RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/10 p. 1
  • Zvatinoisa Pokutanga

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvatinoisa Pokutanga
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Uri Kuita Ushumiri Hwako Zvizere Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Chii Chaunoisa Panzvimbo Yokutanga?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • “Nyatsotevera Tsoka Dzake”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Ushumiri hwechiKristu—Basa Redu Guru
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
km 7/10 p. 1

Zvatinoisa Pokutanga

1. Jesu akaratidza sei kuti ushumiri hwaikosha kwaari?

1 Jesu ainyanya kukoshesa basa roushumiri. Aishanda nesimba achifamba mazana emakiromita muParestina yose kuti anoparidzira vakawanda sevaangagona. Airarama upenyu husina twakawanda-wanda kuti apedze nguva zhinji ari muushumiri achihuita nomazvo. (Mat. 8:20) Mapoka evanhu paakaedza kumudzivisa kuti asabva kwavari kuitira kuti arape varwere vavo, iye akati: “Ndinofanirawo kuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari kune mamwe maguta, nokuti ndakatumirwa izvozvi.”—Ruka 4:43.

2. Sei Jesu ainyanya kukoshesa ushumiri?

2 Sei Jesu ainyanya kukoshesa ushumiri? Aiva nehanya chaizvo nokutsvenesa zita raJehovha. (Mat. 6:9) Aida Baba vake vokudenga uye aida kuita zvavaida uye kuteerera mirayiro yavo yose. (Joh. 14:31) Aivawo nehanya chaizvo nevanhu uye aida kuvabatsira.—Mat. 9:36, 37.

3. Tingaratidza sei kuti tinokoshesa ushumiri?

3 Tevedzera Jesu: Kuramba tichiona zvinhu semaonero aiva naJesu hakusi nyore nokuti munyika mune zvakawanda zvinotora nguva yedu uye zvinotitsausa. (Mat. 24:37-39; Ruka 21:34) Saka tinofanira kuziva kuti zvinonyanya kukosha ndezvipi, toronga nguva yedu kuti tigadzirire uye kuita basa rokuparidzira nguva dzose. (VaF. 1:10) Tinoedza kuramba tiine upenyu husina twakawanda-wanda torega kushandisa nyika zvizere.—1 VaK. 7:31.

4. Sei zvichikosha kuti tirambe tichiisa zvinhu zvinokosha pokutanga iye zvino?

4 Kana nguva iri shoma munhu akangwara anoziva kuti zvinhu zvinokosha zvinoitwa nguva ipi. Somuenzaniso, kana akaziva kuti dutu rakaipa rava kusvika, anoshandisa nguva yake uye simba rake kuona kuti mhuri yake ine pokuvanda uye anonyevera vavakidzani vake. Anomborega kuita zvinhu zvisinganyanyi kukosha. Kwasara nguva pfupi kuti Amagedhoni isvike. (Zef. 1:14-16; 1 VaK. 7:29) Kuti tizviponese uye tiponese vanotiteerera, tinofanira kuramba tichizvichenjerera uye kuchenjerera madzidzisiro edu mungava muungano kana kuti musiri muungano. (1 Tim. 4:16) Ichokwadi kuti kana tichida kupona, tinotofanira kuisa ushumiri hwedu pokutanga!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe