RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/05 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 9/05 p. 7

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna September: Swedera Pedyo naJehovha. Kana rikasagamuchirwa, ratidza bhurocha raRambai Makarinda! October: Nharireyomurindi neAwake! Kana vanhu vakafarira, tapota varatidze bhurocha raAnodei. November: Dzidza Kumudzidzisi Mukuru. Kana vanhu vakati havana vana, govera bhuku raZivo kana kuti turakiti raUngada Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here? December: Munhu Mukurusa. Kana kuti Bhaibheri—iShoko raMwari Here?, Bhuku Rangu reNhau dzeBhaibheri, kana kuti Kurarama Nokusingaperi kana ungano yenyu inaro.

◼ Vakuru vanoyeuchidzwa kuita zvinorayirwa pamapeji 21-3 eNharireyomurindi yaApril 15, 1991, zvine chokuita nevakadzingwa kana kuti vakazvibvisa musangano vangava vachida kudzorerwa.

◼ Hurukuro chaiyo yomwaka weChirangaridzo cha2006 ichapiwa nomusi weSvondo, April 30. Musoro wehurukuro yacho uchazoziviswa. Ungano dzinenge dziine mutariri wedunhu kana kuti gungano kupera kwevhiki yacho dzichava nehurukuro chaiyo iyi vhiki inotevera. Hapana ungano inofanira kuva nehurukuro chaiyo iyi musi weSvondo, April 30, 2006 usati wasvika.

◼ Ungano dzinofanira kutanga kuodha mabhaundi vhoriyamu eNharireyomurindi neAwake! a2005 uye Watchtower Library—2005 Edition paCD-ROM neodha dzadzo dzemabhuku dzinotevera. Tapota onai kuti Watchtower Library—2005 Edition ndeyevakabhabhatidzwa vari muungano uye inongowanika bedzi nokuungano.

◼ Ungano dzinofanira kuodha Rugwaro Rwegore ra2006. Ruchawanikwa muChirungu, Shona uye Zulu. Ungano dzingaodha rugwaro rwegore rumwe chete bedzi pamutauro woga woga uye dzinofanira kuruisa musi waJanuary 1, 2006.

◼ Tinofara kuona vakawanda vachitsigira ungano yoMutauro Wemasaini uye mapoka acho munyika yose. Iyi indima inoda kubatsirwa. Vanhu kana kuti mhuri dzinoda kunopinda nemapoka aya dzinofanira kutevedzera mirayiridzo iri papeji 112 yebhuku raKuti Tiite Zvinoda Jehovha, pasi pomusoro muduku unoti “Kushanda Neungano Yomutauro Wokune Imwe Nyika.” Hapana munhu anofanira kungonopinda nemapoka iwayo asina kuteerera mirayiridzo yataurwa pano.

◼ Tinofara kuzivisa kuti Chikoro Chebasa Roupiyona chichaitwa kubva musi waOctober 4-14, 2005. Mapiyona chaiwo, mamishinari, uye mapiyona enguva dzose achanakidzwa nekosi iyi, achishandisa bhuku idzva, sezvakamboziviswa. Ungano dzichaagamuchira dzine ropafadzo yokutsigira zvizere chikoro ichi nokutarisira zvinodiwa zvokunyama zvemapiyona acho uye kushanda nawo mundima pakupera kwevhiki uye mune mimwe mikana.

◼ Mugore rebasa ra2006, vose vari kushanda semapiyona ebetsero mwedzi unoshanyirwa ungano yavo nemutariri wedunhu vachabvumirwa kupinda hafu yokutanga yomusangano waanoita nemapiyona vhiki yaanoshanya. Vose vanogona kuita izvozvo vanokurudzirwa kuti vabatsirwe nourongwa uhwu chaihwo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe