Tsamba Yebazi
Kuvaparidzi voUmambo Vanodiwa:
Musi weChishanu June 6, 2008, mhuri yeBheteri yomuHarare yakapiwa chiziviso chinofadza nezvechiitiko chichabatsira basa roUmambo munyika ino mumakore ari kuuya. Chaiva chokuti Dare Rinodzora rakabvuma kuti tivake Imba yemaMishinari muHarare!
Takatowana nzvimbo iri pakanaka muHarare yatiri kutarisira kuzovaka Dzimba dzoUmambo mbiri dzakabatana uye Imba yemaMishinari ichagara mhuri nhatu kana ina. Bazi rokuSouth Africa riri kutogadzira mapurani eImba yemaMishinari. Tinotarisira kuti munguva pfupi kanzuru yeHarare ichatibvumira kuenderera mberi nebasa iri. Iri zvariri basa rakakura, hapana mubvunzo kuti tichada kubatsirwa nehama dzinobva kune dzimwe nyika dzichange dzichishanda pamwe chete neDhipatimendi Rokuvaka Dzimba dzoUmambo repaBheteri uye boka rokuvaka Dzimba dzoUmambo romuHarare.
Iye zvino tine mamishinari gumi nevaviri muZimbabwe. Pane dzimwe mhuri nhatu dzemamishinari dziri kuuya kuzoshanda nesu uye tinotarisira kuti munguva pfupi vachakwanisa kutanga basa ravo. Tinofara chaizvo kuona kuti Tenzi wokukohwa ari kubvuma kukumbira kwatakaita vamwe vashandi vokukohwa!—Enzanisa naMateu 9:37, 38.
Tinofara kushanda pamwe nemi panguva ino inokosha. Dai Jehovha akakukomborerai mose sezvamunoshanda nesimba mubasa rake.
Hama dzenyu,
Hofisi yeBazi yomuZimbabwe