Kudzidza Bhuku raSwedera Pedyo naJehovha Kuchatanga Vhiki yaJanuary 6
1. Kutanga vhiki yaJanuary 6, chii chatichadzidza chichatibatsira kuswedera pedyo naJehovha?
1 Jehovha anoda kuti tiswedere pedyo naye. (Jak. 4:8) Kuti tikwanise kuita izvi, kutanga vhiki yaJanuary 6, tichatanga kudzidza bhuku raSwedera Pedyo naJehovha paChidzidzo cheBhaibheri Cheungano. Ichitaura nezvechinangwa charo, sumo yebhuku iri inoti: “Kufungisisa nzira iyo Jehovha anoratidza nayo unhu hwake hwose, tichiona nzira iyo Jesu Kristu akahuratidza nayo sezvahuri chaizvo, uye tichinzwisisa nzira iyo isuwo tingahukudza nayo matiri zvichatiswededza pedyo naMwari.” Ungano dzakambodzidza bhuku iri muna 2004 na2005. Zvisinei, vakawanda vevaparidzi vangasvika mamiriyoni maviri vakawana chokwadi kubvira panguva iyi, vachatotangawo kudzidza zvakadzama nezvemaitiro aJehovha anoita kuti timude. Kune vaya vakambodzidza bhuku iri, kuridzokorora kuchaita kuti vawedzere kunzwisisa nezvaJehovha.—Pis. 119:14.
2. Bhuku raSwedera Pedyo naJehovha richadzidzwa sei?
2 Madzidziro Atichariita: Muitisi achatanga nesumo pfupi, zvichida nemutsetse mumwe chete kana miviri. Bhuku iri hariratidzi magwaro anofanira kuverengwa, saka chidzidzo pachinenge chichiitwa muitisi achasarudza magwaro ane pfungwa dzinokosha kuti averengwe. Anogona kubvunza mubvunzo mumwe chete kana kuti miviri yokudzokorora panopera chidzidzo chimwe nechimwe. Kana pari kudzidzwa paine bhokisi rakanzi “Mibvunzo Yokufungisisa,” ndiro richashandiswa pakudzokorora. Kana nguva iripo, muitisi anogona kuita kuti mamwe magwaro ari mubhokisi iri asina kunyorwa mashoko awo averengwe ozobvunza mibvunzo kuti vateereri vapindure.
3. Ndezvipi zvatinofanira kuita patinenge tichidzidza bhuku iri, uye nei tichifanira kuita izvozvo?
3 Nyatsobatsirwa: Gadzirira, kunyange kana wakambodzidza bhuku iri. Pindurawo, sezvo izvi zvichiita kuti Jehovha arumbidzwe, zvichikubatsira kuyeuka zvaunenge wadzidza uye zvichibatsirawo vamwe vanenge varipo. (Pis. 35:18; VaH. 10:24, 25) Kufungisisa nezvaJehovha, uyo asina waakafanana naye, kuchakuswededza pedyo naye. (Pis. 77:11-13) Kuchawedzerawo chido chako chokuteerera mitemo yake uye chokuudza vamwe nezvake.—Pis. 150:1-6.