Tevedzerai Vaprofita—Joeri
1. Tingatevedzera sei kuzvininipisa kwaJoeri patinenge tichiparidza?
1 Muprofita Joeri aiva ani? Anongotaura kuti aiva “mwanakomana waPetueri.” (Joe. 1:1) Muprofita uyu aizvininipisa akasimbisa nezveshoko raJehovha, kwete basa rake semuprofita. Saizvozvowo pane kutsvaka kurumbidzwa kana kuti kuda kuonekwa, isu tinoita kuti vanhu vafunge nezvaJehovha uye nezveBhaibheri patinenge tiri muushumiri. (1 VaK. 9:16; 2 VaK. 3:5) Tinowanawo simba kubva mushoko ratinozivisa. Zvii zviri muuprofita hwaJoeri zvinotikurudzira kuti tishingaire uye tive netariro mazuva ano?
2. Kuva pedyo kwezuva raJehovha kunofanira kutikurudzira kuitei?
2 “Zuva raJehovha Rava Pedyo.” (Joe. 1:15): Kunyange zvazvo pava nezviuru zvemakore kubva pakanyorwa mashoko aya, tiri kurarama munguva yokuzadzika kwawo kwekupedzisira. Kuipa kuri kuita zvinhu munyika uye kusafarira nokutsvinyira kuri kuita vanhu shoko ratinoparidza mundima yedu hunotova uchapupu hwakajeka hwekuti tiri mumazuva ekupedzisira enyika ino yakaipa. (2 Tim. 3:1-5; 2 Pet. 3: 3, 4) Patinofungisisa nezvekuti mugumo wava pedyo, tinova nechikonzero chakasimba chokuti tiise ushumiri pokutanga muupenyu hwedu.—2 Pet. 3:11, 12.
3. Sei ushumiri huchinyanya kukosha sezvatava kusvika pakutambudzika kukuru?
3 “Jehovha Achava Nzvimbo Yokupotera Yevanhu Vake.” (Joe. 3:16): Kuzununguka kunotaurwa murugwaro urwu kunogona chete kungoreva kutongwa kuchaitwa vanhu naJehovha pakutambudzika kukuru. Tinozorodzwa nokuziva kuti Jehovha achanunura vashumiri vake vakatendeka panguva iyi. (Zvak. 7:9, 14) Patinoita basa rokuparidza, toona kubatsirwa uye kusimbiswa kwatinoitwa naJehovha, tinova nekutenda kwakasimba uye kutsungirira uko kuchatibatsira pakutambudzika kukuru kuri kuuya.
4. Chii chinoita kuti tifare uye titarire mberi nechivimbo?
4 Kunyange zvazvo uprofita hwaJoeri huchionekwa nevamwe sehunongotaura zvinhu zvinosuruvarisa, hunopa vanhu vaMwari tariro yechokwadi yokuponeswa. (Joe. 2:32) Saka ngatitarirei mberi nechivimbo, tichishingaira kuzivisa mashoko akanaka eUmambo hwaMwari sezvatinoteerera mashoko aJoeri 2:23 anoti: “Farai mufarire kwazvo Jehovha Mwari wenyu.”