PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JEREMIYA 22-24
Une ‘Mwoyo Wokuti Uzive’ Jehovha Here?
Jehovha akafananidza vanhu nemaonde
VaJudha vakatendeka vainge vakatapwa kuBhabhironi vakafananidzwa nemaonde akanaka
Mambo ainge asina kutendeka Zedhekiya, nevamwe vaiita zvakaipa vakafananidzwa nemaonde akaipa
Tingaita sei kuti tive ‘nemwoyo wokuti tizive’ Jehovha?
Jehovha achatipa ‘mwoyo wokuti timuzive’ kana tikadzidza Shoko rake uye tikashandisa zvatinenge tadzidza
Tinofanira kuongorora mwoyo wedu, todzura mafungiro anogona kukanganisa ukama hwedu naJehovha