Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa muna July naAugust: Chero bhurocha ripi zvaro pane anotevera: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Farikanya, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”, Unofanira Kudavira Utatu Here?, uye Zita raMwari Richagara Nokusingaperi. September: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Kana musina iri, mungagovera Mwari Anodei Kwatiri?
◼ Kutanga muna September, vatariri vematunhu vachapa hurukuro yavose ine musoro unoti “Kutarira Nguva Yemberi Nokutenda uye Nechivimbo.”
◼ Munyori weungano anofanira kuchengeta mafomu akakwana anoti Fomu Rokukumbira Basa Roupiyona Hwenguva Dzose (S-205) neFomu Rokukumbira Basa Roupiyona Hwebetsero (S-205b). Aya anogona kuodwa paFomu Rokuodha Mabhuku (S-14). Chengetai anenge anokwana gore rose.
◼ Musati matumira mafomu ebasa roupiyona hwenguva dzose kuhofisi yebazi, munyori weungano anofanira kuongorora mafomu acho kuti ave nechokwadi chokuti akazadzwa zvakakwana. Kana vari kukumbira vasisayeuki musi chaiwo wavakabhabhatidzwa, vanofanira kufungidzira musi wacho vobva vachengeta musi iwoyo. Munyori anofanira kunyora musi uyu pakadhi reChinyorwa cheBasa choMuparidzi.
◼ Zvirongwa zvako zvokufamba pazvinosanganisira kupinda misangano yeungano, gungano, kana kuti kokorodzano yoruwa kune imwe nyika, chikumbiro chako chemashoko ane chokuita nemisi, nguva, uye nzvimbo chinofanira kutumirwa kuhofisi yebazi iyo inotarisira basa racho munyika iyoyo. Kero dzehofisi dzemapazi dzakarongwa papeji yokupedzisira yeBhuku Regore rino.
◼ Tiri kukuyeuchidzai kuti Chikoro chaMwari Choushumiri uye Musangano Webasa zvingarega kuitwa kana ungano ichipinda kokorodzano vhiki iyoyo. Zvisinei, zvinorumbidzwa kuti Chidzidzo Chebhuku Cheungano chiitwe, zvichida kwokutanga kwevhiki kuitira kuti zvisavhiringidza urongwa hwokufamba hwevaya vari kuenda kukokorodzano.