NYAYA YEUPENYU
Ndaiva Munhu Anonyara Asi Ndakazova Mumishinari
NDAKAKURA ndiri munhu anonyara uye ndichitya vanhu. Asi Jehovha akandibatsira kuti nditange kuda vanhu uye ndizopedzisira ndava mumishinari. Akandibatsira sei? Akashandisa baba vangu. Vaindidzidzisa zvakawanda nezvaJehovha. Akashandisawo imwe hanzvadzi yaida Jehovha yaiva nemakore 16. Uyewo akashandisa murume wangu, uyo aindikurudzira uye aiva nemwoyo murefu neni. Regai ndikuudzei nezveupenyu hwangu.
Ndakaberekwa mugore ra1951 muguta rinonzi Vienna, kuAustria. Mhuri yedu yaipinda chechi yeRoma. Ndaiva munhu anonyara asi ndaitenda muna Mwari uye ndaigara ndichinyengetera. Pandaiva nemakore 9, baba vangu vakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha uye amai vangu vakazobatanawo navo.
Ndiine munin’ina wangu, Elisabeth (ari kuruboshwe)
Takazotanga kupinda neungano yeDöbling yaiva muguta reVienna. Taiita zvinhu zvakawanda semhuri. Taiverenga nekudzidza Bhaibheri pamwe chete, tichipinda misangano pamwe chete uye taibatsirawo pamagungano. Ndichiri mudiki, baba vangu vaindidzidzisa kuda Jehovha nemwoyo wese. Vaitonyengetera kuti ini nemunin’ina wangu tizova mapiyona. Asi panguva iyoyo zvekupayona zvakanga zvichiri kure neni.
KUTANGA BASA RENGUVA YAKAZARA
Ndakabhabhatidzwa muna 1965 ndiine makore 14. Asi zvaindiomera chaizvo kuti ndiparidzire vanhu muushumiri. Ndaizvitarisira pasi uye ndaida kufarirwa nevamwe vezera rangu. Saka ndichangobva kubhabhatidzwa, ndakatanga kushamwaridzana nevanhu vakanga vasinganamati Jehovha. Ndaifarira kutamba navo asi hana yangu yaigara ichinditongesa nekuti ndaipedza nguva yakawanda ndiine vanhu vasingadi Jehovha. Asi zvakanga zvakandiomera kuti ndisiyane neshamwari dzangu idzodzo. Saka chii chakandibatsira?
Dorothée akandidzidzisa zvakawanda (ndiye ari kuruboshwe)
Pane mumwe musikana ainzi Dorothée aiva nemakore 16 akatanga kupinda neungano yedu. Ndakaona kuti aifarira chaizvo basa rekuparidzira paimba neimba uye izvozvo zvakandikurudzira. Ndaiva mukuru kwaari asi ndakanga ndisinganyanyi kubuda muushumiri. Saka ndakatanga kufunga kuti: ‘Vabereki vangu inini Zvapupu, asi Dorothée ndiye ega Chapupu mumba mavo. Anobatsira amai vake vari kurwara asi anogara ari muushumiri mazuva ese!’ Zvaiitwa naDorothée zvakaita kuti ndide kuitira Jehovha zvakawanda. Saka ini naDorothée takatanga kupayona tese. Takatanga nekuva mapiyona ezororo, ava kunzi mazuva ano mapiyona ebetsero, uye takazopedzisira tava mapiyona enguva dzese. Nemhaka yekuti Dorothée aifarira kuparidzira, ini ndakapedzisirawo ndava kufarira kuparidzira. Dorothée akandibatsira kuti ndiwane chidzidzo changu cheBhaibheri chekutanga. Uye nekufamba kwaiita nguva, ndakanga ndisisanyanyi kuomerwa nekuparidzira paimba neimba, mumugwagwa uye mune dzimwewo nzvimbo.
Mugore rangu rekutanga ndichipayona, pane imwe hama inonzi Heinz yakauya muungano medu iri piyona chaiye. Heinz akadzidza Bhaibheri kuCanada paakanga amboshanyira mukoma wake uyo aiva Chapupu. Inini Heinz ndaimuda asi ndaisada kuzviratidza kuti ndinomuda nekuti iye aida kuva mumishinari, inini ndakanga ndisingade. Asi takazopedzisira tava kudanana, tikatochata, uye takatanga kupayona muAustria.
KUVA NECHINANGWA CHEKUVA MUMISHINARI
Heinz aigara achitaura nezvekuti anoda kuva mumishinari. Haana hake kumbobvira andimanikidza kuva mumishinari, asi aindibvunza mibvunzo achindibatsira kuti ndifunge nezvazvo. Dzimwe nguva aigona kundibvunza kuti, “Sezvo tisina vana, unoona sei tikawedzera zvatinoita pabasa raJehovha?” Nemhaka yekuti ndiri munhu anonyara, ndaitya kuita basa reumishinari. Kupayona ndaipayona zvangu, asi ndainzwa sekuti kuita basa reumishinari kwakaoma. Kunyange zvakadaro, Heinz airamba achindikurudzira kuti ndirambe ndichifunga nezvebasa reumishinari. Aindikurudzirawo kuti ndibvise pfungwa pakutya kwandaiita asi kuti ndidziise pakuda vanhu. Zvaakandiudza izvi zvakandibatsira zvisingaiti.
Heinz achiitisa Chidzidzo cheNharireyomurindi muungano diki yemutauro wechiSerbian muSalzburg, kuAustria, muna 1974
Nemhaka yekuti murume wangu airamba achindikurudzira, ndakapedzisira ndava kuda kuita basa reumishinari. Saka takanyorera kuti tipinde Chikoro cheGiriyedhi. Asi muranda webazi akandikurudzira kuti ndidzidzire kunyatsogona kutaura Chirungu. Saka ndakaita makore matatu ndichidzidzira. Asi ndakashamisika patakanzi tiende tinopinda neungano yaitaura mutauro weSerbo-Croatian muguta reSalzburg, muAustria. Takashanda ndima iyoyo kwemakore 7, uye rimwe gore racho taiva mudunhu. Mutauro weSerbo-Croatian wakanga wakaoma asi taiva nezvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda.
Muna 1979 takakumbirwa kuti timboenda kuBulgaria kwenguva pfupi. Nemhaka yekuti basa redu rakanga rakabhanwa munyika iyoyo, vakatikumbira kuti tinyepedzere kunge vanhu vari kungoshanyawo zvavo. Vakatiudza kuti taisafanira kuparidzira asi taifanira kutakura mabhuku edu ayo akanga aprindwa ari madikidiki tichiendesera hanzvadzi 5 dzaigara muSofia, guta guru reBulgaria. Ndaitya asi Jehovha akandibatsira. Ndakaona kuti hanzvadzi idzodzo 5 dzaiva neushingi uye dzairamba dzichifara kunyange zvazvo vaigona kungosungwa nemapurisa. Zvavaiita izvi zvakandibatsira kuti ndive neushingi hwekuita chero chandinonzi nesangano raJehovha ndiite.
Takanyorera zvakare kuti tipinde chikoro cheGiriyedhi uye takakokwa. Taifunga kuti taizopinda chikoro chacho kuUnited States tichishandisa mutauro weChirungu. Asi muna November 1981, sangano rakaronga kuti chikoro chacho cheGiriyedhi chiitwe kuWiesbaden, Germany. Saka takakwanisa kupinda chikoro ichi tichishandisa mutauro wandainzwisisa wechiGerman. Asi patakapedza chikoro takanzi tinoshumira tiri kupi?
KUSHUMIRA MUNYIKA YAKANGA YASAKADZWA NEHONDO
Takanzi tinoshumira kuKenya. Asi patakasvika ikoko, hama dzaitungamirira muKenya dzakatikumbira kuti tiende tinoshumira munyika inonzi Uganda yakavakidzana neKenya. Makore 10 akanga adarika, mumwe mukuru wemauto ainzi General Idi Amin akanga abvisa hurumende yaiva pachigaro nechisimba. Paaitonga, akaurayisa zviuru zvevanhu uye mamiriyoni aitambura zvisingaite. Muna 1979, Idi Amin akabviswa pachigaro. Saka ndaitya kuenda munyika yakadaro. Asi chikoro cheGiriyedhi chakanga chatibatsira kuvimba naJehovha, saka takabvuma kuenda kunyika iyoyo.
Zvinhu zvakanga zvisina kumira zvakanaka muUganda. Hurumende yaisakwanisa kuita kuti vanhu vawane mvura, magetsi nezvimwe zvinhu zvinokosha. Mafoni akanga asingashande. Vanhu vaipfurana, vachibirana, kunyanya manheru. Saka kana ava manheru, vanhu vese vaizvivharira mudzimba dzavo vachinyengetera kuti dai kwangochena vasina kumbopindirwa. Asi hama nehanzvadzi dzemuUganda dzakaramba dzichishumira Jehovha dzichifara!
Tichigadzirira kubika tiri pamwe chete nemhuri yekwaWaiswa
Muna 1982, ini naHeinz takazoenda kuKampala, guta guru reUganda. Mumwedzi 5 yekutanga, takagamuchirwa pamba paSam naChristina Waiswa, avo vaigara nevana vavo 5 uye nedzimwe hama dzavo 4. Hama nahanzvadzi Waiswa pamwe chete nemhuri yavo vakanga vakaomerwa zvekuti kazhinji kacho vaidya kamwe chete pazuva, asi vakatigamuchira uye vaitipawo zvishoma zvavaiva nazvo. Panguva yataigara navanaWaiswa, ini naHeinz takadzidza zvinhu zvakawanda zvakazotibatsira tava kuita basa redu reumishinari. Chimwe chatakadzidza chaiva kushandisa mvura shomanana pakugeza uye inenge yasara ndiyo yataizodira muchimbuzi. Muna 1983, ini naHeinz takazowanawo imba yedu yekugara uye nzvimbo yacho yakanga yakachengeteka.
Tainakidzwa chaizvo neushumiri. Ndinoyeuka mumwe mwedzi watakapa vanhu mamagazini anopfuura 4 000! Asi chainyanya kutifadza vanhu veko. Vanhu veko vaida zvaMwari uye vaifarira kutaura zveBhaibheri. Ini naHeinz taiva nezvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda. Mumwe nemumwe wedu aigona kuita zvidzidzo zvinobva pa10 kusvika ku15. Uye tine zvakawanda zvatakadzidza kubva kuvanhu vataidzidza navo Bhaibheri. Vazhinji vavo vaifamba netsoka kuenda kumisangano vhiki rega rega asi vaisambogunun’una uye vaigara vachifara.
Muna 1985 uye 1986, pakaitika dzimwe hondo mbiri muUganda. Taigara tichiona vana vadiki vakapakata mazipfuti. Vana ava vaishandiswa semasoja, uye vaiwanzomira mumugwagwa vachiona kuti ndivanaani vari kupfuura. Panguva iyoyo, taigara tichinyengetera kuna Jehovha kuti atipe uchenjeri uye kuti tirambe takadzikama patinenge tichitsvaga vanhu vanofarira muushumiri. Jehovha akapindura minyengetero yedu. Taiwanzoti kana tikasangana nemunhu anenge afarira mashoko akanaka eUmambo taifara zvekutoti taitokanganwa kuti kune hondo.
Heinz, inini naTatjana (ari pakati)
Tainakidzwawo nekuparidzira vanhu vaibva kune dzimwe nyika. Semuenzaniso, takatanga kudzidza naMurat naDilbar Ibatullin, murume nemudzimai vaibva kuTatarstan (iri kuCentral Russia). Murat aiva chiremba. Vaviri ava vakazova Zvapupu uye nanhasi vachiri kushumira Jehovha vakatendeka. Ndakazosanganawo nemumwe mukadzi anonzi Tatjana Vileyska, wekuUkraine. Mukadzi uyu aifunga kuzviuraya saka takatanga kudzidza Bhaibheri tese uye akazobhabhatidzwa akadzokera kuUkraine. Pava paya, akazoshumira semushanduri wemabhuku edu.a
KUITA BASA REUMISHINARI MUNE IMWE NYIKA
Muna 1991, ini naHeinz patakanga tashanya hedu tiri kuAustria, bazi reko rakatinyorera tsamba richitiudza kuti takanga tava kupiwa basa reumishinari munyika inonzi Bulgaria. Kwemakore akawanda, basa redu rekuparidzira rakanga rakabhanwa munyika dzakawanda dzekuEastern Europe. Asi zvinhu zvakanga zvachinja uye Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvava kubvumirwa kuparidza munyika idzodzo uyewo muBulgaria. Sezvatambotaura, ini naHeinz takanga tamboenda kuBulgaria takahwandisa mabhuku ataida kunopa hanzvadzi dzeko panguva yakanga yakabhanwa basa redu. Asi iye zvino takanga tava kutumwa kuti tiende kunoparidzira munyika iyoyo.
Takanzi tisadzokere kuUganda. Saka hatina kudzokera ikoko kunoonekana nevamwe kana kunotora zvinhu zvedu. Asi takabva taenda kuBheteri rekuGermany, tikapiwa mota ndokunanga kuBulgaria. Takanzi tinopinda neboka raiva nevaparidzi 20 raiva kuSofia.
Tine matambudziko atakasangana nawo tava kuBulgaria. Chekutanga ndechekuti takanga tisingazivi mutauro weko. Uye mabhuku aingowanikwa mumutauro wechiBulgarian aiva bhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi uye Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri. Uyewo zvakanga zvakatiomera kutanga kudzidza nevanhu Bhaibheri. Pasinei nezvese izvi, hama dzaiva muboka redu dzaishanda nesimba pakuparidza. Asi vanhu vechechi yeOrthodox vakazviona uye vakanga vasingafari nazvo. Saka vakatanga kutitambudza.
Muna 1994, hurumende yakati Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvisisina kunyoreswa pamutemo uye vanhu vakawanda vemuBulgaria vaifunga kuti taiva chitendero chakaipa zvikuru. Dzimwe hama dzakatosungwa. Vezvenhau vaitaura kuti tairega vana vedu vachifa nemhaka yekuti tairamba kuti vawedzerwe ropa uye vaitaurawo kuti taikurudzira vanhu kuti vazviuraye. Zvakanga zvakatiomera kuti tiparidzire mundima iyoyo. Taigara tichisangana nevanhu vaitipopotera, vaitidaidzira mapurisa uye pamwe pacho vaitipotsera zvinhu. Taisakwanisa kuita kuti mabhuku edu apinde munyika. Uye zvakanga zvakaoma kuti tiwane pekupindira musangano. Mapurisa akatombotisvikira tiri pakati pekuita gungano uye gungano racho harina kuzoenderera mberi. Ini naHeinz takanga tisina kujaira kugara munyika ine vanhu vanotiitira utsinye kudaro. Vanhu ava vakanga vakatosiyana zvachose nevanhu vekuUganda, avo vaifarira kudzidza Bhaibheri. Saka chii chakatibatsira kuti tisaora mwoyo?
Kuva pamwe chete nehama nehanzvadzi kwakatibatsira kuti tirambe tichifara. Hama nehanzvadzi dzaifara kuti dzakanga dzawana chokwadi uye dzaitenda rubatsiro rwataivapa. Takaramba takabatana uye tichibatsirana. Zvakaitika izvi zvakatidzidzisa kuti tinogona kuramba tichifara pasinei nekuti tiri kushumira tiri kupi kana tikaisa pfungwa dzedu pakuda vanhu, kwete pamatambudziko edu.
Tiri pabazi remuBulgaria muna 2007
Papera nguva, zvinhu zvakazochinja. Sangano redu rakazonyoreswa zvakare zviri pamutemo muna 1998 uye mabhuku edu akawanda akazoshandurirwa muchiBulgarian. Muna 2004, bazi rekuBulgaria rakakumikidzwa. Mazuva ano, kwava neungano 57 muBulgaria, dzine vaparidzi 2 953. Mugore rebasa rapfuura vanhu vanosvika 6 475 vakapinda Chirangaridzo. Pakutanga, muSofia maingova nehanzvadzi 5, asi iye zvino mava neungano 9! Chokwadi takanyatsoona ‘mudiki achiva chiuru.’—Isa. 60:22.
MATAMBUDZIKO ANDAKASANGANA NAWO
Ndinewo matambudziko andakasangana nawo eutano. Kwemakore akawanda, ndine mapundu andaiita mumuviri mangu uye rimwe racho raitova mumusoro. Vanachiremba vakashanda nesimba kuti bundu racho riserere uye ndakazoenda kuIndia kwandakanoitwa oparesheni yemaawa 12 vachibvisa bundu racho mumusoro mangu. Pakapera oparesheni yacho takambogara paBheteri remuIndia kusvikira ndava kunzwa zviri nani. Zvadaro, takazodzokera kuBulgaria.
Heinz akatangawo kurwara nechirwere chinonzi Huntington’s disease. Kashoma kuona munhu ane chirwere chakadaro. Ainetseka kufamba, kutaura uye kuitawo zvimwe zvinhu. Chirwere chacho pachaiwedzera ndakanga ndava kufanira kumubatsira pane zvinhu zvakawanda. Dzimwe nguva zvaindiremera uye ndainetseka kuti ndaizomuchengeta sei. Asi pane imwe hama yechidiki yainzi Bobi yakatanga kuuya ichienda naHeinz kunoparidzira. Bobi aisanyara nekuti Heinz akanga asingakwanisi kunyatsotaura zvakanaka kana kushandisa maoko ake nemakumbo zvakanaka. Pese pazvaindiomera kubatsira Heinz ndaiziva kuti Bobi aiuya achindibatsira. Kunyange zvazvo inini naHeinz takanga tasarudza kusava nevana munyika ino, Bobi akanga ava kutoita semwana watakapiwa naJehovha!—Mako 10:29, 30.
Murume wangu aivawo nekenza. Zvinorwadza kuti mudiwa wangu akazofa muna 2015. Ndinosuwa murume wangu zvisingaite. Ndiye aigara achindibatsira kuti ndisanetseka. Zvakanga zvakandiomera kubvuma kuti haasisipo. Ndinogara ndichimufunga uye zvinoita kunge achiri mupenyu! (Ruka 20:38) Ndinoswera ndichifunga kundikurudzira kwaaindiita uye mazano akanaka aaindipa. Ndinotenda Jehovha kuti ndakakwanisa kushumira naye kwemakore akawanda.
NDINOTENDA JEHOVHA NEKUNDIBATSIRA KWAAKAITA
Jehovha akandibatsira mumatambudziko angu ese. Ndaiva munhu anonyara, asi akandibatsira kuva mumishinari anoda vanhu. (2 Tim. 1:7) Ndinotenda Jehovha kuti ini nemunin’ina wangu takazopedzisira tava mubasa renguva yakazara. Iye nemurume wake vanoita basa remudunhu. Vanoenda kunzvimbo dzakasiyana-siyana dziri muEurope vachishanyira ungano dzinotaura mutauro wechiSerbian. Baba vangu vaigara vachinyengetera kuti tipinde mubasa renguva yakazara uye Jehovha akanzwa minyengetero yavo.
Kudzidza Bhaibheri kunoita kuti ndigadzikane. Zvinhu pazvinenge zvakandiomera ndinonyengetera nemwoyo wese kuna Jehovha sezvaiitwa naJesu. (Ruka 22:44) Dzimwe nguva anondipindura achishandisa hama nehanzvadzi dzemuungano yangu yeNadezhda iri muSofia. Hama idzi dzinondida uye dzinondikoka kudzimba dzadzo kuti timbotandara tese. Dzinogara dzichitenda zvese zvandinoitawo uye izvi zvinoita kuti ndifare.
Ndinogara ndichifungidzira kuti upenyu huchange hwaita sei pachamutswa vanhu. Ndinofungidzira ndichiona vabereki vangu vakamira pamberi peimba yedu vadzokera kuva vadiki sezvavakanga vakaita pavakachata. Ndinofungidzira ndichiona munin’ina wangu achibika zvekudya, uye murume wangu akamira nebhiza rake. Kufungidzira zvinhu zvese izvi kunondibatsira kubvisa pfungwa dzangu pazvinhu zvinoodza mwoyo, zvoita kuti nditende Jehovha.
Pandinofunga zvese zvakanaka zvandakaitirwa naJehovha muupenyu hwangu, uye zvakanaka zvaachandiitira mune ramangwana, ndinonzwa saDhavhidhi paakataura mashoko ari pana Pisarema 27:13, 14 ekuti: “Ndingadai ndiri kupi kudai ndisina kutenda kuti ndaizoona kunaka kwaJehovha munyika yevapenyu? Tarisira kuna Jehovha; shinga uye mwoyo wako ngausimbe. Tarisira kuna Jehovha.”
a Ona nyaya yeupenyu yaTatjana Vileyska iri muMukai yeChirungu yaDecember 22, 2000, mapeji 20-24.