Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri vhiki inotanga naDecember 25, 2006. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 30 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaNovember 6 kusvika kune yaDecember 25, 2006. [Ona kuti: Panenge pasina kuratidzwa bhuku rinobva mashoko acho pamberi pomubvunzo, uchafanira kutsvakurudza woga kuti uwane mhinduro dzacho.—Ona Chikoro Choushumiri, map. 36-7.]
UNYANZVI HWOKUTAURA
1. Chii chinofanira kutungamirira zvatinoita pakusarudza mashoko akakodzera okusuma rugwaro? [be-CA p. 148 ndima 4–p. 149 ndima 2]
2. Ndedzipi dzimwe nzira dzatingashandisa kuti tinyatsosimbisa mashoko edu? [be-CA p. 151 ndima 4–p. 152 ndima 3]
3. Sezvo kudzidzisa vamwe Shoko raMwari kuri chinhu chikuru kwazvo, chii chinodiwa kana ‘tichizobata shoko rechokwadi zvakarurama’? (2 Tim. 2:15) [be-CA p. 153 ndima 1-3, bhokisi; p. 154 ndima 1-2]
4. Tingajekesa kushanda kwemagwaro atinoverenga munzira dzipi? [be-CA p. 154 ndima 4–p. 155 ndima 3]
5. Nei zvichikosha kujekesa kubatsira kwemashoko edu, uye ndedzipi dzimwe nzira dzingaitwa nadzo izvi? [be-CA p. 157 ndima 1-5, bhokisi]
HURUKURO NHA. 1
6. Soromoni akanga ari muunganidzi mupfungwa ipi? [si-CA p. 112 ndima 1-3]
7. Bhuku raMuparidzi rinopindirana sei nedzidziso dzaJesu? [si-CA p. 114 ndima 16]
8. Uchapupu hupi hunoratidza kuti Rwiyo rwaSoromoni nderwechokwadi? [si-CA p. 115 ndima 3-4]
9. Mupumburu weGungwa Rakafa waIsaya unopa sei uchapupu hunogutsa hwokuti zviri muBhaibheri redu nhasi ndizvo chaizvo zvakafuridzirwa pakutanga-tanga? [si-CA p. 118 ndima 6]
10. Chii chingabatsira mukurukuri kuti asave nemashoko akawanda? [be-CA p. 42 ndima 1]
KUVERENGA BHAIBHERI VHIKI NEVHIKI
11. “Vaya vanotsvaka Jehovha vanogona kunzwisisa zvinhu zvose” sei? (Zvir. 28:5)
12. “Basa rakaoma remapenzi rinoanetesa” sei? (Mup. 10:15)
13. Musikana muShuramiti akaratidza sei kuva “munda wakakomberedzwa,” uye muenzaniso wakanaka sei kuvakadzi vechiKristu vasina kuroorwa? (Rwiyo 4:12)
14. Nokukumbira vaIsraeri kuti vauye ‘kuzoruramisa zvinhu,’ Jehovha akanga ari kuratidza here kuti aida kuti ataurirane onzwisisana nevanhu vake? (Isa. 1:18a)
15. Isaya 11:6-9 yakazadzika sei kare, uye ndokupi kuzadzika kwayo kukuru?