◼ Nguva dzeGungano: Mumhanzi uchatanga na9:20 a.m. mazuva ose ari matatu. Panosumwa mumhanzi, tose zvedu tinofanira kunogara pasi kuitira kuti purogiramu itange zvine ruremekedzo. Rwiyo rwokugumisa nemunyengetero zvichasumwa nenguva dza4:55 p.m. musi weChishanu neMugovera uye na3:50 p.m. musi weSvondo.
◼ Magungano Enyika Dzakawanda: Tichava negungano renyika dzakawanda muHarare musi wa22-24 August, 2014, uye ungano dzose dzemuZimbabwe dzinokokwa kuti dzipinde gungano iri.
◼ Pokupaka: Panzvimbo dzose dzichaitirwa gungano, nzvimbo dzokupaka motokari hadzibhadharwi kana tichitarisira nzvimbo dzacho tega, uye dzichawanikwa zvichienderana nokuti ndiani atanga kusvika. Sezvo nzvimbo dzokupaka dzichiwanzova shoma, vaya vanokwanisa kushandisa motokari imwe ngavasati uyu yake uyu yake. Motokari dzakatakura vanhu vakaremara chete ndidzo dzichabvumirwa kupaka panzvimbo yavakachengeterwa.
◼ Kubata Nzvimbo: Kana nzvimbo yekuitira gungano ichivhurwa mangwanani oga oga, tapota musaita zvokumhanya kunobata nzvimbo dzamunoda kugara muchiita semuri kukwikwidzana nevamwe vauya kuzopinda gungano. Tinoratidza kuti tiri vaKristu vechokwadi nerudo rwekuzvipira urwo runoita kuti tide kuita zvakanakira vamwe uye runoita kuti vanotiona varumbidze Mwari. (Joh. 13:34, 35; 1 VaK. 13:4, 5; 1 Pet. 2:12) Munogona kubatira nzvimbo vaya chete vamunenge muchigara navo kumba, vamunofamba navo mumotokari imwe chete, kana kuti vaya vamuri kudzidza navo Bhaibheri. Pachava nenzvimbo dzekugara dzevakwegura nendonda. Sezvo nzvimbo dzacho dziri shoma, munhu mumwe chete kana vaviri vanenge vachitarisira munhu akwegura kana kuti ndonda ndivo chete vangagara naye.
◼ Zvokudya Zvemasikati: Tapota uyai nezvokudya zvemasikati pane kuzobva panzvimbo yegungano muchinotsvaka zvokudya panguva yokuzorora. Mungashandisa chokutakurira zvokudya chiduku chinokwana pasi pechigaro chenyu. Midziyo yakakura yokutakurira zvokudya, uye midziyo yegirazi hazvibvumirwi panoitirwa gungano.
◼ Mari Yezvipo: Tingaratidza kuti tinoonga urongwa hwegungano nokupa mari yezvipo nokuzvidira yokutsigira basa romunyika yose pagungano. Cheki dzose dzinofanira kunyorwa kuti “Watchtower Society.” Mipiro inogonawo kupiwa muchishandisa akaundi yekubhengi.
◼ Mishonga: Kana muine mushonga wamakanzi nachiremba mushandise, tapota ivai nechokwadi chokuti mauya nemushonga wakakwana nokuti pagungano panenge pasina. Majekiseni netsono zvinoshandiswa nevane chirwere cheshuga zvinofanira kuraswa nenzira isingazokuvadzi vamwe uye hazvifaniri kurasirwa mumabhini anoshandiswa panzvimbo yegungano kana kuti muhotera.
◼ Kudzivirira Tsaona: Tapota ngwarirai kuti musakuvara zvichikonzerwa nekutsvedza kana kupingirishwa. Gore negore vanhu vakawanda vanokuvara pamusana peshangu, kunyanya dziya dzakareba. Zvakanaka kusarudza shangu dziri pakati nepakati dzinonyatsokwana, dzinoita kuti munhu akwanise kufamba zvisina ngozi pamasitepisi nedzimwe nzvimbo dzakada kudaro.
◼ Vasinganyatsonzwi: Purogiramu ichatepfenyurwa munhandare pamasaisai eFM. Kuti uinzwe, unofanira kuuya nemudziyo wemabhatiri unobata FM nemahedhifoni.
◼ Mapurema Uye maLawn Chair: Mapurema uye maLawn Chair haabvumirwi munzvimbo yegungano. Zvisinei, zvigaro zvevana zvine mabhandi zvinobvumidzwa kana zvichigona kusungirwa pachigaro chiri pedyo nevabereki.
◼ Mapefiyumu: Kungava kuratidza rudo kana tikashandisa zvine mwero mapefiyumu akasimba anogona kukanganisa vamwe vanhu vane zvirwere zvinoita kuti vazarirwe.—1 VaK. 10:24.
◼ Fomu rinonzi Tapota Onai Munhu Uyu (S-43): Fomu iri rinofanira kushandiswa pakupa mashoko ane chokuita nevanhu vose vanofarira vanenge vaparidzirwa zvisina kurongwa panguva yegungano. Mafomu anenge azadzwa angaendeswa kuImba yeMabhuku kana kuti mungaapa munyori weungano yenyu kana madzokera kuungano.
◼ Maresitorendi: Itai kuti zita raJehovha rikudzwe neunhu hwakanaka hwamunoratidza mumaresitorendi. Pfekai zvinoratidza kuti muri vaKristu. Ipaiwo vashandi vemuresitorendi mari yekutenda basa ravanenge vaita, kana zvichiitwa munzvimbo yenyu.
◼ Mahotera:
Tapota musachengetesa makamuri akawanda kupfuura amuchashandisa, uye musaita kuti mukamuri renyu muve nevanhu vakawanda kupfuura vanobvumirwa.
Usangokanzurisa makamuri aunenge wakabhuka kutoti paita dambudziko risingadzivisiki, uye ibva wangoudza vanotarisira hotera yacho paunongoona kuti hauchakwanisi kugarapo, kuitira kuti vamwe vanoda pokugara vawane mukana. (Mat. 5:37) Kana uchifanira kukanzurisa makamuri awakabhuka, iva nechokwadi chekuti wapiwa nhamba inoratidza kuti wakanzurisa. Hauzodzorerwi mari yawakabhadhara yekubata nzvimbo kana ukanokanzurisa pasara maawa ari pasi pe48.
Tapota ziva kuti kana ukabhadhara hotera uchishandisa kadhi rekubhengi, vemuhotera vanowanzobata mari kuakaundi yako inokwana kubhadhara zvose zvinodiwa, uye chero zvingangozokuvadzwa kana kuti zvimwewo zvingazoda kubhadharwa pauchange uchigara pahotera yacho. Kwemazuva mashoma wabva pahotera yacho hauzokwanisi kushandisa mari yavakabata kusvikira hotera yatora mari inoenderana nezvaunenge washandisa.
Tora chingoro chekutakurisa mabhegi kana wava kuchida, uye chidzorere uchangopedza kuti vamwe vachishandisewo.
Zvakajairika uye zvakakodzera kupa vashandi vemuhotera kamari kekuvatenda kana vakutakurira zvinhu uye vakuchenesera imba.
Bikirai mudzimba dzinobvumidzwa chete.
Kana wapiwa zvekudya zvaunotarisirwa kuti udyire pahotera, zvakadai sezvekudya zvemangwanani, kofi nezvimwewo usati ndazviwanira pano, wototora zvimwe woenda nazvo kugungano.
Nguva dzose, ratidza chibereko chemudzimu kuvashandi vepahotera. Vanenge vaine vashanyi vakawanda uye vanoonga chaizvo mutsa wedu, mwoyo murefu, uye kunzwisisa kwatinoratidza.
Vabereki vanofanira kugara vachingwarira zvinoitwa nevana pahotera pacho, nemumaelevator, maswimming pool, mekufamba namo, mekuekisaizira nedzimwewo nzvimbo.
Kana pakava nedambudziko nemba yekugara pahotera, udza veDhipatimendi Repokugara paunenge uri kugungano kuti vakubatsire.
◼ Basa Rokuzvipira: Vose vanoda kuzvipira kushanda vanofanira kutaura neDhipatimendi reVazvipiri pagungano. Vana vari pasi pemakore 16 vanogona kubatsirawo nokushanda pamwe chete nevabereki vavo kana kuti nemumwe munhu mukuru anenge abvumirwa nevabereki vavo.