RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/13 p. 1
  • Wakagadzirira Kuchinja Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Wakagadzirira Kuchinja Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Mashoko Akafanana
  • “Ita Zvinhu Zvose Nokuda Kwemashoko Akanaka”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Ungachinjira Purogiramu Yako Kune Zvinodiwa Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Ratidza Kuti Unonyatsofarira Vanhu—Nokugadzirira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Nzira Dzokuvandudza Nadzo Kuparidza Kwedu Umambo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
km 6/13 p. 1

Wakagadzirira Kuchinja Here?

1. Kuchinja kuri kuita zvinhu munyika kunoita kuti tide kuchinja chii?

1 Pana 1 VaKorinde 7:31, Bhaibheri rinofananidza nyika nedariro rine mitambo nevatambi zviri kugara zvichichinja. Kuchinja kuri kuita zvinhu munyika kunotodawo kuti isu tigare tichichinja nzira dzatinoshandisa pakuparidza, purogiramu yedu, uye mharidzo dzedu. Wakagadzirira kuchinja here?

2. Nei tichifanira kuchinja kuti tifambirane nesangano raJehovha?

2 Nzira Dzaunoshandisa Pakuparidza: Ungano yechiKristu yagara ichigadziridza maitirwo ezvinhu. Paakatuma vadzidzi vake kekutanga, Jesu akavaudza kuti vasatora homwe yezvokudya kana kuisa mari muzvikwama zvavo. (Mat. 10:9, 10) Asi akazogadziridza mirayiridzo yacho achifunga nezveutsinye hwaizoitirwa vadzidzi vake uye kuwedzera kwaizoita basa rokuparidza mune dzimwe nzvimbo. (Ruka 22:36) Mumakore zana apfuura, sangano raJehovha rakashandisa nzira dzakasiyana-siyana dzokuparidza, zvichienderana nezvaidiwa panguva iyoyo dzakadai sokuparidza nemakadhi, kushandisa nhepfenyuro dzeredhiyo uye kuparidza nemotokari dzine magudzanzwi. Sezvo mazuva ano vanhu vasingawaniki pamba munzvimbo dzakawanda, pange pachisimbiswa kuti tiparidze pachena uye zvisina kurongwa pane kungoparidza paimba neimba. Tange tichikurudzirwawo kuti tiparidze manheru paimba neimba kana vanhu vachiswera vari kubasa. Uri kufambirana nengoro yaJehovha yokudenga here painochinja kwayakananga?—Ezek. 1:20, 21.

3. Kuva vakagadzirira kuchinja mharidzo kunotibatsira sei kuti tibudirire muushumiri?

3 Mharidzo Yako: Vanhu vekwaunogara vari kunyanya kunetseka nezvei mazuva ano? Upfumi hwenyika here? Nyaya dzemhuri here? Kana kuti nyaya dzokuparwa kwemhosva? Zvinobatsira kana tikagara tichiziva zviri kunetsa vanhu uye zvinogara zvichiitika mundima yedu kuitira kuti tigadzirire mharidzo yakakodzera. (1 VaK. 9:20-23) Kana vana saimba vakataura zvavanofunga, zvaizonaka kana tikachinja mharidzo yedu totaura nezvazvo pane kungoenderera mberi nezvatakagadzirira.

4. Nei tichifanira kukurumidza kuchinja?

4 “Mamiriro ezvinhu” ekupedzisira enyika ino ava pedyo chaizvo nokuguma uye kutambudzika kukuru kuchatanga. “Nguva yasara ipfupi.” (1 VaK. 7:29) Saka zvinokosha chaizvo kuti tive vakagadzirira kuchinja tisingaiti zvokunonoka, kuti tiite zvakawanda munguva shoma yasara!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe