RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/07 p. 1
  • Tose Tingaitawo Basa Rokuita Vadzidzi Vatsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tose Tingaitawo Basa Rokuita Vadzidzi Vatsva
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Zvingaitwa Neungano Pakubatsira Vadzidzi veBhaibheri Kusvika Pakubhabhatidzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Zvatingaita Kuti Tibatsire Vamwe Kuchengeta Mirayiro yaKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • ‘Endai Munoita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Kubatsira Mudzidzi weBhaibheri Kusvikira Abhabhatidzwa—Chikamu 1
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 4/07 p. 1

Tose Tingaitawo Basa Rokuita Vadzidzi Vatsva

1 Haasi munhu mumwe chete anoita kuti pave nomudzidzi mutsva. Jehovha anogona kushandisa “vashandi pamwe chete” naye vose kubatsira vadzidzi veBhaibheri kuti vasimbe pakunamata. (1 VaK. 3:6-9) Somunhu mumwe nomumwe hatibatsiri vatsva nokungotsinhira nomwoyo wose pamisangano yechiKristu asiwo nomufambiro wedu wakanaka, unoratidza uchapupu hwakajeka hwokushanda kunoita mudzimu waMwari muupenyu hwedu. (Joh. 13:35; VaG. 5:22, 23; VaEf. 4:22, 23) Ndezvipi zvimwe zvingaitwa kuti vatsva vabatsirwe?

2 Seungano: Tose zvedu tingaratidza kufarira vaya vanenge vachitanga kupinda misangano nokutanga kuvakwazisa noushamwari uye kutaura navo misangano isati yatanga uye yapera. Achifunga nezvepaakatanga kuwadzana neungano, mumwe murume akati: “Muzuva rimwe chete ndakaona vanhu vakawanda vanoratidza rudo rwechokwadi, vanhu vandaisamboziva, kupfuura vandakanga ndamboona muchechi mandakakurira. Zvaiva pachena kuti ndakanga ndawana chokwadi.” Akabhabhatidzwa mushure memwedzi minomwe atanga kupinda misangano.

3 Rumbidza mudzidzi weBhaibheri nomwoyo wose paanofambira mberi mune zvokunamata. Ave achitsungirira kushorwa here? Ari kupinda misangano nguva dzose here? Ava noushingi hwokupindura here? Akanyoresa muChikoro chaMwari Choushumiri kana kuti akatanga kuparidzawo here? Muonge kuti afambira mberi. Izvi zvichamukurudzira uye zvichamusimbisa.—Zvir. 25:11.

4 Somuitisi Wechidzidzo cheBhaibheri: Vamwe vaparidzi vakakwanisa kubatsira vavanodzidza navo Bhaibheri kuti vajairane nenhengo imwe neimwe yeungano nokukumbira vamwe vaparidzi kuti vaende navo kunodzidza. Kurumidza kukoka waunodzidza naye kumisangano. Paanotanga kupinda misangano, iva nechokwadi chokuti unomusuma kune vamwe. Ari kutamburira kuti akunde muitiro wakashata here, wakadai sokusvuta fodya? Mumwe munhu mumhuri yake haadi kuti adzidze here? Angabatsirwa nokutaura nomuparidzi akambokurira mamiriro ezvinhu akadaro.—1 Pet. 5:9.

5 Vatsva vanoda kutsigirwa neungano mune zvokunamata. Tose tinogona kuvabatsira kuti vafambire mberi nokuratidza kunyatsovafarira.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe