RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/13 pp. 4-6
  • Zvakaitika Muushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakaitika Muushumiri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Mashandisiro Atingaita Bhurocha raMashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Tevedzera Jehovha Kupfurikidza Nokuitira Vamwe Hanya Zvepachokwadi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Zivisa Mashoko Akanaka Oumambo Nemabhurocha
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Bhurocha Idzva Richagoverwa!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
km 12/13 pp. 4-6

Zvakaitika Muushumiri

◼ Australia: John, mumwe murume akadzidza, aienda kuchechi paaiva muduku asi akazopedzisira ava kutsigira zvakasimba pfungwa yokuti hakuna Mwari. Mumwe piyona akamusiyira bhurocha raWas Life Created? uye paakazomushanyirazve akamupa bhurocha raOrigin of Life. Piyona uyu akaramba achimuendesera magazini matsva uye kumuratidza nyaya dzinotaura nezvezvinhu zvakasikwa uye uprofita hweBhaibheri kuti arambe achifarira. Paakafunga kuti John akanga ava kuda kuziva zvakawanda, akamupa bhuku raBhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? Pashure pokuriverenga, John akataura kuti akanga ava kutenda kuti Mwari anogona kunge ariko. Piyona wacho akazoratidza John bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? papeji 20 ndima 8 uye peji 23-24 ndima 13-16. Magwaro ari ipapo akasvika pamwoyo waJohn zvokuti akabva ati, “Ndinofunga ndinofanira kumboongororazve Bhaibheri.”

◼ Mexico: Mumwe murume akaudza mumwe muparidzi kuti haatendi kuti Bhaibheri rakabva kuna Mwari. Muparidzi wacho akakumbira kumuratidza uchapupu hwokuti Bhaibheri rakafemerwa. Pashure pekukurukura nyaya yacho kanoverengeka, murume uyu akatanga kuchinja mafungiro ake nezvaakanga achidzidza muBhaibheri. Chakanyanya kuti ade kuchinja, kudzidza kwaakaita nezvemitemo iri muBhaibheri. Akaudza muparidzi wacho kuti: “Pataiverenga Bhaibheri mazuva okutanga, zvaiita sokuti zvarinodzidzisa zvakangofanana nemamwewo mabhuku uye ndaisaona kushanda kwazvaiita. Asi iye zvino patinoriverenga rinondibaya mwoyo chaizvo kunyanya parinenge richitaura nezvetsika.”

◼ United States: Pavaiva pachirongwa chokuparidza munopfuura nevakawanda mumaguta, imwe hama nomudzimai wayo vakasangana nemumwe mukadzi wekuTaiwan aitenda kuti Mwari ariko asi aifunga kuti Bhaibheri nderenyika dzokumadokero. Akaenda pavainge vakaronga mabhuku avo nekuti ainzwa upenyu hwake husina chinangwa kunyange zvazvo aiva neupenyu hwakanaka. Aitarisira kuti Bhaibheri raizomubatsira kuwana chinangwa muupenyu. Vakatanga kudzidza naye bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? uye bhurocha raLasting Peace and Happiness—How to Find Them. Pane kuti vadzidze chitsauko 2 chebhuku iri, vakaenda pachikamu chebhurocha chakanzi “A Guidebook for the Blessing of All Mankind.” Vadzidza ndima nhanhatu dzokutanga pachikamu ichi, mukadzi wacho akashamiswa kuona kuti Bhaibheri rakanyatsosiyana nemamwe mabhuku echitendero. Vakurukura nezveuprofita hweBhaibheri hwakazadziswa, akataura kuti, “Handifungi kuti kune rimwe bhuku rakarurama seBhaibheri!”

◼ Japan: Kunyange zvazvo mumwe saimba akaudza mumwe muparidzi kuti haatendi kuti Mwari ariko, muparidzi wacho akaramba achimushanyira achikurukura naye kwenguva pfupi nyaya dziri muMukai! dzinoti “NdiMwari Akasika Here?” Zvishoma nezvishoma akachinja mafungiro ake, uye akatanga kubvuma kuti Musiki angangovako. Iye zvino ava kutenda kuti Mwari ariko, uye muparidzi uyu ari kudzidza naye zviri mubhurocha raMashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!

◼ Canada: Mumwe mukadzi paaibuda mumba achienda kumota yake, akapiwa magazini akanga achangobuda neimwe hanzvadzi. Payakazomushanyirazve, mukadzi wacho akataura kuti aisafarira zvachose uye kuti aisatenda kuti kuna Mwari. Hanzvadzi yacho haina kukanda mapfumo pasi asi yakafunga kumuendesera bhurocha raA Satisfying Life—How to Attain It. Payakazodzokazve, yakamuudza kuti kunyange zvazvo yaiziva kuti aisatenda kuti Mwari ariko, yakanga ichimufunga nekuti yaiziva kuti aiva mubereki airera vana ari oga. Yakaratidza mukadzi wacho ndima 6 iri papeji 4 yebhurocha iri, inotaura nezvekunowanika mazano akanaka. Yakabva yamukurudzira kuverenga mazano ekurera vana ari muchidzidzo 2. Mukadzi wacho akarifarira chaizvo ndokuritora.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe