Chitarisiko Chakanaka, Chinorumbidzwa
1. Pakugadzirira kokorodzano yoruwa, nei tichifanira kufungisisa nezvechitarisiko chedu?
1 “Zvapupu zvaJehovha ndivo vanhu vakanakisisa! Vanhu venyu vane mutsa uye vanopfeka zvakanaka, uye vanoratidza kuremekedza zvikuru.” Akadaro mumwe mumiririri wehotera achitaura nezvehama nehanzvadzi pane imwe kokorodzano yegore rapera. Pane imwewo kokorodzano, mushandi wepahotera akati: “Zvinongooneka kuti vanhu venyu vanopfekera kufadza Mwari.” Zvechokwadi, vanhu vanopinda kokorodzano vanocherechedzwa nevamwe. Saka tinoda kupfeka “nomutoo wakafanira mashoko akanaka,” uye izvi zvinowanzoita kuti vanhu vasiri Zvapupu vatirumbidze zvova pachena kuti tiri vashumiri vaMwari. (VaF. 1:27) Sezvatinogadzirira kokorodzano yoruwa, zvakakodzera kuti tifanofunga nezvechitarisiko chedu.
2. Nei zvakaoma kuti munhu apfeke uye atsvinde nenzira yakanaka?
2 “Uchenjeri hunobva kumusoro kutanga hwakachena,” akanyora kudaro mudzidzi Jakobho. (Jak. 3:17) Kuratidza rucheno pachitarisiko chedu kunogona kuva kwakaoma. Nyika yaSatani ine unzenza inofurira vanhu kuti vave nezvitayera zvisina mwero, zvinoratidza kuda zvemafaro uye zvokushamisira zvisina kukodzera. (1 Joh. 2:15-17) Saka pakusarudza mupfekero uye kutsvinda kwatinoita, tinofanira kuteerera zvinorayirwa neBhaibheri kuti ‘tirambe kusada Mwari nokuchiva kwenyika uye tirarame nokunaka kwepfungwa pakati pegadziriro ino yezvinhu iripo.’ (Tito 2:12) Hatimbodi kuti vamwe vavhiringidzike nechitarisiko chedu, dzingava hama dzedu, vamwe vanenge vachitengawo, vatengesi vomuzvitoro, kana kuti vanoticherechedza.—1 VaK. 10:32, 33.
3. Mibvunzo ipi ichatibatsira kuongorora chitarisiko chedu?
3 Mbatya Dzine Mwero, Dzakagadzirwa Zvakanaka: Paunenge uchigadzirira kokorodzano, zvibvunze kuti: ‘Mbatya dzangu dzine mwero here, kana kuti dzinoita kuti vanhu vazonditarisisa? Dzinoratidza kuremekedza manzwiro evamwe here? Mabhurauzi angu akanyanya kuderera zvokuonesa chipfuva kana musana here kana kuti akanyanya kupfupika zvokuonesa chikamu chomuviri? Madhirezi angu anoonesa zviri mukati kana kuti anobata here? Mbatya dzangu dzakachena uye hadzinhuhwi here? Pandinenge ndakazorora purogiramu yapera, ndichange ndakatsvinda, ndakachena somushumiri here, kana kuti mbatya dzangu ndedziya dzisingataridziki zvakanaka, dzefashoni yokunyanyisa, dzokusharanganya nadzo, uye dzisina kukodzera munhu anopinda kokorodzano akapfeka bheji? Mbatya dzandinopfeka panguva yokutandara dzinoita kuti ndinyare kuparidza zvisina kurongwa here?’—VaR. 15:2, 3; 1 Tim. 2:9.
4. Vamwe vangatibatsira sei kuti tive nechitarisiko chakanaka?
4 Tinogona kubatsirwa nezvatinoudzwa nevaKristu vakura. Madzimai anofanira kubvunza varume vawo kuti mbatya dzawo dzingaonekwa sei nevamwe. Vabereki vanotya Mwari vangabatsira vana vavo vachiri kuyaruka munyaya iyi. Uyezve, hanzvadzi dzakura dzinotya Mwari dzinogona ‘kuyeuchidza vakadzi vaduku kuti vave nepfungwa dzakanaka, vakachena’ muchitarisiko chavo “kuti shoko raMwari rirege kutaurwa zvakaipa nezvaro.” (Tito 2:3-5) Mabhuku edu anoratidza mifananidzo inobatsira inoratidza mbatya dzine mwero, dzakagadzirwa zvakanaka.
5. Tose zvedu tingaita sei kuti Jehovha arumbidzwe panguva yekokorodzano?
5 Itai Kuti Jehovha Arumbidzwe: Vaya vane zvavanoita papurogiramu havasivo bedzi vanowana mukana wakanakisisa wokuita kuti Jehovha arumbidzwe pakokorodzano dzoruwa, asi tose zvedu. Chokwadi mufambiro wedu wechiKristu nematauriro atinoita zvichamukudza. Asi mbatya uye kutsvinda kwedu ndicho chinhu chinotanga kucherechedzwa nevakawanda vanotiona. Tose zvedu ngatiitei kuti Jehovha arumbidzwe nechitarisiko chedu chakanaka, chinorumbidzwa.—Pis. 148:12, 13.
[Bhokisi riri papeji 6]
Zvinobatsira Kuti Tive Nechitarisiko Chinorumbidzwa
◼ Shoko raMwari
◼ Kuzviongorora
◼ Zvinotaurwa nevamwe
◼ Mabhuku echiKristu