RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/08 p. 4
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 8/08 p. 4

Zvokutaura Maererano Nemagazini

Nharireyomurindi Aug. 1

“Munobvumirana nazvo here kuti kuteerera murayiro uyu waJesu kunoita kuti mhuri iwedzere kufara? [Verenga Johani 13:34. Rega apindure.] Nyaya iyi inoratidza kuti dzidziso noupenyu hwaJesu zvinogona sei kushandiswa nomunhu mumwe nomumwe ari mumhuri.” Muratidze nyaya iri papeji 16 ne17.

Awake! Aug.

“Munofunga kuti hurumende dzevanhu dzichanyatsogadzirisa dambudziko rokupisa kwokunze here riri kuitika munyika yose? [Rega apindure. Zvadaro verenga Jeremiya 10:23.] Muchanakidzwa nenyaya iyi. Inoratidza kuti Mwari achagadzirisa sei zvinetso zviri kukanganisa nyika yedu.”

Nharireyomurindi Sept. 1

“Vanhu vakawanda vanoziva mashoko aJesu ari pana Mateu 6:9. [Verenga.] Kunyange zvakadaro, vakawanda vanoona zvakaoma kuti vanzwe vaine ushamwari hwepedyo naMwari saBaba vavo. Munofunga kuti tingava sei noushamwari hwepedyo naMwari? [Rega apindure.] Magazini ino inokurukura unhu hwakasiyana-siyana huna Baba vedu vokudenga uye kuti tinganyatsovaziva sei.”

Awake! Sept.

“Mumazana ose emakore apfuura aya, vanhu vave vachikakavadzana nezvinoitika pashure pokunge munhu afa. Munofungei? [Rega apindure.] Onai zvaidavirwa naJobho. [Verenga Jobho 14:14, 15.] Nyaya idzi dzinoratidza zvinotaurwa neBhaibheri kuti chii chinoitika pashure pokunge munhu afa.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe