KURARAMA KWECHIKRISTU
Nyika ‘Yakamedza Rwizi’
Vakuru vakuru vehurumende vakabatsira vanhu vaJehovha kakawanda. (Ezr 6:1-12; Es 8:10-13) Kunyange mumazuva ano, “nyika,” kureva vatungamiriri venyika ino vanonzwisisa, iri kumedza “rwizi” rwekutambudzwa kuri kukonzerwa ‘nedhiragoni’ Satani Dhiyabhorosi. (Zva 12:16) Dzimwe nguva, Jehovha, “Mwari wekuponesa,” anogona kuita kuti vatongi venyika vanunure vanhu vake.—Pis 68:20; Zvi 21:1.
Zvakadii kana uri mujeri nemhaka yezvaunotenda? Ziva kuti Jehovha anewe. (Ge 39:21-23; Pis 105:17-20) Iva nechokwadi chekuti kutenda kwako kuchaita kuti uwane mubayiro uye kuti kuperera kwako kunokurudzira hama dzako dziri pasi rese.—VaF 1:12-14; Zva 2:10.
ONA VHIDHIYO INONZI HAMA DZEKUKOREA DZINOBUDISWA MUJERI, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
Kwemakore, nei zviuru zvehama dzedu zvaisungwa muSouth Korea?
Mitongo ipi yakapiwa nematare yakaita kuti dzimwe hama dzedu dzikurumidze kusunungurwa?
Tingabatsira sei hama dzedu dziri pasi rese dziri mujeri nemhaka yezvadzinotenda?
Tinofanira kushandisa sei rusununguko rwatiinarwo iye zvino?
Ndiani anoita kuti tikunde mumatare edzimhosva?
Ndiri kushandisa sei rusununguko rwandiinarwo?