Chii Chinodiwa Kuti Uve Mudzidzisi Akanaka?
1. Chii chinodiwa kuti uve mudzidzisi akanaka?
1 Chii chinoita kuti munhu ave mudzidzisi weBhaibheri akanaka? Idzidzo yokunyika here? Kugara nebasa here? Itarenda here? Aiwa, asi kuva neunhu huya hunozadzisa Mutemo, uhwo vadzidzi vaJesu vanozivikanwa nahwo, uye uhwo Jehovha anonyanya kuzivikanwa nahwo. (Joh. 13:35; VaG. 5:14; 1 Joh. 4:8) Unhu ihwohwo rudo. Vadzidzisi vakanaka vanoratidza rudo.
2. Nei zvichikosha kuti tide vanhu?
2 Ida Vanhu: Mudzidzisi Mukuru, Jesu, aida vanhu, uye izvi zvakaita kuti vanhu vacho vade kumuteerera. (Ruka 5:12, 13; Joh. 13:1; 15:13) Kana tiine hanya nevanhu, tichaparidza pose panenge pamuka mukana. Zvipingamupinyi zvakadai sekutambudzwa kana kushaya vanhu vanofarira hazvizotitadzisi kuparidzira. Ticharatidza kuti tinoda nemwoyo wose vanhu vatinoparidzira, uye tichaita kuti zvatinotaura nematauriro atinozviita zvienderane nemunhu mumwe nomumwe. Hatizongogumiri pakuva nenguva yakawanda tiine mudzidzi weBhaibheri mumwe nomumwe asi kuti tichapedza nguva yakawanda tichigadzirira chidzidzo chimwe nechimwe.
3. Kuda chokwadi chiri muBhaibheri kunotibatsira sei muushumiri?
3 Ida Chokwadi Chiri muBhaibheri: Jesu aidawo chokwadi chiri muBhaibheri uye aichiona sepfuma. (Mat. 13:52) Kana tichida chokwadi, zvichaoneka nematauriro edu, uye izvi zvinogona kuita kuti vanhu vade kuteerera. Kuita izvi kuchatibatsira kuisa pfungwa dzedu pane zvinhu zvinokosha zvatinodzidzisa, kwete pane zvatinenge tisingakwanisi, uye hatizonyanyi kutya patinenge tiri muushumiri.
4. Tingawedzera sei kuratidza kwatinoita rudo?
4 Wedzera Rudo Rwako: Tingawedzera sei kuda kwatinoita vanhu? Nokufungisisa rudo rwakaratidzwa naJehovha neMwanakomana wake uye kusiririsa kuri kuita vanhu vari mundima yedu nepamusana pokusaziva chokwadi. (Mako 6:34; 1 Joh. 4:10, 11) Kuda kwatinoita chokwadi chiri muBhaibheri kunowedzera kana tichidzidza tiri toga nguva dzose uye tichifungisisa. Rudo chimwe chezvinhu zvinoumba chibereko chomudzimu. (VaG. 5:22) Saka tinogona kukumbira Jehovha kuti atipe mudzimu mutsvene uye kuti atibatsire kuti tiwedzere rudo rwedu. (Ruka 11:13; 1 Joh. 5:14) Pasinei nokuti takadzidza kusvika papi, tava nenguva yakareba sei tiri muchokwadi, kana kuti tine tarenda rakaita sei, tinogona kuva vadzidzisi veBhaibheri vemandorokwati kana tichiratidza rudo.