RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w25 August pp. 8-13
  • Nyatsobvuma Kuti Jehovha Anokuda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyatsobvuma Kuti Jehovha Anokuda
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • NEI ZVICHIKOSHA KUTI TINYATSOBVUMA KUTI JEHOVHA ANOTIDA?
  • ZVII ZVICHATIBATSIRA KUTI TINYATSOVA NECHOKWADI CHEKUTI JEHOVHA ANOTIDA?
  • ZVAKADZIDZISWA NAJESU ZVINOTIBATSIRA SEI KUTI TINYATSOBVUMA KUTI JEHOVHA ANOTIDA?
  • SHANDA NESIMBA KUTI URAMBE UCHIBVUMA KUTI JEHOVHA ANOKUDA
  • Jehovha Anokuda Zvikuru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Rudo rwaMwari Runogara Nekusingaperi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Rudzikinuro Rwunotidzidzisei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Zvininipise Uchibvuma Kuti Pane Zvimwe Zvinhu Zvausingazivi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
w25 August pp. 8-13

NYAYA YEKUDZIDZA 33

RWIYO 4 “Jehovha Ndiye Mufudzi Wangu”

Nyatsobvuma Kuti Jehovha Anokuda

“Ndakakukweva nerudo rusingachinji kuti uuye kwandiri.” —JER. 31:3.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti nei zvichikosha kuti tinyatsobvuma kuti Jehovha anotida uye tichaona kuti zvii zvatingaita kuti tive nechokwadi chekuti anotida.

1. Nei wakazvitsaurira kuna Jehovha? (Onawo mufananidzo.)

UCHIRI kuyeuka here musi wawakazvitsaurira kuna Jehovha? Wakasarudza kuzvitsaurira kwaari nekuti wakanga wava kumuziva uye waimuda. Wakamuvimbisa kuti waizorarama uchimuisa pekutanga muupenyu hwako uye kuti waizoramba uchimuda “nemwoyo wako wese, nemweya wako wese, nepfungwa dzako dzese uye nesimba rako rese.” (Mako 12:30) Kubvira ipapo, kuda kwaunomuita kuri kuramba kuchingowedzera. Saka kana mumwe munhu akakubvunza kuti: “Unonyatsoda Jehovha here?” unomupindura usingambozezi kuti: “Hakuna mumwe munhu kana chimwe chinhu chandinoda kupfuura Jehovha!”

Mifananidzo: Hanzvadzi iri kufunga nezvezuva rayakazvitsaurira uye rayakabhabhatidzwa. 1. Akagara panze achinyengetera. 2. Achibhabhatidzwa murwizi.

Uchiri kuyeuka here madiro awaiita Jehovha pawakazvitsaurira kwaari ukabhabhatidzwa? (Ona ndima 1)


2-3. Jehovha anoda kuti tinyatsova nechokwadi chei, uye tichakurukurei munyaya ino? (Jeremiya 31:3)

2 Kunyange zvazvo tichiziva kuti Jehovha tinonyatsomuda, tinogona kunge tisina chokwadi chekuti iye anonyatsotida here. Pamwe tinogona kunge tichiona sekuti hatikodzeri kudiwa naye. Imwe hanzvadzi yakakura ichifunga kuti hapana anoida yakati: “Ndinoda Jehovha nemwoyo wangu wese. Izvozvo ndinonyatsozviziva. Asi kakawanda ndinombonetseka kuti, ‘Iye anondidawo here?’” Saka chii chinogona kukubatsira kuti unyatsoziva kana Jehovha achikuda?

3 Jehovha anoda kuti unyatsova nechokwadi chekuti anokuda. (Verenga Jeremiya 31:3.) Chokwadi ndechekuti Jehovha ndiye akakukweva, kureva kuti ndiye akaita kuti umuzive uye uve shamwari yake. Uye pawakazvitsaurira kwaari ukabhabhatidzwa, Jehovha akatanga kukuitira chimwe chinhu chinokosha. Akatanga kukuratidza rudo rwake rusingachinji. Izvi zvinoreva kuti anokuda zvakadzama uye haazombofa akakusiya. Rudo irworwo rusingachinji ndirwo runoita kuti aone vashumiri vake vakatendeka, kusanganisira iwewe, ‘sepfuma inokosha.’ (Mar. 3:17) Muapostora Pauro ainyatsova nechokwadi chekuti Jehovha aimuda. Ndokusaka akanyora kuti: “Ndine chokwadi kuti rufu kana upenyu kana ngirozi kana hurumende kana zvinhu zviripo iye zvino kana zvinhu zvichauya kana masimba kana kukwirira kana kudzika kana chimwe chinhu chakasikwa hazvizokwanisi kutiparadzanisa nerudo rwaMwari ruri muna Kristu Jesu Ishe wedu.” (VaR. 8:​38, 39) Jehovha anodawo kuti tive nechokwadi kuti anotida zvakadaro. Munyaya ino tichakurukura kuti nei zvichikosha kuti tinyatsobvuma kuti Jehovha anotida uye kuti zvii zvingatibatsira kuti tidaro.

NEI ZVICHIKOSHA KUTI TINYATSOBVUMA KUTI JEHOVHA ANOTIDA?

4. Satani anoda kuti tifungei uye zvii zvatingaita kuti tisakanganiswa nenhema dzake?

4 Kana tikanyatsobvuma kuti Jehovha anotida, tinokwanisa ‘kurwisana nemanomano’ aSatani. (VaEf. 6:11) Satani anoda kuti tirege kushumira Jehovha. Achaita zvese zvaanokwanisa kuti atitadzise kushumira Jehovha. Imwe nzira yaanoshandisa ndeyekuita kuti vanhu vafunge kuti Jehovha haavadi. Asi idzodzo inhema! Bhaibheri rinoti Satani akafanana neshumba. (1 Pet. 5:​8, 9) Shumba inowanzorwisa mhuka dzinenge dzisina kusimba kana kuti dzinenge dzisingakwanisi kuzvidzivirira. Ndizvowo zvinoitwa naSatani. Anowanzotirwisa patinenge tichinzwa takaneta, tisina simba kana kuti patinenge takasuwa. Izvi zvinogona kukonzerwa nezvinhu zvinorwadza zvatakambosangana nazvo, matambudziko atinenge tiri kusangana nawo kana kuti zvinhu zvatinenge tichityira kuti zvingangoitika mune ramangwana. (Zvir. 24:10) Satani anoda kutipedza simba kuitira kuti tirege kushumira Jehovha. Asi tinokwanisa kurwisana naDhiyabhorosi nemanomano ake kuburikidza nekuita zvese zvatinogona kuti tinyatsova nechokwadi chekuti Jehovha anotida.—Jak. 4:7.

5. Nei zvichikosha kuti mumwoyo medu tinzwe kuti Jehovha anotida uye anotikoshesa?

5 Kana tikanyatsova nechokwadi chekuti Jehovha anotida zvichaita kuti tiswedere pedyo naye. Nei tichidaro? Nekuti Jehovha akatisika tichida kudiwa uye kudawo vamwe. Tikaratidzwa rudo, tinoratidzawo rudo. Tinongozvarwa takadaro. Saka mumwoyo medu patinonzwa kuti Jehovha anotida uye anotikoshesa, tinobva tawedzerawo kumuda. (1 Joh. 4:19) Patinowedzera kumuda iye anowedzerawo kutida. Bhaibheri rinototaura kuti: “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.” (Jak. 4:8) Asi zvii zvatingaita kuti tinyatsova nechokwadi chekuti Jehovha anotida?

ZVII ZVICHATIBATSIRA KUTI TINYATSOVA NECHOKWADI CHEKUTI JEHOVHA ANOTIDA?

6. Unofanira kunyengetererei kuti usvike pakubvuma kuti Jehovha anokuda?

6 Ramba uchinyengetera kuna Jehovha uchimukumbira kuti akubatsire kunyatsobvuma kuti anokuda. (Ruka 18:1; VaR. 12:12) Zvingatoda kuti unyengetere kakawanda pazuva uchimukumbira kuti akubatsire kunzwisisa kuti anokuona sei. Asi kunyange ukadaro, dzimwe nguva mumwoyo mako unogona kuramba uchingonetseka zvekuti zvinokuomera kubvuma kuti Jehovha anokuda. Izvozvo pazvinoitika, yeuka kuti Jehovha mukuru kupfuura mwoyo wako. (1 Joh. 3:​19, 20) Anoziva zvakawanda nezvako kukupfuura. Anoona zvinhu zvakanaka zviri mauri kunyange iwe ungasazviona. (1 Sam. 16:7; 2 Mak. 6:30) Saka usambozeza kudurura mwoyo wako kwaari uchimukumbira kuti akubatsire kunyatsova nechokwadi chekuti anokuda. (Pis. 62:8) Kana wanyengetera, zvinokosha kuti uchiita zvinhu zvinotevera zvatava kuda kukurukura.

7-8. Mamwe mavhesi ari mubhuku raMapisarema, anotibatsira sei kunyatsoona kuti Jehovha anotida?

7 Vimba nezvinotaurwa naJehovha muShoko rake. Jehovha akafemera vanhu vakanyora Bhaibheri kuti vanyatsotsanangura kuti ndiMwari akaita sei. Ona mashoko akashandiswa naDhavhidhi kutsanangura kuti Jehovha anotida zvakadini mune rimwe pisarema. Akati: “Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo; anoponesa vaya vakasuruvara.” (Pis. 34:18) Paunenge wakasuwa, unogona kunzwa sekuti hapana munhu anonyatsokunzwisisa uye hapana anokwanisa kukubatsira. Asi Jehovha anovimbisa kuti panguva dzakadaro achakubatsira nekuti anenge achinyatsoona kuti unoda kubatsirwa naye. Mune rimwewo pisarema, Dhavhidhi akanyora kuti: “Isai misodzi yangu muhombodo yenyu.” (Pis. 56:8) Kare munhu paaifamba mugwenga, aiwanzofamba nehombodo kana kuti kabhegi kedehwe kaaiisira mvura uye aikoshesa chaizvo mvura iyoyo. Ndizvo zvinoitwawo naJehovha. Anokoshesa chaizvo misodzi yako. Haambokanganwi pese paunosvimha misodzi nemhaka yekurwadziwa kwaunenge uchiita. Jehovha anozvionawo paunenge uchinetseka. Anokuda chaizvo uye anorwadziwa paanokuona uchinetseka. Pana Pisarema 139:​3, Dhavhidhi akaudza Jehovha kuti: “Munoziva nzira dzangu dzese.” Izvi zvinoreva kuti Jehovha anoona zvese zvaunoita, asi anosarudza kuisa pfungwa pane zvakanaka zvaunoita. (VaH. 6:10) Nei achidaro? Nekuti anokoshesa zvese zvaunoedza kuita kuti umufadze.a

8 Jehovha anoshandisa mavhesi anonyaradza akafanana neatakurukura kuti akuudze kuti ane hanya newe chaizvo uye anokuda zvisingaiti. Asi sezvatadzidza, Satani anoda kuti ufunge kuti Jehovha haakudi. Saka kana dzimwe nguva uchimbonetseka kuti Jehovha anonyatsokuda here, zvibvunze kuti ndiani wauchateerera. Uchateerera zvinotaurwa naSatani “baba venhema” here kana kuti uchateerera zvinotaurwa naJehovha, “Mwari anotaura chokwadi”?—Joh. 8:44; Pis. 31:5.

9. Jehovha anovimbisei vaya vanomuda? (Eksodho 20:​5, 6)

9 Funga kuti Jehovha anonzwa sei nezvevaya vanomuda. Ona zvaakataura kuna Mozisi nevaIsraeri zviri pana Eksodho 20:​5, 6. (Verenga.) Jehovha anovimbisa kuti acharamba achiratidza rudo rusingachinji kune vaya vanomuda. Mashoko iwayo anoita kuti tive nechokwadi chekuti Mwari wedu akavimbika haazomboregi kuda vanhu vanomuda. (Neh. 1:5) Saka kana dzimwe nguva usina chokwadi chekuti Jehovha anokuda, chimbomira uzvibvunze kuti, ‘Ndinonyatsoda Jehovha here?’ Kana uchinyatsoziva kuti unomuda uye uchiita zvese zvaunogona kuti umufadze, ziva kuti iye anokuda zvisingaiti. (Dhan. 9:4; 1 VaK. 8:3) Muchidimbu tiri kuti kana iwewe uine chokwadi chekuti unonyatsoda Jehovha, haufaniri hako kunetseka kuti iye anokuda here. Haazomboregi kukuda uye haazombofa akakusiya.

10-11. Jehovha anoda kuti uone sei rudzikinuro? (VaGaratiya 2:20)

10 Funga nezvekuti Jehovha akapa Mwanakomana wake kuti afire ani. Pazvipo zvese zvatakapiwa naJehovha, hapana chinopfuura kupa kwaakaita Jesu Kristu kuti atifire. (Joh. 3:16) Asi tinogona kutoti Jehovha akapa Mwanakomana wake kuti afire iwewe! Nei tichidaro? Funga nezvemuapostora Pauro. Asati ava muKristu, ane zvivi zvakakura zvaakaita uye paakazova muKristu, aitofanira kuramba achirwisa kuti asaita zvakaipa. (VaR. 7:​24, 25; 1 Tim. 1:​12-14) Asi pasinei nezvese izvozvo, Pauro akasvika pakunyatsobvuma kuti rudzikinuro chipo chaakapiwa naJehovha. (Verenga VaGaratiya 2:20.) Yeuka kuti Jehovha ndiye akafemera Pauro kuti anyore mashoko iwayo. Uye zvinhu zvese zviri muBhaibheri zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe. (VaR. 15:4) Mashoko aPauro anoratidza kuti Jehovha anoda kuti unyatsobvuma kuti Jesu akauya kuzofira iwewe. Kana ukanyatsozvibvuma izvozvo zvichaita kuti unyatsova nechokwadi chekuti Jehovha anokuda, iwewe pachako.

11 Tinotenda Jehovha nekutuma kwaakaita Jesu panyika kuti atifire. Asi chimwe chikonzero chakaita kuti Jesu auye panyika chaiva chekuti audze vanhu chokwadi pamusoro paMwari. (Joh. 18:37) Chimwe chokwadi chaakadzidzisa chaiva chekuti Jehovha anoda vana vake chaizvo.

ZVAKADZIDZISWA NAJESU ZVINOTIBATSIRA SEI KUTI TINYATSOBVUMA KUTI JEHOVHA ANOTIDA?

12. Chii chinoita kuti tivimbe nezvakataurwa naJesu nezvaJehovha?

12 Jesu paaiva panyika aifarira kudzidzisa vanhu kuti Jehovha ndiMwari akaita sei. (Ruka 10:22) Zvakadzidziswa naJesu nezvaJehovha ndezvechokwadi. Nei tichidaro? Nekuti Jesu akagara kudenga aina Jehovha kwenguva yakareba chaizvo asati auya panyika. (VaK. 1:15) Saka Jesu ainyatsoziva kuti Baba vake vanomuda zvakadini uye akaonawo madiro avanoita ngirozi dzakatendeka uyewo vana vavo vepanyika. Asi zvakadzidziswa naJesu zvinotibatsira sei kuti tinyatsobvuma kuti Jehovha anotida?

13. Jesu anoda kuti tizivei nezvaJehovha?

13 Jesu anoda kuti tinyatsoziva kuti Jehovha anotida zvakadini. Mumabhuku eEvhangeri, Jesu akataura nezvaJehovha achiti “Baba” kanopfuura ka120. Uye paaitaura nevateveri vake aishandisa mashoko akadai sekuti “Baba venyu” kana kuti “Baba venyu vekudenga.” (Mat. 5:16; 6:26) Jesu asati auya panyika, vashumiri vaJehovha vaiwanzodana Jehovha vachishandisa mazita akadai seekuti Wemasimbaose, Wekumusorosoro, Musiki Anokudzwa, nemamwewo mazita ekuremekedza. Asi Jesu aiwanzodana Jehovha kuti “Baba.” Kushandisa kwaaiita shoko iroro kunoratidza kuti Jehovha anoda kuti vanhu vanomunamata vanyatsonzwa vari pedyo naye sezvinoita mwana anonzwa ari pedyo nababa vake vanomuda. Saka Jesu anoda kuti tizive kuti Jehovha anotida kungofanana nababa vane rudo vanonyatsoda vana vavo. Regai timboongorora pamwe pakashandiswa shoko rekuti “Baba.”

14. Jesu akaratidza sei kuti Baba vedu vekudenga vanokoshesa mumwe nemumwe wedu? (Mateu 10:​29-31) (Onawo mufananidzo.)

14 Regai timbotanga nekukurukura mashoko akataurwa naJesu ari pana Mateu 10:​29-31. (Verenga.) Jesu akataura kuti Baba vedu vanokoshesa shiri diki zvekuti vanoziva kunyange kana imwe yadzo ikawira pasi. Asi shiri hadzinamati Jehovha uye hadzikwanisi kuratidza kuti dzinomuda. Kana Baba vedu vachikoshesa zvakadaro tushiri tudiki tusingavanamati, ko kuzoti mushumiri wavo anovanamata nemhaka yekuti anovada? Jesu akataurawo kuti Baba vedu vanoziva kuti tine bvudzi rakawanda sei mumusoro medu. Kana Jehovha achiziva kuwanda kwakaita bvudzi redu, chinhu chatinoona sechisingakoshi, zvinoratidza kuti anotida zvikuru. Saka mashoko ari pana Mateu 10:​29-31 anoratidza kuti Jesu anoda kuti tinyatsobvuma kuti Baba vedu vekudenga vanotikoshesa zvikuru.

Jesu achinongedzera kashiri kadiki kari kumhara pasi. Vadzidzi vake vari kunyatsoteerera zvaari kutaura.

Jehovha anokoshesa shiri diki zvekuti anoziva kunyange kana imwe yadzo ikawira pasi. Kana achikoshesa shiri diki zvakadaro, ko kuzoti mushumiri wake anomunamata nemhaka yekuti anomuda! (Ona ndima 14)


15. Mashoko akataurwa naJesu ari pana Johani 6:44 anokudzidzisei nezvaBaba vako vekudenga?

15 Jesu ane pamwe zvakare paakashandisa shoko rekuti “Baba.” (Verenga Johani 6:​44, nemashoko emuzasi.) Baba vako vekudenga ndivo vakakubatsira kuti usvike pakuvaziva uye pakuvada. Asi nei vakaita izvozvo? Nekuti vakaona zvimwe zvinhu zvakanaka mauri. (Mab. 13:48) Jesu paakataura mashoko ari pana Johani 6:​44, anogona kunge aifunga mashoko akataurwa naJehovha ari pana Jeremiya 31:3. Pavhesi iroro Jehovha akaudza vanhu vake kuti: “Ndakakukweva nerudo rusingachinji kuti uuye kwandiri,” kana kuti maererano nemashoko emuzasi, “ndakaramba ndichikuratidza rudo rusingachinji.” (Jer. 31:3; enzanisa naHosiya 11:4.) Izvozvo zvinoreva kuti Baba vedu vekudenga vacharamba vachiona zvinhu zvakanaka zviri mauri kunyange kana iwewe usiri kuzviona.

16. (a) Jesu akatidzidzisei uye nei tichifanira kuvimba nezvaakataura? (b) Chii chichakubatsira kuti usvike pakubvuma kuti Jehovha ndiBaba vakakunakira? (Ona bhokisi rakanzi “Baba Vatinoda Tese.”)

16 Jesu paaitaura nezvaJehovha achiti ndiBaba vedu, aitodzidzisa kuti havasi Baba vake chete asi ndiBaba vakowo. Jesu anoda kuti unyatsobvuma kuti Jehovha ane hanya newe uye anokuda zvisingaiti. Saka paunenge uchinetseka kuti Jehovha anokuda here, yeuka zvakataurwa naJesu uye vimba kuti zvaanotaura ndezvechokwadi. Zvinokosha kuti udaro nekuti Jesu anogara achitaura chokwadi uye hakuna anoziva Baba vedu kumupfuura.—1 Pet. 2:22.

“Baba Vatinoda Tese”

Mashoko iwayo anowanikwa mumashoko ekusuma ebhuku raSwedera Pedyo naJehovha. Mashoko acho ekusuma anotaura chinangwa chebhuku racho achiti: ‘Tichaona kuti Jehovha ndiBaba vatinoda tese. NdiBaba vane simba, vakarurama, vakachenjera uye vane rudo. Havambosiyi vana vavo vakatendeka.’

Imwe hanzvadzi yakarerwa nababa vakanga vasingaibati zvakanaka yakataura kuti bhuku iri rakaibatsira sei. Yakati: “Ndakakura ndichitya baba vangu. Asi pandakadzidza nezvekunaka kwaJehovha, zvakandibatsira kudzidza kuti baba havafaniri kutyisa. Ndinoziva kuti Jehovha anondida uye ini ndinovadawo Baba vangu Jehovha.” Imwewo hanzvadzi yakaverenga bhuku racho yakati: “Hakuna Baba vakaita saJehovha.”

Kuti usvike pakunyatsobvuma kuti Jehovha ndiBaba vakakunakira, verenga bhuku iri kana kuti kana wakamboriverenga, riverenge zvakare.

SHANDA NESIMBA KUTI URAMBE UCHIBVUMA KUTI JEHOVHA ANOKUDA

17. Nei tichifanira kuramba tichishanda nesimba kuti tibvume kuti Jehovha anotida?

17 Tinofanira kuramba tichishanda nesimba kuti tibvume kuti Jehovha anotida. Sezvatadzidza munyaya ino, Satani anoda kuti tirege kushumira Jehovha. Kuti atitadzise kushumira Jehovha, acharamba achiedza kuita kuti tifunge kuti Jehovha haatidi. Asi ngatisambofa takabvuma kunyeperwa naSatani.—Job. 27:5.

18. Zvii zvaungaita kuti unyatsobvuma kuti Jehovha anokuda?

18 Kuti unyatsobvuma kuti Jehovha anokuda, ramba uchinyengetera kwaari uchimukumbira kuti akubatsire kunzwisisa chikonzero nei achikuda. Fungisisa mavhesi emuBhaibheri anotsanangura madiro anoita Jehovha vaya vanomuda. Yeuka kuti Jehovha haazomboregi kuda munhu anomuda. Usakanganwa kuti Jehovha akapa Mwanakomana wake kuti afire iwewe. Uye vimba nezvakataurwa naJesu kuti Jehovha ndiBaba vako vekudenga. Kana ukaita zvese izvi, kunyange kana mumwe munhu akazokubvunza kuti: “Unonyatsobvuma here kuti Jehovha anokuda?” uchapindura usingambozezi kuti: “Ehe, anondida! Uye zuva rega rega ndinoedza kuratidza kuti ndinomudawo!”

UNGAPINDURA SEI?

  • Nei zvichikosha kuti tinyatsobvuma kuti Jehovha anotida?

  • Zvii zvichatibatsira kuti tinyatsova nechokwadi chekuti Jehovha anotida?

  • Zvakadzidziswa naJesu zvinotibatsira sei kuti tinyatsobvuma kuti Jehovha anotida?

RWIYO 154 Rudo Rusingachinji

a Kuti uwane mamwe mavhesi anonyaradza anoratidza kudiwa kwatinoitwa naJehovha, ona bhuku rinonzi Magwaro Anobatsira Pakurarama kwechiKristu pamusoro wakanzi “Kusava Nechokwadi.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe