RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/04 p. 3
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 3/04 p. 3

Zviziviso

◼ Mabhuku anogoverwa muna March: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Tichaedza kupfuura zvatinosimboita kutanga zvidzidzo zveBhaibheri. Kana vanhu vachitova nebhuku iri, mungagovera bhuku raFungisisa Uprofita hwaDhanieri! April naMay: Nharireyomurindi neMukai! Pakudzokera kunoona vanhu vanofarira, kungasanganisira kushanyira vaya vanopinda Chirangaridzo uye/kana kuti mimwe misangano yechiKristu asi vasingawanzosonganiri nesangano, edza kugovera bhuku raNamata Mwari. Edza nepose paunogona kutanga chidzidzo cheBhaibheri chepamusha, zvikurukuru kana vanhu vacho vakatodzidza bhuku raZivo uye bhurocha raAnodei. June: Dzidza Kumudzidzisi Mukuru. Kana vanhu vakati havana vana, govera bhurocha raAnodei. Pakushandisa bhurocha racho, edza kutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha.

◼ Hofisi yebazi haiiti odha dzemabhuku dzomuparidzi mumwe. Mutariri anotungamirira anofanira kuronga kuti chiziviso chipiwe mwedzi mumwe nomumwe odha yemabhuku eungano yomwedzi mumwe nomumwe isati yatumirwa kubazi kuitira kuti vose vanoda kuwana mabhuku vazivise hama inotarisira mabhuku. Tapota garai muchiziva mabhuku eodha chaiyo.

◼ Mwedzi waApril une mazororo echikoro uyewo mamwe mazororo anoverengeka. Vaparidzi vechiduku, vakabhabhatidzwa vanokurudzirwa kufungisisa nezvokuita upiyona hwebetsero mumwedzi uyu. Pwere dzakawanda dzakaona mwedzi waApril uri nguva yakanakisisa pagore yokuti dzipayone. Nhamba huru yevaparidzi ichashandisa mwaka wakabatikana weChirangaridzo kuita upiyona, saka vechiduku vachava nechokwadi chokuva nevamwe vokushanda navo. Uchava mumwe weavo vachapayona gore rino here?

◼ Vaparidzi vanoda kushanda semapiyona ebetsero muna April vanofanira kufanoronga uye kuendesa mafomu avo nokukurumidza sezvavangagona. Izvi zvichaita kuti vakuru vagone kuodha mabhuku akakwana okushandisa mubasa romumunda uye zvichaita kuti mutariri webasa aronge ndima yakavaringanira.

◼ Tose tinokurudzirwa kuita basa remagazini paZuva Chairo Remagazini musi waMarch 27 gore rino. Mutariri webasa anofanira kuronga misangano yebasa romumunda panguva dzakasiyana-siyana musi wacho kuitira kuti vaparidzi vose vakwanise kuitawo basa remagazini pamusi uyu.

◼ Tose tinokurudzirwa patinonzwa zvakaitika zvinokurudzira izvo hama dzakasangana nazvo mubasa romumunda kana kuti padzaipupurira zvisina kurongwa. Une zvawakasangana nazvo here zvaunofunga kuti zvingakurudzira vamwe? Tapota zvinyore wozvipa mutariri anotungamirira wenyu. Achazviverenga kuti aone kuti zvose zvinodiwa zviripo asati azvitumira kuhofisi yebazi.

◼ Muchafara kuziva kuti Dzimba dzoUmambo 47 dzakapera kuvakwa mugore ra2003. Izvi zvinosanganisira Imba yoUmambo itsva iri kuMkoba, kuGweru, uko hama dzakaedza kuwana nzvimbo yokuvaka asi dzichikundikana kweanenge makore gumi. Mumakore ose aya, ungano nomwe dzaingoshandisa imba imwe chete. Zvisinei, gore rino hama dzacho dzakakwanisa kuwana nzvimbo itsva nhatu! Naizvozvo, panguva ino yatiri kunyora, dzimwe dzimba mbiri dziri kuvakwa. Mapoka edu okuvaka ari kushanda pazvirongwa zvisere panzvimbo ina dzakasiyana munyika yose.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe