RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb20 April p. 8
  • Chii Chandinonyanya Kukoshesa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chandinonyanya Kukoshesa?
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
  • Mashoko Akafanana
  • Vechidiki, Muri Kuisa Pfungwa Pazvinangwa Zvekunamata Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Kuita Zvinhu Nomwoyo Wose—Kunokomborerwa naJehovha Rini?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Shandisa Zvinangwa Zvokunamata Kukudza Musiki Wako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Ndingaitei Kuti Ndizadzise Zvinangwa Zvangu?
    Mukai!—2011
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
mwb20 April p. 8
Jakobho achiita mutsimba nengirozi.

KURARAMA KWECHIKRISTU

Chii Chandinonyanya Kukoshesa?

Jakobho akaita mutsimba nengirozi kuti awane chinhu chinokosha chaizvo, chikomborero chaJehovha. (Ge 32:24-31; Ho 12:3, 4) Zvakadini nesu? Tinoda kushanda nesimba here tichiteerera Jehovha kuti tiwane chikomborero chake? Semuenzaniso, kana tichifanira kusarudza kuti toenda kumusangano here kana kuti toshanda kwemamwe maawa kubasa, tichaita sei? Patinopa Jehovha zvakanakisisa zvedu zvakadai senguva yedu, simba redu uye zvinhu zvedu, iye anotidururira ‘chikomborero kusvikira tisisina chatinoshayiwa.’ (Mar 3:10) Achatitungamirira nekutichengetedza uye achatipa zvatinoda.​—Mt 6:33; VaH 13:5.

ONA VHIDHIYO INONZI RAMBA WAKAISA PFUNGWA DZAKO PAZVINANGWA ZVEKUNAMATA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Hanzvadzi inopayona iri kushanda semuturikiri wemutauro wemasaini.

    Hanzvadzi iri muvhidhiyo iyi yakaedzwa sei nezvinhu zvayaifarira?

  • Hanzvadzi iya inopayona iri kushanda usiku.

    Basa redu rinogona sei kutiisa pamuedzo?

  • Timoti achiverenga mupumburu usiku akamira pedyo nehwindo.

    Nei Timoti aifanira kuramba aine zvinangwa zvekunamata kunyange paakanga ava muKristu akasimba pakunamata?​—1Ti 4:16

  • Hanzvadzi iya neimwe hanzvadzi vachikwazisa mudzidzi weBhaibheri pavanosvika pamba pake kuti vadzidze naye.

    Chii chaunonyanya kukoshesa muupenyu hwako?

    Tinoratidza sei ‘basa riri pamwoyo pedu?’

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe