanotadza kubvuma kuti kuna Mwari akazvisika kana kunzwisisa kuti ndiMwari akaita sei. Muapostora Pauro akanyora kuti ‘kunyange zvazvo Mwari asingaoneki, vanhu vanogona kunzwisisa zvaari kubva pazvinhu zvakasikwa.’ (VaR. 1:20) Pavhesi iyi, imwe shanduro yeBhaibheri inotaura kuti “munhu anonyatsofunga anokwanisa kunyatsonzwisisa kuti Mwari akaita sei.” Saka tinofanira kunyatsowana nguva yekufungisisa zvinhu zvakasikwa naJehovha toona kuti zvinotidzidzisei nezvake.

15. Zvii zvakaitwa naPatrick kuti awedzere kudzidza nezvaJehovha uye ungamutevedzera sei? (Onawo mufananidzo.)

15 Vakawanda vedu tinogara mumaguta musina zvinhu zvakasikwa zvakawanda. Kana uchigara muguta, zvinoreva here kuti haukwanisi kudzidza kubva pazvinhu zvakasikwa? Aiwa. Chimbofunga nezvaPatrick, uyo anogara kuBrazzaville, rimwe guta rakakura chaizvo riri kuRepublic of the Congo. Patrick anoti: “Zuva rega rega, ndinoedza kutarisa zvinhu zvakasikwa naJehovha. Ndinowanzoona tupukanana uye tushiri tudiki tuchitsvaga zvekudya kana kuti pekugara. Rimwe zuva ndakamboona dzimwe shiri dzichivaka dendere. Shiri idzi dzainhonga zvinhu zvakasiyana-siyana zvinowanika munharaunda yedu, dzichigadzira dendere rakanaka kuitira manyana adzo.” Asi Patrick haana kungogumira pakutarisa zvaiitwa neshiri idzi. Akatanga kufungisisa kuti zvaimudzidzisei nezveMusiki. Anoti: “Ndakadzidza kuti Jehovha ane hanya nezvinhu zvaakasika, kunyange zviya zvinenge zviri zvidikidiki. Izvi zvakandiyeuchidza kuti anondida uye kuti haambotadzi kundipa zvandinoda pakurarama.”

Hanzvadzi inogara muguta iri kudiridza maruva ari pamba payo. Iri kutarisa kashiri kadikidiki kari kutsvaga zvekudya pamaruva acho.

Kuti uwedzere kuziva Jehovha, fungisisa pamusoro pezvinhu zvaakasika (Ona ndima 15)


16. Chii chakabatsira Mariya kuti awedzere kuziva Jehovha uye tingamutevedzerawo sei? (Onawo mufananidzo.)

16 Chechitatu chinogona kutibatsira kuti tiwedzere kuziva Jehovha kufungisisa zvatinenge taitirwa naJehovha muupenyu hwedu. Izvi ndizvo zvakaitwa naMariya, amai vaJesu. Mariya akanga agara achinyatsoziva Jehovha uye akanga ‘anzwirwa nyasha naye.’ (Ruka 1:30) Asi akabva azopiwa basa raikosha uye rakanga rakaoma rekuva amai veMwanakomana waMwari. Jehovha akashandisa ngirozi Gabrieri naErizabheti kubatsira Mariya kuona kuti Jehovha aivimba naye uye kuti aizomubatsira. Mariya akafungisisa zvinhu zvese izvi zvakanga zvaitika kwaari uye kuti zvaimudzidzisei nezvaJehovha. Akabva awedzera kuziva kuti Jehovha ane simba, anobata vanhu vese zvakanaka uye ane hanya chaizvo nevaya vanoonekwa nevamwe sevasingakoshi. (Ruka 1:​46-55) Mariya akaratidza kuti aitenda kubatsirwa kwaakanga aitwa naJehovha uye nesuwo tinofanira kuratidza kuti tinotenda kubatsirwa kwatinoitwa naJehovha “panguva yakakodzera.” (VaH. 4:16) Kana ukabatsirwa naJehovha, zvibvunze kuti: ‘Zvandaitirwa izvi zvinondidzidzisei nezvaJehovha? Zvinondiratidza kuti ndiMwari akaita sei?’

Mifananidzo: Hama ichifunga nezvepamwe payakambobatsirwa naJehovha. 1. Ichinyengetera ichikumbira kubatsirwa kuti izoita hurukuro yayo. 2. Yakamira pachikuva ichipa hurukuro yacho zvakanaka.

Kuti uwedzere kuziva Jehovha, fungisisa pamusoro pezvinhu zvaakakuitira muupenyu hwako (Ona ndima 16)c


TICHARAMBA TICHINGODZIDZA NEZVAJEHOVHA

17-18. Nei tichiti ticharamba tichingodzidza nezvaJehovha?

17 Funga kuti tichadzidza zvinhu zvakawanda sei nezvaJehovha patichange tava munyika itsva. Tichapiwa magwaro matsva achatibatsira kuti tinzwisise zvatinotarisirwa kuita naJehovha. (Zvak. 20:12) Tichadzidzawo zvakawanda nezvaJehovha nekuti tinenge tava nemukana wekuona uye kunyatsonzwisisa zvinhu zvakasikwa. (Isa. 11:​6-9) Uyewo tichawedzera kunzwisisa Baba vedu vekudenga patichaona zvinhu zvitsva zvavachaita, kusanganisira kumutsa hama neshamwari dzedu dzakafa uyewo patichaona vachitibatsira zvishoma nezvishoma kusvikira tisisina chivi.

18 Ticharamba tichingodzidza nezvaJehovha. Agara ariko, saka “kunzwisisa kwake hakugoni kuyerwa.” (Pis. 90:2; 147:5) ‘Hatizofi takanzwisisa basa rakaitwa naMwari wechokwadi kubvira pakutanga kusvikira pakupedzisira.’ (Mup. 3:11) Saka pasinei nekuti tava nemakore akawanda sei tiri muchokwadi, ngatishandisei mukana wese watinowana kuti tiwedzere kudzidza nezvaBaba vedu vane rudo.

UCHIRI KUYEUKA HERE?

  • Zvinorevei kuziva Jehovha?

  • Nei tichifanira kuramba tichiwedzera kuziva nezvaJehovha?

  • Zvii zvatingaita kuti tiwedzere kuziva Jehovha?

RWIYO 28 Kuva Shamwari yaJehovha

a Ona mubvunzo 20 pachikamu chakanzi “Kusuma Shoko raMwari,” chiri kwekutanga kweShanduro yeNyika Itsva.

b Ona chidzidzo 07 pfungwa 5-7 mubhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara!

c KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Hama ine dambudziko rekutya zvisingaiti pakupa hurukuro iri kufungisisa kuti Jehovha aibatsira sei kuti ipe hurukuro pamusangano wepakati pevhiki.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe