Purogiramu Yevhiki yaJune 10
VHIKI INOTANGA NAJUNE 10
Rwiyo 114 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
jr chits. 10 ¶14-19 (30 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Mabasa 1-4 (10 min.)
Nha. 1: Mabasa 1:15–2:4 (Maminitsi 4 zvichidzika)
Nha. 2: Rudzikinuro Ruchaita Kuti Pave Nezvikomborero Zvipi Zvenguva Yemberi?—rs p. 303 ¶1-4 (5 min.)
Nha. 3: Nemhaka Yei Mafungiro Evanhu Vakawanda Achifananidzwa Nemhepo Ine Muchetura?—VaEf. 2:1, 2 (5 min.)
□ Musangano Webasa:
10 min: Zvakanakira Kutarisana Nevateereri. Hurukuro inobva mubhuku reChikoro Choushumiri, peji 124, ndima 1, kusvika kupeji 125, ndima 4. Ivai nemuenzaniso wemuparidzi asiri kukwanisa kutarisana nemunhu waari kuparidzira. Dzokororai muenzaniso wacho, iye zvino muparidzi achitarisana nemuteereri zvakanaka.
10 min: Takaitei? Kukurukurirana kunoitiswa nemunyori. Tsanangurai zvakaitwa mumwaka weChirangaridzo, uye tendai zvakaitwa neungano. Kumbirai vateereri kuti vataure zvavakasangana nazvo zvakavanakidza pavaikoka vanhu kuChirangaridzo, kana kuti pavaiita upiyona hwebetsero.
10 min: “Wakagadzirira Kuchinja Here?” Mibvunzo nemhinduro.
Rwiyo 74 Nemunyengetero