Kubatsira Vanenge Vasati Vava Kukwanisa Kudzidza Bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?
1. Vanhu vose here vachafarira kudzidza bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? patinovaona kekutanga? Tsanangura.
1 Kuti munhu ave munamati waJehovha, anofanira kuziva zvinodzidziswa neBhaibheri. Zvisinei, vamwe havapinde chitendero chechiKristu saka havabvumi kuti Bhaibheri iShoko raMwari. Vamwewo havatombotendi kuti kuna Mwari uye havabvumi zvinotaurwa neBhaibheri. Zvii zvakashandiswa kubatsira vaya vakambotanga vasingadi kudzidza bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? Mazano anotevera akatorwa pane zvakataurwa nevaparidzi vanobva munyika dzinokwana 20.
2. Kana munhu akatiudza kuti haatendi kuti Mwari ariko, ndezvipi zvatinofanira kuziva, uye nechikonzero chei?
2 Vaya Vasingatendi Kuti Kuna Mwari: Kana mumwe munhu akataura kuti haatendi kuti kuna Mwari, zvakanaka kuti tizive chikonzero chacho. Inyaya yokuti anotenda kuti zvinhu zvakashanduka-shanduka here? Haachatendi muna Mwari nekuti anoona zvakaipa zviri kuitika munyika kana kuti unyengeri hunoitwa muzvitendero here? Anobva kunyika inorambidza vanhu kutenda muna Mwari here? Zvimwe haaomese hake musoro panyaya yekuti hakuna Mwari, asi haasati amboona chikonzero chekuti ave nokutenda maari. Vaparidzi vakawanda vakaona kuti kubvunza kuti, “Ndizvo zvamagara muchifunga here?” kunoita kuti munhu wacho atsanangure mafungiro ake. Teerera uye usamudimburira achitaura. Kana tikanzwisisa kuti nei munhu wacho asingatendi kuti Mwari ariko, tichazivawo kuti tomupindura sei uye kuti tomupa bhuku ripi.—Zvir. 18:13.
3. Tingaratidza sei kuti tinoremekedza munhu nezvaanotenda?
3 Paunenge uchipindura, ngwarira kusataura nenzira inoita kuti munhu wacho afunge kuti uri kushora maonero ake. Mashoko anotevera akataurwa nemumwe ari kuUnited States: “Zvinokosha zvikuru kuremekedza rusununguko rwemunhu rwokutenda zvaanoda. Pane kungotsvaka kuda kuratidza munhu kuti akarasika, zvakanaka kuti tibvunze mibvunzo inoita kuti vanhu vafunge vozvionera voga kuti chokwadi ndechipi.” Pashure pokunzwa zvinenge zvataurwa nasaimba, mumwe mutariri anofambira anowanzotanga mhinduro yake nemashoko okuti, “Asi makambofunga nyaya iyi nenzira iyi here?”
4. Tingabatsira sei vaBhudha?
4 VaBhudha vakawanda havatombozivi nezvaMwari. Vamwe vaparidzi vekuBritain vanoshandisa bhurocha raLasting Peace and Happiness—How to Find Them pavanoparidzira vanhu ava. Pashure pokukurukura sumo, vanozoenda pachitsauko chinoti, “Is There Really a Most High Creator?,” vapedza vozoenda pane chinoti, “A Guidebook for the Blessing of All Mankind.” Zvadaro, vanogona kuudza saimba kuti vatange kudzidza bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? vomuudza kuti: “Mungave henyu musingatendi kuti Mwari ariko, asi kudzidza Bhaibheri kunobatsira nekuti rine mazano akawanda okutitungamirira.” Mumwe piyona wekuUnited States ari kushumira mundima inotaurwa chiChinese anoti: “Vanhu vakawanda vomundima yedu vanofarira kuverenga. Saka kakawanda patinozodzoka, vanenge vatopedza bhuku rose. Asi vangasanzwisisa kuti uri kurevei paunotaura nezvekudzidza Bhaibheri. Saka ndinofarira kushandisa bhurocha raMashoko Akanaka pandinoonana nemunhu kekutanga nekuti rakanyorwa nenzira inoita kuti ukurukure nasaimba.” Mumwe mutariri wedunhu wemundima yechiChinese akataura kuti zvinoita kutanga kudzidza nemunhu bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? paunomuona kekutanga. Zvisinei, zvinenge zvakanaka kutanga nechitsauko chechipiri chinotsanangura zvakaita Bhaibheri, pane kutanga nechitsauko chokutanga chinotaura nezvaMwari.
5. Zvakakosherei kuva nemwoyo murefu?
5 Zvinotora nguva kuti munhu azotenda kuti Mwari ariko, saka zvinokosha kuva nomwoyo murefu. Kukurukura kwatinoita nemunhu mazuva ekutanga kungasaita kuti abva atenda kuti kune Musiki. Asi nokufamba kwenguva anogona kutanga kubvuma kuti Musiki angangovako, kana kuti anogona kutaura kuti anonzwisisa zvikonzero zvinoita kuti vamwe vabvume kuti kune Musiki.
6. Ndezvipi zvinoita kuti vamwe vanhu vasafarire kudzidza Bhaibheri?
6 Vanhu Vasingafariri Kana Kuti Vasingavimbi neBhaibheri: Kakawanda munhu anobvuma kuti Mwari angangovako anenge asingafariri zvinodzidziswa neBhaibheri nekuti anofunga kuti harisi Shoko raMwari. Zvichida anogara munyika isina chiKristu uye anoona sekuti Bhaibheri nderevanhu vezvitendero zvenhema. Kana kuti zvimwe anogara munyika inonzi ndeyechiKristu asi isina basa nezvekunamata uye angafunga kuti Bhaibheri harimubatsiri muupenyu hwake. Tingabatsira sei vanhu vakadaro kuti vafarire Bhaibheri uye kuti vazopedzisira vabvuma kudzidza bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?
7. Ndeipi nzira inowanzoshanda pakuita kuti munhu afarire Bhaibheri?
7 Hofisi yebazi yokuGreece yakanyora kuti: “Kana munhu asingafariri Bhaibheri, kuzvigona kungomuvhurira Bhaibheri racho womuratidza zvirimo. Vaparidzi vakawanda vakaona kuti mashoko ari muBhaibheri paanosvika pamwoyo wemunhu, ane simba kupfuura zvavangataura ivo. (VaH. 4:12) Vamwe vakawanda pavakaona zita raMwari muBhaibheri vakabva vatanga kuda kudzidza nezveBhaibheri.” Hofisi yebazi yokuIndia yakanyora kuti: “Chokwadi nezvorufu neupenyu chinokwezva vaHindu vakawanda. Vanofarirawo vimbiso yeBhaibheri yokuti pachava nenyika inenge isingaiswi vanhu mumapoka vachisarurwa.” Kutaura nezvematambudziko ari kusangana nevanhu kunowanzopa vaparidzi mukana wokuratidza vanhu zvinotaura Bhaibheri nezvezvichaitwa noUmambo hwaMwari pakugadzirisa matambudziko.
8. Ndezvipi zvatingataura kuvanhu vasingafariri Bhaibheri nemhaka yezvinoitwa nemachechi?
8 Kana munhu asingafariri Bhaibheri nemhaka yezvinoitwa nemachechi, muudzei kuti machechi enhema haaiti zvinotaurwa neBhaibheri. Hofisi yebazi yokuIndia yakanyora kuti: “Dzimwe nguva, tinofanira kubatsira vanhu kuti vaone kuti machechi handiwo varidzi veBhaibheri.” Yakataurawo kuti vaHindu vanowanzofarira chikamu 4 chebhurocha raChii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana? icho chinotsanangura zvakaedza kuitwa nemachechi kuti achinje zvinodzidziswa neShoko raMwari kunyange kutoriparadza. Mumwe piyona wekuBrazil anoudza vanhu kuti: “Madii kuzvionera mega kuti Bhaibheri rinoti chii? Vanhu vakawanda vari kuita izvi nechinangwa chokuziva chokwadi, vasingaomereri pane zvavakadzidziswa nechimwe chitendero. Mungatoshamiswa nezvamuchadzidza.”
9. Nei tisingafaniri kuneta kana mumwe munhu akatanga asingafariri zvinodzidziswa neBhaibheri?
9 Jehovha anotarisa zvakaita mwoyo wemunhu mumwe nomumwe. (1 Sam. 16:7; Zvir. 21:2) Ari kuita kuti vaya vane mwoyo yakakodzera vauye kusangano rake rechokwadi. (Joh. 6:44) Vakawanda vavo vakanga vasati vambonzwa nezvaMwari kana kuti vaingoziva zvishoma nezveBhaibheri. Ushumiri hwedu hunovapa mukana wokuti “vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” (1 Tim. 2:4) Saka kana vamwe vakasafarira zvinodzidziswa neBhaibheri paunovaona kekutanga, usaneta! Shandisa mabhuku kana mavhidhiyo emutauro wenyu kuti vafarire. Pakupedzisira unogona kuzochinja wotanga kudzidza navo bhuku ratinowanzoshandisa pakudzidza nevanhu Bhaibheri, raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
[Bhokisi riri papeji 4]
Kana saimba akati haatendi kuti Mwari ariko, edza izvi:
• Bvunza kuti, “Ndizvo zvamagara muchifunga here?” kuti uzive chikonzero chacho.
• Kana munhu wacho ari muBhudha, shandisa bhurocha raLasting Peace and Happiness—How to Find Them, mapeji 9-12.
• Kana achitenda kuti zvinhu zvakashanduka-shanduka, zvinotevera zvinogona kubatsira:
Nyaya dzomuMukai! dzinotevedzana dzinoti “NdiMwari Akasika Here?”
Vhidhiyo yaThe Wonders of Creation Reveal God’s Glory
Mabhurocha anoti: A Satisfying Life—How to Attain It, chitsauko 4; Was Life Created?; uye The Origin of Life—Five Questions Worth Asking
• Kana asingachatendi muna Mwari nemhaka yezvakaipa zviri munyika uye kutambura, mabhuku anotevera anogona kubatsira:
Bhuku raIs There a Creator Who Cares About You?, chitsauko 10
Bhurocha raMwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?, rutivi 6, uye raChii Chiri Donzo Roupenyu? chikamu 6
• Chinjira kubhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? kana wangoona kuti saimba anobvuma kuti Mwari angangovako. Zvingave zvakanaka kuti utange nechitsauko 2 kana kuti chimwewo zvichienderana nasaimba wacho.
[Bhokisi riri papeji 5]
Edzai zvinotevera kana saimba asingatendi Bhaibheri:
• Kurukurai zvitsauko 17 ne18 zvebhuku raLife—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation?
• Pakukurukura nevaHindu, shandisai bhurocha raWhy Should We Worship God in Love and Truth?
• Pakukurukura nevaJudha, shandisai bhurocha raWill There Ever Be a World Without War?, mapeji 3-11.
• Kurukurai kubatsira kwazvinoita kutevedzera zvinodzidziswa neBhaibheri. Mabhuku nemavhidhiyo aunogona kushandisa kuratidza munhu kubatsira kunoita Bhaibheri ndeanotevera:
Nyaya dzinotevedzana dzinobuda muMukai! dzinoti, “Mazano Okubatsira Mhuri”
Vhidhiyo yaThe Bible—Its Power in Your Life
Mabhurocha anoti: Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!, zvidzidzo 9 ne11; A Book for All People, mapeji 22-26; uye A Satisfying Life—How to Attain It, chitsauko 2
Pakukurukura nevaBhudha, shandisai bhurocha raThe Pathway to Peace and Happiness, mapeji 3-7
Pakukurukura nevaMuslim, shandisai bhurocha raReal Faith—Your Key to a Happy Life, chitsauko 3.
Kana uri kuparidza munzvimbo ine vanhu vasingatofariri Bhaibheri, zvinenge zvakanaka kuti usataure pari kubva mashoko ouchenjeri aunenge uchivaudza kusvikira wava nenguva yakati kuti uchivashanyira.
• Tsanangura kuti uprofita hweBhaibheri hwakazadziswa sei. Unogona kushandisa zvinhu zvinotevera:
Vhidhiyo yaThe Bible—Accurate History, Reliable Prophecy
Bhurocha raA Book for All People, mapeji 27-29
• Chinjira kubhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? munhu wacho paanongotanga kubvunza zvinodzidziswa neBhaibheri pamusoro penyaya dzakasiyana-siyana.
[Bhokisi riri papeji 6]
Kana saimba akati: “Handitendi kuti Mwari ariko,” unogona kuti:
• “Ndingakutsanangurirai here muchidimbu chakaita kuti ini nditende kuti kune Musiki?” Wadaro, kurukura naye pfungwa dziri mubhuku raKukurukurirana, mapeji 163-165, kana kuti ronga kuzomuunzira bhuku rawakaverenga rikakunakidza.
• “Asi ngatimbotii kudai Mwari ariko, maizoda kuti ave Mwari akaita sei?” Vanasaimba vakawanda vanopindura kuti vaizofarira Mwari ane rudo, anotonga zvakanaka, ane ngoni uye asingasaruri. Muratidze muBhaibheri kuti Mwari ndozvaari. (Munogona kutoshandisa chitsauko 1 chebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?, muchitangira pandima ya6.)
Kana saimba akati: “Handitendi zvinotaurwa neBhaibheri,” unogona kuti:
• “Vanhu vakawanda vanofunga saizvozvo. Vamwe vanoti Bhaibheri haritauri zvinhu zvesayenzi kana kuti zvinodzidziswa neBhaibheri hazvibatsiri. Chimbondiudzaiwo, makamboverenga Bhaibheri here? [Rega apindure, wozomuratidza sumo iri papeji 3 yebhurocha raA Book for All People, womupa bhurocha racho.] Vakawanda havafariri Bhaibheri nekuti machechi haatevedzeri zvarinodzidzisa. Pandichazokushanyirai, ndichada kukurukura nemi muenzaniso uri papeji 4 ne5.”
• “Vanhu vakawanda vanofunga saizvozvo. Regai ndikuratidzei chimwe chinhu chinondishamisa nezveBhaibheri. [Verenga Jobho 26:7 kana kuti Isaya 40:22, iyo inoratidza kuti Bhaibheri rakarurama parinotaura nezvesayenzi.] Bhaibheri rinewo mashoko okuchenjera anobatsira mhuri. Pandichazouya ndinoda kukuratidzai muenzaniso.”
• “Maita henyu nokundiudza izvozvo. Kudai Mwari akanyorera vanhu bhuku, munofunga kuti ringadai richitaura nezvei?” Zvadaro ratidza munhu wacho chimwe chinhu chiri muBhaibheri chinoenderana nemhinduro yake.