Kugadziridza Zviri Mubhuku raZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
Zviri pasi apa ndizvo zvinhu zvikuru zvakagadziridzwa mubhuku raZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! rakabudiswa muna 1988. Somuenzaniso, kugadziridza uku hakubatanidzi mamwe manhamba akagadziriswa ayo anogona kuwanika muYearbook uye mune mamwe mabhuku achangobva kubudiswa.
GANHURO 4
p. 19, ¶4, kanzura rugwaro rwokupedzisira: Mateo 25:31-33
GANHURO 5
p. 24, ¶3, chinja mashoko omuzasi kuti ati: * Nokuda kwetsananguro ine mashoko ose oudzame, ona bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? mapeji 88-92, 215-18, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
GANHURO 6
p. 30, ¶11, mutsetse 7, tsiva “2 Petro 3:1-3” na: 2 Petro 2:1-3
p. 30, ¶12, chinja chirevo chechitanhatu kuti chiti: Pakupedzisira, Constantine Mambo weRoma akapa rudzidziso “rwechiKristu,” mvumo yehurumende uye izvi zvakaita kuti chiKristudhomu chitange kuvapo, umo Chechi neNyika zvakakumbanidza masimba mukubata ushe kwamakore ane chiuru.
p. 32, bhokisi, chinja ndima yokutanga kuti iti: Jesu akabhabhatidzwa ndokuzodzwa saMambo Akasarudzwa paRwizi rwaJoridhani panenge pana October 29 C.E. Makore matatu nehafu gare gare, muna 33 C.E., iye akasvika kutembere yeJerusarema ndokudzinga avo vakanga vachiiita bako ramakororo. Ipapo panoratidzika kuva pane enzanirano naikoku munhambo yamakore matatu nehafu kubvira pakagadzwa Jesu pachigaro choumambo muna October 1914 kutozosvikira pakuuya kwake kuzonzvera maKristu okuedzesera sezvo rutongeso rwakavamba neimba yaMwari. (Mateo 21:12, 13; 1 Petro 4:17) Mukuvamba ma1918 mubato woUmambo wavanhu vaJehovha wakanangana nechishoro chikuru. Yakanga iri nguva yokuedza mupasi rose, uye vanotya vakasefiwa. Muna May 1918 vafundisi vechiKristudhomu vakasakisa kupfigirwa mutorongo kwavakuru vakuru veWatch Tower Society, asi mwedzi mipfumbamwe gare gare ivava vakasunungurwa. Gare gare, kupomerwa zvenhema kwavaiitwa kwakabviswa. Kubvira muna 1919 sangano ravanhu vaMwari, rakaedzwa uye rakanatswa, rakaenderera mberi norushingairo kukuparidzira Umambo hwaJehovha hunodzorwa naKristu Jesu setariro yavanhu.—Maraki 3:1-3.
GANHURO 8
p. 40, ¶8, mutsetse wechi7, tsiva “mhosho 125” ne: mhosho 130
p. 40, ¶10, chinja chirevo chokupedzisira kuti chiti: MuUnited States Dare Rapamusoro roga bedzi, Zvapupu zvaJehovha zvakahwina zvisarudzo 50.
GANHURO 10
p. 50, ¶11, chinja mashoko omuzasi kuti ati: * Ona, somuenzaniso nyaya inoti, “Vakadzi vechiKristu Vakatendeka—Vanamati vaMwari Vanokosha” iri muNharireyomurindi yaNovember 1, 2003.
GANHURO 11
p. 56, ¶9, chinja hafu yechipiri yendima kuti iti: Muna ikoku, magazini yeNharireyomurindi yakapa kurudziro kupfurikidza nokukurukura misoro yakadai sokuti “Rambai Muchiedza Zvamuri” uye “Hatichazviraramiri.”* Tichiva nebetsero yakadaro yapaMagwaro, ngatizvinzverei isu timene mwoyo yedu sezvatinoedza kufamba nokuzvininipisa uye mumunyengetero muperero pamberi paJehovha.—Pisarema 26:1-3; 139:23, 24.
p. 56, ¶9, chinja mashoko omuzasi kuti ati: * Ona Nharireyomurindi yaJuly 15, 2005, neyaMarch 15, 2005.
GANHURO 12
p. 61, ¶14, chinja mashoko omuzasi kuti ati: # Magazini yeNharireyomurindi, inobudiswa neboka raJohane, yakapfuurira kusimbisa ukoshi hwokushandisa iri banza ndokugoverana zvizere sezvinobvira mubasa rokuparidza; somuenzaniso, ona nyaya dzinoti “Vose Ngavazivise Kukudzwa kwaJehovha” uye “Inzwi Ravo Rakabudira Mupasi Rose” dziri muNharireyomurindi yaJanuary 1, 2004. MuNharireyomurindi yaJune 1, 2004, munyaya inoti “Vakakomborerwa Vaya Vanopa Mbiri Kuna Mwari,” simbiso yakaiswa pakupinda pa“mukova wakazaruka” mubasa renguva yakazara. Kwaiva nechiverengero chapamusoro chamapiyona ane 1 093 552 anoshuma basa rakadaro mumwedzi mumwe chete muna 2005.
GANHURO 13
p. 69, ¶11, chinja chirevo chokupedzisira kuti chiti: Anenge makore 40 pamberi penguva, iwo akanongedzera kuna 1914 segore rakaratidzirwa muuprofita hweBhaibheri somugumo wenguva dzaVamarudzi, dzakabatana nezviitiko zvinotyisa pasi pano.—Zvakazarurwa 1:10.
p. 69, ¶12, chikamu 2, mutsetse 15, chinja “El Paso, Texas,” kuti ive: Pampa, Texas,
p. 71, ¶14, mutsetse 10, chinja “muna 1988 yaanopfuura mamiriyoni 20” kuti uti: muna 2006 yaanopfuura mamiriyoni 59
p. 73, ¶23, mutsetse 15, kanzura: Mateo 25:31
GANHURO 16
p. 90, ¶4, chinja mashoko omuzasi echipiri kuti ati: * Nokuda kwechibvumikiso chamashoko ose oudzame chokuti Jesu akapinda muUmambo hwake muna 1914, ona mapeji 215-18 ebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
p. 90, ¶6, chinja ndima yacho kuti iti: Kunyange zvazvo zvakadaro, neiko Mambo achangobva kugadzwa achifanira kutasva kuti andorwa? Imhaka yokuti umambo hwake hunogadzwa mukunangana nechishoro chakakasharara chinobva kumuvengi mukuru waJehovha, Satani Dhiabhorosi, naavo vari pasi avo—nomutoo wokuziva kana kuti nomutoo wokusaziva—vanobatira madonzo aSatani. Kuberekwa kwoUmambo iko kumene kunoda hondo huru mudenga. Achirwa pasi pezita rokuti Mikaeri (rinoreva kuti “Ndianiko Akafanana naMwari?”), Jesu anokunda Satani namadhemoni ake ndokuakandira kupasi. (Zvakazarurwa 12:7-12) Kutasva kwaJesu kworukundo kunopfuurira nomumakumi amakore okutanga ezuva raShe apo vanhu vakafanana namakwai vari kuunganidzirwa. Kunyange zvazvo nyika yose ichiri “musimba rowakaipa,” Jesu nomutoo worudo anopfuurira kufudza hama dzake dzakazodzwa neshamwari dzadzo, achibetsera mumwe nomumwe kuwana rukundo rwokutenda.—1 Johane 5:19.
p. 91, ¶9, chinja chirevo chokupedzisira kuti chiti: Wedzero yave yakatanhamara munyika dzechiKaturike nomunyika umo zvitambudzo zvakanga zvakaisvokasharara—dzakadai seGermany, Italy, uye Japan, umo Zvapupu zviri kushuma vashumiri vomumunda vanoshingaira vanopfuura 600 000.—Isaya 54:17; Jeremia 1:17-19.
p. 94, ¶18, chinja ndima yacho kuti iti: Tinogona here kudana ikoku kuti rukundo nokuda kworuzivo rwokugadzirwa kwezvinhu zvehondo? Panzvimbo pakwo, chipupuriro chokuti bhiza dzvuku risina ngoni riri kugagadika. Uye kugagadika ikoku kuchagumira kupi? Vezvesaenzi vanotaura kuti hondo yenyukireya ingangoitika netsaona—ndoda kuparadzanya kwenyukireya kwakarongedzerwa! Asika nomufaro Mutasvi anokunda webhiza jena ane mimwe mifungo pamusoro paikoku.
p. 97, ¶28, chinja ndima yacho kuti iti: Roukoshi hwazvino uno pano ndiro “denda rinouraya.” Pashure pokuparadzanya kweHondo yeNyika I, murakatira weSpania wakawana hunopfuura upenyu hwavanhu huna mamiriyoni ane 20 mumwedzi mishomanene bedzi ya1918-19. Nzvimbo bedzi pasi pano yakapukunyuka iri denda yakanga iri chitsuwa chiduku cheSt. Helena. Munzvimbo umo zviverengero zvavagari vapasi zvakaurawa muuhwandu, mirwi yehuni dzamariro yakatungidzwa mwoto kupisa mirwi yezvitunha. Uye nhasi kune kupararira kwedenda rinotyisa rehosha yomwoyo negomarara, uzhinji hwaro hunoparirwa nokushatisa kwefodya. Mune akarondedzerwa sa“makore gumi akashata” omuma1980, nzira youpenyu iri yokusateerera mutemo pamipimo yeBhaibheri yakawedzera denda reAIDS ku“denda rinouraya.” Mugore ra2000, chiremba mukuru wokuvhiya wokuUnited States anonzi akati AIDS “zvimwe ndiyo mukondombera wakaipisisa wati wamboitika munyika.” Akati mamiriyoni 52 evanhu pasi pose akanga abatwa neHIV/AIDS, uye mamiriyoni 20 avo akanga afa. Haiwa vanhu vaJehovha vanoonga sei kuti zano rokuchenjera reShoko rake rinovadzivirira paufeve nokushandiswa zvisino kufanira kweropa, uko hosha zhinji zvikuru kwazvo dzinopfuudzirwa nhasi kupfurikidza nakwo!—Mabasa 15:28, 29; enzanisa na1 VaKorinte 6:9-11.
GANHURO 17
p. 100, ¶2, mutsetse 15, kana paina “1 Makoronike 23:4” tsiva na: 1 Makoronike 24:4
GANHURO 18
p. 106, ¶7, chinja ndima yacho kuti iti: Hondo yeNyika II yakapinza rimwe fungu reshanduko. Uye hondo duku zvikuru pamwe chete nougandanga hwenyika yose zvinopfuurira kuzunungusa pasi. Kutyisidzira kunotyisa kwemagandanga kana kuti kwenyika pachishandiswa zvombo zvinoparadza zvinhu zvakawanda kwaita kuti vanhu vazhinji vanetseke.
p. 106, chinja mubvunzo wenhamba 7-9 (b) kuti uti: Kushanduka muchaunga chavanhu panguva yokuvapo kwaJesu kwaizobatanidza mamiriro api ezvinhu pakati pevanhu?
p. 107, ¶9, chinja chirevo chechitatu kuti chiti: Mazuva akasviba akatevera zvamazvirokwazvo aiva rutivi rwezadziko youporofita hwaJesu nezvokuvapo kwake, uko kwaizobatanidza “shungu yamarudzi, asati achiziva nzira yokubuda nayo . . . apo vanhu vaizopera simba nokuda kwokutya nekariro yezvinhu zvinowira papasi rinogarwa.” (Ruka 21:7-9, 25-31)*
p. 107, ¶9, chinja mashoko omuzasi kuti ati: * Kwaanopfuura makore 35, kubvira muna 1895 kusvikira kuna 1931, mashoko a Ruka 21:25, 28, 31 akanokorwa mashoko pabutiro ramagazini yeNharireyomurindi pachiono cheimba yomwenje inovhenekera matenga azerwe namadutu pamusoro pamakungwa akanyanduka.
p. 107, ¶11, chinja chirevo chechina kuti chiti: Tsika yenyika yaSatani yakaziviswa nezvenyevero iyi yemburumbwa yose.*
p. 109, ¶17, kanzura chirevo chechipiri chinotevera mashoko aZvakazarurwa 6:12b, 13: Chinomirira mugumo womugariro wengwavaira uyo Jesu akanga aporofita pakuvamba-vamba pamusoro paMateo 24:29.
GANHURO 20
p. 123, ¶11, chinja chirevo chechina kuti chiti: Panguva yokudhinda kuno, zvimiro zvakasiyana-siyana zveMEPS zviri kushandiswa nzvimbo dzinopfuura 125 kupote pasi, uye iyoyi yakabetsera kubvirisa kubudiswa kwamagazini inobuda kaviri pamwedzi, Nharireyomurindi, mumitauro inopfuura 130 panguva imwe cheteyo.
p. 128, ¶30, chinja chirevo chokupedzisira kuti chiti: Vorushoma bedzi vavanhu, kubatanidza chero vapi zvavo ve144 000 vakaiswa chisimbiso vangave vachiri pasi pano uye boka guru ramamwe makwai vacha“mira,” ndiko kuti, vanopunyuka pamwe chete navo.—Jeremia 35:19; 1 VaKorinte 16:13.
GANHURO 22
p. 143, chinja musoro muduku kuti uti: Dambudziko Remhashu Mazuva Ano
p. 146, ¶16, chinja zvirevo zvinotevera mashoko aZvakazarurwa 9:10 kuti zviti: Ikoku kungarevei? Sezvazvinoita basa razvo roUmambo, Zvapupu zvaJehovha, zvichitaura uye zvichishandisa—mabhuku akadhindwa, zvinotaura mashoko ane simba anobva muShoko raMwari. Shoko razvo rinoruma sechinyavada nokuti izvo zvinonyevera nezvokusvika kwezuva ramatsive raJehovha. (Isaya 61:2) Chizvarwa chino chemhashu dzomudzimu chisati chapedza nduramo yacho, basa racho rakagadzwa roumwari rokuzivisa marutongeso aJehovha richapedzwa—kukurwadziswa kwavamhuri vose vane mitsipa mikukutu.
p. 147, ¶17, chinja mashoko omuzasi kuti ati: * Iyi magazini yakatumidzwazve kunzi Consolation muna 1937 uye Mukai! muna 1946.
p. 147, ¶19, tsiva mutsetse 7-12 na: (Mateo 24:3-14; Zvakazarurwa 12:1-10) Pashure pacho, iro rakanokora mashoko chiziviso chamadonzo chakabudiswa muLondon muna 1917 ndokusainwa navafundisi vasere, avo vakarondedzerwa savaiva “pakati pavaparidzi vakuru kuna vose venyika.”
GANHURO 24
p. 160, ¶21, mutsetse 11, tsiva “kuvanhu vakafanana nembudzi” na: kuvanhu vanoshora
p. 160, ¶21, mutsetse 17, tsiva “Mateo 25:31-34, 41, 46” na: VaFiripi 1:27, 28
p. 160, chinja mubvunzo 21 (b), kuti uti: Neiko mashoko akanaka ari mashoko akashata kuvanhu vanoshora?
GANHURO 25
p. 162, ¶4, chinja mashoko omuzasi kuti ati: * Nokuda kwerangarirwo izere yeiyi tembere huru yomudzimu, ona nyaya inoti “Tembere yaJehovha Huru Yomudzimu” iri muNharireyomurindi yaJuly 1, 1996, uye “The One True Temple at Which to Worship” mune yaDecember 1, 1972.
p. 162, ¶5, chinja chirevo chechitatu kuti chiti: Muuporofita hwapaMagwaro hwechiHebheru, kuyera kwakadaro kwaipa simbisiro yokuti ruramisiro yaizoitwa pahwaro hwemipimo yakakwana yaJehovha.
p. 162, ¶7, chinja chirevo chechipiri chinotevera mashoko aZvakazarurwa 11:2 kuti chiti: Sezvatichaona, nongedzero pano iri kumwedzi chaiyoiyo 42 inovambira pana December 1914 kusvika kuna June 1918, apo vose vaizviti maKristu vakaedzwa zvakakomba.
p. 164, ¶12, chinja chirevo chechitatu kuti chiti: Mukuwedzera, pamavambo ezuva raShe, pakanga pane nhambo yakaratidzirwa yamakore matatu nehafu apo zvinoitika zvinotambudza zvavanhu vaMwari zvakafanana nezvinoitika zvinoporofitwa pano—kutangira muna December 1914 ndokupfuurira kusvikira muna June 1918.
p. 165, chinja mashoko anotsanangura mufananidzo kuti ati: Basa rokuvakazve rakaitwa naZerubhabheri naJoshua rinoratidzira kuti muzuva raShe mavambo maduku aizoteverwa newedzero huru pakati peZvapupu zvaJehovha. Nzvimbo dzakadai seidzo dzinoratidzirwa pamusoro apa, idzo dziri muBrooklyn, New York, dzaitofanira kuva dzinofutunurwa zvikurukuru nokuda kwokubetsera kusvitsa zvinodikanwa zvavo
p. 165, ¶15, mutsetse 4, tsiva “(Mateo 17:1-3; 25:31)” na: (Mateo 17:1-3)
GANHURO 26
p. 175, ¶12, chinja mashoko omuzasi kuti ati: * Wezvenhau weRoma Tacitus anoshuma kuti apo Jerusarema rakatapwa muna 63 B.C.E. uye Cneius Pompeius akapinda munzvimbo tsvene yetembere, akawana kuti yakanga isina chinhu. Makanga musina areka yesungano mukati mayo.—Tacitus History, 5.9.
GANHURO 27
p. 185, bhokisi, chinja ndima yechitanhatu kuti iti: MuSpain misha yakavhozhokerwa uye maKristu akafaindiswa ndokupfigirwa mutorongo nokuda kwe“mhaka” yokutaura pamusoro paMwari nokuita misangano yechiKristu. Chitambudzo ichi pakupedzisira chakagumiswa muna 1970, apo somuuyo wechinjo yeHurumende yomuitiro kumarudzidziso asati ari echiKaturike, Zvapupu zvaJehovha zvakabvumirwa kuva zvinonyoresa pamutemo.
p. 185, ¶28, chinja zvirevo zviviri zvokutanga kuti zviti: Aya mafashamo anorura echitambudzo akasvika mwero mukurusa mukati meHondo yeNyika II. MuEurope Zvapupu 12 000 zvakapfigirwa mumisasa yechibharo yeNazi uye mutorongo, uye zvinenge 2 000 zvakafa.
GANHURO 28
p. 187, ¶4, chinja mashoko omuzasi kuti ati: * Nokuda kwohumwe udzame, tapota ona mapeji 165-79 ebhuku rinonzi Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
p. 190, ¶15, chinja zvirevo zvitatu zvokutanga kuti zviti: Hondo iyeyo yakanga iri ngwavaira hurusa nokuda kwomusoro wechinomwe wechikara unodzora. Pamwe chete namamwe marudzi eEurope, Britain yakarashikirwa namajaya ayo muzviverengero zvinokatyamadza. Muhondo imwe yoga bedzi, Hondo yapaRwizi Somme muna 1916, paiva nevanhu 420 000 vokuBritain vakafa uyewo vanenge 194 000 vokuFrance ne440 000 vokuGermany—vanhu vanopfuura 1 000-000 vakafa!
p. 192, ¶22, chikamu 2, chinja mutsetse 2 kuti uti: Miedzo yavo yakasvika mugumo muna June 1918,
GANHURO 29
p. 202, ¶14, chinja mitsetse 1-3 kuti iti: Vane 144-000 vano“dzikinurwa papasi,” “vanodzikinurwa pakati pavanhu.” Ivo vanogamuchirwa savanakomana vaMwari, uye pashure
GANHURO 30
p. 206, ¶3, chinja chirevo chechipiri kuti chiti: Hekani waro, chii chakava muuyo pashure pa539 B.C.E. apo Bhabhironi rekare rakawa?
p. 209, ¶10, chinja mutsetse 1 kuti uti: Pakazosvika makore okuma1870 maKristu akazodzwa akavamba
p. 209, chinja mubvunzo 10, kuti uti: Chii chakaitika pakazosvika makore okuma1870, uye Bhabhironi Guru rakaita sei kuna ichochi?
p. 211, ¶23, chinja chirevo chechitatu, chechina nechechishanu kuti zviti: Pakarepo, Jesu anoteerera. Kutanga, kubvira muna 1919 zvichienda mberi, iye akaita kuti ngirozi dzake dzipedze kuchekwa kwavane 144 000. (Mateo 13:39, 43; Johane 15:1, 5, 16) Tevere, kukuunganidzwa kwokuchekwa kweboka guru ramamwe makwai kunoitika. (Johane 10:16; Zvakazarurwa 7:9)
GANHURO 32
p. 231, ¶27, tsiva chikamu chokupedzisira chendima kutangira parugwaro rwa“Mateo 24:42, 44” na: (Mateo 24:42, 44; Ruka 12:37, 40) Achidzokorora iyi nyevero, muapostora Pauro akati: “Zuva raJehovha rinosvika chaizvoizvo sembavha muusiku. Pari pose apo ivo vanenge vachitaura kuti ‘Rugare nechengeteko!’ ipapo ruparadziko ruchawira pavari kamwe kamwe.” Satani ndiye ari kukonzera kuziviswa chero kupi zvako ikoko kwenhema kwo“Rugare nechengeteko!”—1 VaTesaronika 5:2, 3.
GANHURO 33
p. 243, ¶21, chinja chirevo chechipiri kubva pane chokupedzisira kuti chiti: Zvinoshamisa kuti Papa haana kumbotaura nezvaJesu Kristu kana kuti Umambo hwaMwari mune zvaakataura.
p. 245, ¶25 mutsetse 6, tsiva “(Zvakazarurwa 14:8; 17:2)” na: (Zvakazarurwa 14:8; 17:4)
GANHURO 34
p. 246, ¶1, chinja chirevo chechipiri kubva pane chokupedzisira kuti chiti: Asika chionocho chinova chinhu chaichoicho chinokatyamadza chomuzuva redu.
p. 249, ¶10, chinja chirevo chechina kuti chiti: Mukuwirirana nomushumo wakaitwa neSangano Rokunzvera roRugare raMarudzi Ose, vanhu vanenge mamiriyoni mashanu vakaurayiwa pamusana pehondo mukati ma1986 moga bedzi!
p. 250, ¶12, mashoko omuzasi, tsiva “1981” na: 1993
p. 251, ¶14, chinja ndima yacho kuti iti: Mumakore achangopfuura, vezvematongerwo enyika vakashandisa mashoko okuti “rugare nokuchengeteka” vachirondedzera zvirongwa zvevanhu zvakasiyana-siyana. Kuedza kwakadaro kwevatungamiriri venyika kungabva kwanzi ndiko kutanga kwokuzadzika kwa1 VaTesaronika 5:3 here? Kana kuti Pauro akanga achingotaura nezvechiitiko chaichoicho chinoshamisa here chichazivikanwa nenyika yose? Sezvo uprofita hweBhaibheri huchiwanzonzwisiswa zvizere chete pashure pokunge hwazadzika kana kuti huri kuzadzika, tichafanira kumirira kuti tione. Panguva ino, vaKristu vanoziva kuti chero rungava rugare nokuchengeteka izvo marudzi angaita seanazvo, chaizvoizvo hapana chinenge chachinja. Udyire, ruvengo, utsotsi, kuparara kwemhuri, unzenza, urwere, kusuruvara, uye rufu zvichange zvichiripo. Ndokusaka kudanidzirwa kwo“rugare nokuchengeteka” kusingafaniri kukutsausa, kana ukaramba wakamuka uchiona zvinorehwa nezviitiko zvenyika woteerera nyevero dzouprofita dziri muShoko raMwari.—Marko 13:32-37; Ruka 21:34-36.
GANHURO 36
p. 259, ¶4, chinja zvirevo zviviri zvokupedzisira kuti zviti: Muna 1914, Jesu akava Mambo wokudenga, uye kubvira panguva iyeyo ave achishandisa chiremera pamusoro papasi saMambo noMutongi pamwe chete naJehovha. Ipapoka, kwakakodzera kuti iye anofanira kuzivisa kuwa kweBhabhironi Guru.
p. 260, ¶9, chinja zvirevo zvina zvokutanga kuti zviti: Kuwa kweBhabhironi rekare muna 539 B.C.E. kwakanga kuri kutanga kwokuderera kwenguva refu uko kwakagumira mukuva dongo kwaro. Nomutoo wakafanana, kubvira pahondo yenyika yokutanga, pesvedzero yorudzidziso rwechiBhabhironi yakaderera nomutoo unoshamisa pamwero wemburumbwa yose. MuJapan, kunamatwa kwamambo kwechiShinto kwakarambidzwa pashure pehondo yenyika yechipiri.
p. 265, ¶22, kanzura rugwaro rwokupedzisira:—Enzanisa naMateo 24:15, 16.
p. 266, ¶28, chinja chirevo chechitatu nechechina kuti zviti: Iro rinofanira kuwana zvakawanda nakane kaviri sezvarakapa. Hapazati pachizoratidzwa ngoni nokuti Bhabhironi Guru harina kuitira ngoni vanyajambwa varo.
GANHURO 38
p. 277, ¶17, chinja zvirevo zviviri zvokupedzisira kuti zviti: Kana paine vakazodzwa vachiri vapenyu pasi pano, hapana mubvunzo kuti vachawana mubayiro wavo wokudenga nokukurumidza pashure pokunge Kristu apedzisa kukunda kwake uye vachabatana nedzimwe nhengo dzeboka romwenga. Ipapo, panguva yaMwari yakakodzera, roorano yeGwayana inogona kuitika!
p. 277, ¶18, chinja chirevo chokutanga kuti chiti: Nhoroondo youporofita iri pana Pisarema 45 inotsigira nhevedzano yezviitiko.
GANHURO 39
p. 281, ¶10, chinja zvirevo zviviri zvokupedzisira kuti zviti: Kupfuurirazve, “ngirozi dzose” dzichabatira Jesu sezvaachagara pachigaro chake chine mbiri achitanga kutonga marudzi navanhu vapasi. (Mateo 25:31, 32) Zvamazvirokwazvo, muhondo yokupedza nharo, apo marutongeso aMwari anoitwa pakupedzisira, Jesu achavazve pamwe nengirozi dzake.
GANHURO 41
p. 296, ¶5, chinja zvirevo zvitatu zvokutanga kuti zviti: Ndivanaani vanosarira kutongwa pashure pokunge pasi rekare nedenga rekare zvatiza? Handi vakasarira vakazodzwa vevane 144 000, nokuti ivava vakatongwa ndokuiswa chisimbiso. Kana paine vakazodzwa vanenge vachiri vapenyu pasi pano pashure peArmagedhoni vanofanira kufa nokukurumidza pashure pacho ndokuwana tuso yavo yokudenga kupfurikidza norumuko. (1 Petro 4:17; Zvakazarurwa 7:2-4)
GANHURO 43
p. 311, ¶19, chinja zvirevo zvinotevera rugwaro rwa“Zvakazarurwa 11:15; 12:10” kuti zviti: Munguva yomugumo, mudzimu nomwenga vave vachikoka vaya vakakodzera kuti vauye vatore mvura youpenyu pachena. Mvura yomurwizi urwu icharamba ichiwanika kune vakadaro kusvikira kumugumo wegadziriro ino yezvinhu uye, pashure pacho, munyika itsva, apo Jerusarema Idzva ‘rinoburukira pasi richibva kudenga kuna Mwari.’—Zvakazarurwa 21:2.
p. 312, ¶26, chinja zvirevo zviviri zvokutanga kuti zviti: Miti iyoyo, inosanodiridzwa norwizi, ingabatanidza mitezo ine 144 000 yomudzimai weGwayana. Ichiri pasi pano iyo inonwawo gadziriro yaMwari youpenyu kupfurikidza naJesu Kristu. Zvinofadza kuti hama dzaKristu idzi dzakaberekwa nomudzimu dzinonzi nenzira youporofita “miti mikuru yokururama.” (Isaya 61:1-3; Zvakazarurwa 21:6)