Purogiramu Yevhiki yaJanuary 11
VHIKI INOTANGA NAJANUARY 11
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
lv-CA chits. 15 ¶10-17, bhokisi riri pap. 177
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Joshua 21-24
Nha. 1: Joshua 24:1-13
Nha. 2: Mwari Haana Hanya Uye Ane Mwoyo Wakaoma Here?
Nha. 3: Bhaibheri Rinotaura Here Kuti Mweya Unopona Panofa Muviri? (rs-CA p. 74 ¶1-5)
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
15 min: Dzidzisa Vadzidzi Vako Kudzidza Kwavangaita. Kukurukurirana nevateereri mashoko ari pamapeji 28-31 mubhuku reChikoro Choushumiri, pasi pekamusoro kanoti “Kudzidza Kwatingaita.” Tangai nomuenzaniso womuparidzi ane unyanzvi achiratidza munhu achangotanga kudzidza Bhaibheri kugadzirira kwaangaita kudzidza achishandisa mashoko ari papeji 7 mubhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei.
15 min: “Ndinonyatsokwanisa Kuparidza Here?” Kukurukurirana nemibvunzo nemhinduro. Makurukura ndima 4, bvunzurudzai muparidzi muchibvunza mibvunzo inotevera: Kuti mubudirire pakuparidza, zvipingamupinyi zvipi zvamakakunda? Kuti muve mushumiri anoshingaira uye anobudirira makabatsirwa sei?