“Ratidzai Kuti Munoonga”
1 Jesu paakaporesa vanhu gumi vaiva nemaperembudzi, mumwe chete wavo ndiye akadzoka kuzomutenda. Jesu akabvunza kuti: “Hakuna kunatswa vanhu gumi here? Saka, vamwe vapfumbamwe vari kupi?” (Ruka 17:11-19) Chokwadi zvinokosha zvikuru kuti tikoshese uye tiratidze kuti tinoonga zvipo zvose zvakanaka nezvinopiwa zvose zvakakwana zvatakapiwa naBaba vedu vokudenga vane rupo uye vane rudo, Jehovha Mwari!—VaK. 3:15; Jak. 1:17.
2 Zvinhu zvipi zvatinofanira kuonga? Tinoonga rudzikinuro, chipo chikuru zvikuru chakapiwa vanhu naMwari. (Joh. 3:16) Tinoongawo Jehovha nokuti akaita kuti tiswedere pedyo naye. (Joh. 6:44) Chimwe chikonzero chinoita kuti tionge ndiko kubatana kwatakaita sevaKristu munyika yose. (Pis. 133:1-3) Hapana mubvunzo kuti unogona kufunga nezvezvimwe zvipo zvakawanda zvinobva kuna Jehovha. Hatimbodi kuita sevaIsraeri vakakanganwa zvavakaitirwa naJehovha!—Pis. 106:12, 13.
3 Ratidzai Kuonga: Kunyange zvazvo vose gumi vaiva nemaperembudzi vangadai vakaonga zvavakaitirwa naJesu, mumwe chete bedzi ndiye akaratidza kuonga. (Ruka 17:15) Saizvozvowo, tinoratidza kuonga nokushingaira muushumiri. Kana tichionga zvechokwadi zvose zvatakaitirwa naBaba vedu vokudenga vane rudo, mwoyo yedu ichaita kuti titevedzere kupa kwavanoita uye rudo rwavo nokuudza vamwe nezvavo. (Ruka 6:45) Sezvatinoudzawo vamwe ‘nezvemabasa aJehovha anoshamisa nepfungwa dzake,’ kuda uye kuonga kwatinoita Jehovha kunowedzera.—Pis. 40:5.
4 Itai Kuti Vamwe Vaonge: Tinofanira kutsvaka nzira dzokubatsira nadzo vana vedu uye vatinodzidza navo Bhaibheri kuti vave vanhu vanoonga. Vabereki vane mikana yakawanda yokuita izvi, sepaya pavanenge vachinakidzwa nokuona zvinhu zvakasikwa naJehovha vaine vana vavo. (VaR. 1:20) Patinenge tichidzidzisa munhu Bhaibheri tingamubvunza kuti, “Izvi zvinotidzidzisei nezvaJehovha?” Mudzidzi wacho paachawedzera kuonga, achawedzerawo kuda Mwari uye kutsunga kuita zvinomufadza.
5 Mumazuva ano okupedzisira, vanhu vakawanda havaongi. (2 Tim. 3:1, 2) Chokwadi zvinofadza Jehovha kuona vashumiri vake vakazvipira vachiratidza kuonga kwavo nokushingaira muushumiri!—Jak. 1:22-25.