Wagadzirira Here Kuimbira Jehovha Pamisangano Yedu?
1 Kugadzirira kuti tive nezvatinoita pamisangano kunosanganisira kugadzirira kuimba nziyo dzokurumbidza. Funga nezvemazano anotevera.
2 Nzwisisa Mashoko Acho: Rugwaro ruri pamusoro wenziyo uye mamwe magwaro akanyorwa panoperera nziyo yega yega anobatsira kuratidza kuti mashoko enziyo yacho anobva muMagwaro.
3 Dzidzira: Chikamu cheKunamata Kwemhuri kwevhiki nevhiki chingashandiswa kudzidzira nziyo itsva. Imbai nziyo dzichashandiswa pamusangano wega wega muchitevedzera nziyo dzepiyano dzakarekodhwa. Mungadzidzira chuni yedzimwe nziyo itsva nokuteerera Sing to Jehovah—Vocal Renditions, Disc 1.
4 Uchange wagadzirira here kupera kwevhiki ino patichatanga kushandisa bhuku renziyo rinonzi Imbirai Jehovha paChidzidzo cheNharireyomurindi? Uchange wagadzirira kana ukawana nguva yokunzwisisa zvinorehwa nenziyo dzacho uye kana ukadzidzira kudziimba.