Purogiramu Yevhiki yaJuly 19
VHIKI INOTANGA NAJULY 19
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
cf-CA chits. 7 ¶17-21, bhokisi riri pap. 75
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: 1 Madzimambo 12-14
Nha. 1: 1 Madzimambo 12:12-20
Nha. 2: Chii Chingatibatsira Kuti Tione Hama Dzedu Semaonero Adzinoitwa naJehovha?
Nha. 3: Koshesa Ukama Hwako naJehovha, Wodzivisa Ushamwari Hwakaipa (rs-CA p. 200 ¶3)
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
10 min: Nzira Dzokuwedzera Nadzo Ushumiri Hwako—Chikamu 2. Hurukuro inobva mubhuku raTakarongwa, peji 112, ndima 3, kusvika kupeji 114, ndima 1. Bvunzurudzai piyona mumwe chete kana vaviri kuti zvii zvavakagadziridza papurogiramu yavo kuitira kuti vakwanise kupayona.
10 min: Munyori anokurukura, “Zviyeuchidzo Zvegungano Reruwa,” zviri muUshumiri hwoUmambo hwaApril 2010, mapeji 6 ne7. Kurudzirai vose kuti vave nechokwadi chokuti vachapinda purogiramu yose yeGungano regore rino. Taurai mazuva achaitwa gungano reruwa richapindwa neungano yenyu.
10 min: “Zvandiri Kuita Zvakakwana Here?” Kukurukurirana nemibvunzo nemhinduro.