RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/06 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
km 9/06 p. 7

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna September: Bhaibheri Rinombodzidzisei? Edza kutanga kudzidza Bhaibheri nomumwe munhu pakushanya kwokutanga. Dzokerazve kune vanhu vose vakatora mabhuku uine chinangwa chokutanga kudzidza Bhaibheri navo. October: Nharireyomurindi neAwake! Kana vanhu vakafarira ratidza bhurocha raRambai Makarinda! kuti ubatsire vanhu vacho kuwedzera kufarira Bhaibheri. November: Dzidza Kumudzidzisi Mukuru. Kana vanhu vakati havana vana, govera turakiti rinonzi Ungada Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here? kana kuti rimwe rakakodzera. December: Munhu Mukurusa Ati Amborarama. Kana kuti mabhuku anotevera: Bhaibheri—iShoko raMwari Here?, Bhuku Rangu reNhau dzeBhaibheri, uye Kurarama Nokusingaperi kana muinawo.

◼ Ungano dzinofanira kutanga kuodha mabhaundi vhoriyamu eWatchtower neAwake! a2006 uye Watchtower Library—2006 Edition paCD-ROM neodha dzadzo dzemabhuku dzinotevera. Kuti zvinhu izvi zvichange zvichiwanika mumitauro ipi zvicharatidzwa mu“Zviziviso Kuungano Dzose,” zvomwedzi nomwedzi. Tapota onai kuti Watchtower Library—2006 Edition ndeyevakabhabhatidzwa vari muungano uye inongowanika bedzi nokuungano.

◼ Vakuru vanoyeuchidzwa kuita zvinorayirwa pamapeji 21-3 eNharireyomurindi yaApril 15, 1991, zvine chokuita nevakadzingwa kana kuti vakazvibvisa musangano vangava vachida kudzorerwa.

◼ Wedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaSeptember, pamapeji 3-6, ine zvakagadziridzwa kuti munhu mumwe nomumwe anyore mubhuku rake raZvakazarurwa. Izvi zvinofanira kuitwa sezvo tichadzidza bhuku iri paChidzidzo Chebhuku Cheungano kutanga vhiki yaJanuary 8, 2007.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe