Purogiramu Yomusangano Webasa
Vhiki Inotanga naOctober 9
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Uchishandisa mazano ari papeji 8 kana kuti dzimwe mharidzo dzinokodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaOctober 15 uye Awake! yaOctober pamwe chete neturakiti reMashoko oUmambo Nhamba 37.
15 min: “Batsira Vamwe Kuti Vave Shamwari dzaMwari.”a Kumbira vateereri kuti vataure kuti mienzaniso yevamwe uye minyengetero yemwoyo wose yakavabatsira sei kufambira mberi kusvika vabhabhatidzwa.
20 min: Gadzirira Kuparadzira Turakiti reMashoko oUmambo Nhamba 37. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri. Kurukura urongwa hwomushandirapamwe sezviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaSeptember. Kurudzira vose kuti vashande zvakazara. Kurudzira vaya vane vanhu vavari kudzidzisa Bhaibheri vari kufambira mberi kuti vaone kana vadzidzi vavo vachikwanisa kuitawo basa romushandirapamwe uyu sevaparidzi vasina kubhabhatidzwa. Vabereki vangaonawo kana vana vavo vachikwanisa kuva vaparidzi vasina kubhabhatidzwa. Taura nokupfupikisa zvinodiwa kubva pamapeji 79-81 ebhuku raTakarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha.
Rwiyo 221 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naOctober 16
10 min: Zviziviso zveungano.
20 min: Batsirwa Nechidzidzo Chebhuku Cheungano. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva mubhuku raTakarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha, kubva pamusoro muduku uri papeji 69 kusvika pamusoro muduku wokutanga uri papeji 72.
15 min: “Chii Chaunoisa Pakutanga?”b Kumbira vaparidzi vawakambotaura navo kuti vataure kuti vakagadzirisa sei purogiramu yavo kuti vaise zvinhu zvine chokuita noUmambo pakutanga uye zvikomborero zvavakawana.
Rwiyo 172 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naOctober 23
10 min: Zviziviso zveungano. Verenga mushumo weakaunzi uye tsamba dzinobva kubazi dzokutenda mari yakatumirwa. Uchishandisa mazano ari papeji 8 kana kuti dzimwe mharidzo dzinokodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaNovember 1 uye Awake! yaNovember. Mune mumwe wemienzaniso yacho, ratidza zvokuita kumunhu angangoda kuramba kukurukurirana achiti “Neiko imi vanhu muchiwanzoshanya zvikuru?”—Ona bhuku raKurangarira, p. 20.
15 min: Zvinodiwa muungano.
20 min: “Batsirwa Zvizere Nemisangano Yebasa Romumunda.”c Pakukurukura ndima 3, taurawo zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaSeptember 2001 paBhokisi Remibvunzo, ndima 4, rinotaura nezvokuti chii chingaitwa kana pasina hama dzinokwanisa kuitisa musangano wacho.
Rwiyo 143 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naOctober 30
10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vose kuti vaendese mishumo yebasa romumunda uye kuti vanyore kuseri nhamba yematurakiti eMashoko oUmambo Nhamba 37 avakagovera.
15 min: Ndingaparidzira Sei Vandinodzidza Navo? Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva muAwake! yaMarch 22, 2002, mapeji 10-12. Kumbira vateereri kuti vataure zvakaitika zvavakava nazvo pavakaparidzira vavanodzidza navo.
20 min: Zvakaitika Pakugovera Turakiti reMashoko oUmambo Nhamba 37. Kumbira vaparidzi kuti vataure zvakaitika zvinokurudzira pavakanga vachiparadzira turakiti reMashoko oUmambo Nhamba 37. Taura ndima yashandwa kusvika panguva ino uye zvinofanira kuitwa kuti ndima inge yapedzwa panosvika musi waNovember 12. Enzanisira kudzokerazve uchishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? Yeuchidza vaparidzi kudzosa maturakiti eMashoko oUmambo avasingazokwanisi kuparadzira mushandirapamwe wacho usati wapera kuitira kuti vamwe vaashandise.
Rwiyo 136 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naNovember 6
10 min: Zviziviso zveungano. Uchishandisa mazano ari papeji 3-4 ari muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2005 kana kuti dzimwe mharidzo dzinokodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa bhuku raDzidza Kumudzidzisi Mukuru kutangira pakati pomwedzi waNovember. Kana nguva iripo, kumbira vateereri kuti vataure zvakanaka zvakaitika pavakanga vachishandisa bhuku racho muushumiri kana kuti mumhuri dzavo.
15 min: Ita Kuti Zuva Romuchato Wako Riwedzere Kufadza uye Kukudzwa. Hurukuro inopiwa nomukuru inobva muNharireyomurindi yaOctober 15, 2006, mapeji 28-31.
20 min: Kuparidza Shoko Kunozorodza. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva muNharireyomurindi yaJanuary 15, 2002, mapeji 8-9. Kumbira vateereri kuti vataure kuti ushumiri hunovazorodza sei. Ungafanoronga kuti mumwe chete kana kuti vaviri vazotsinhira.
Rwiyo 8 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.