Mharidzo Dzokuenzanisira
Nharireyomurindi November 1
“Panorwiwa hondo, vanenge vachirwisana vacho vanenge vachifunga kuti vari kutsigirwa naMwari. Munofunga kuti Mwari anotsigira hondo here? [Rega apindure.] Magazini ino yeNharireyomurindi inotaura kuti nei Mwari akatsigira hondo munguva dzekare uye kuti achagumisa sei hondo zvachose munguva pfupi iri kutevera.” Verenga Pisarema 46:9, wobva wamupa magazini acho.
Awake! November
“Mamiriyoni evanhu vari panyika ari kunetseka nedzidziso dzenhema uye unyengeri hwezvitendero zvakasiyana-siyana. Munofunga kuti ramangwana rezvitendero rakamira sei? [Rega apindure.] Magazini ino inotaura humwe uprofita huri mubhuku raZvakazarurwa hwakafanotaura kuti vanhu vakawanda vaizobuda muchitendero chenhema uye kuti chaizoparadzwa zvachose.”