Batsira Vamwe Kuti Vave Shamwari dzaMwari
1 Nhasi, vanhu vemarudzi ose vari kudzidziswa nzira dzaJehovha. (Isa. 2:2, 3) Zvisinei, kuti vanhu vakadaro ‘vabereke zvibereko nokutsungirira,’ vanofanira kuda Jehovha. (Ruka 8:15; Mako 12:30) Pasina rudo rwakadaro, havazowani simba rokuramba zvinhu zvakaipa kana kuti ushingi hwokuita zvakarurama. Imwe nzira yokubatsira nayo vamwe kuti vave noukama hwakanaka naJehovha ndeyokuita kuti vawedzere kuda unhu hwake. Vakurudzire kuti vafungisise nezvemashoko ari mubhuku raSwedera Pedyo naJehovha.
2 Muenzaniso Wako: Zvaunoita zvingaita kuti mwoyo yevaunodzidza navo Bhaibheri ichinje zvikuru. Pavanoona kuti unokoshesa ukama hwako naJehovha uye voona kuchinja kwahunoita upenyu hwako, zvingaita kuti ivowo vade kuva noukama hwakadaro naye. (Ruka 6:40) Zvechokwadi, kakawanda muenzaniso wedu une simba rakakura zvikuru rokuchinja vamwe kupfuura zvatinotaura.
3 Nzira huru iyo vabereki vanodzidzisa nayo vana vavo kuti vade Jehovha ndeyomuenzaniso wavo. (Dheut. 6:4-9) Mumwe murume nomudzimai wake vakanga vachida kurera vana vavo muchokwadi vakabvunza zano kune vamwe vabereki vakabudirira. “Chinhu chinokosha chaitaurwa nevanhu vose vandakataura navo chaiva muenzaniso wevabereki,” akadaro murume wacho. Saka nemararamiro avo ose, vabereki vanogona kuva muenzaniso chaiwo wevana vavo wezvinoreva kuva “shamwari yaJehovha.”—Jak. 2:23.
4 Munyengetero Womwoyo Wose: Ungabatsirawo vamwe kuti vakudziridze ukama hwavo naJehovha nokuvadzidzisa kunyengetera nomwoyo wose. Ungavaratidza munyengetero waJesu wokuenzanisira, pamwe chete neminyengetero mizhinji yemwoyo wose yakanyorwa muMagwaro. (Mat. 6:9, 10) Unogona kudzidzisa vana vako uye vaunodzidza navo Bhaibheri kunyengetera nenzira yaunonyengetera nayo. Pavanonzwa uchitaura nomwoyo wako wose, vachaziva manzwiro aunoita pamusoro paJehovha. Vakurudzire kuti ‘varambe vachinyengetera’ pavanotarisana nemiedzo. (VaR. 12:12) Sezvavanobatsirwa naJehovha munguva dzokutambudzika, vachavimba naye uye vachamuda seshamwari yavo yechokwadi.—Pis. 34:8; VaF. 4:6, 7.