Kokorodzano Dzoruwa neDzemarudzi Akawanda Dzinotikurudzira Kupa Mbiri Kuna Mwari!
Kokorodzano Dzoruwa neDzemarudzi Akawanda dzinoti “Ipai Mbiri kuna Mwari” dzaitwa kusvika iye zvino dzapa uchapupu hwakakura. Izvi zviitiko zvechiKristu zvinokosha zvabatsira kukudza zita raJehovha uye kuwedzera mano edu ‘okupa Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake.’ (Pis. 96:8) Chokwadi, anofanira kupiwa mbiri nokuda kwemabasa ake okusika akaisvonaka, ayo anoratidza unhu hwake hunoshamisa.—Job. 37:14; Zvak. 4:11.
Uchishandisa mibvunzo inotevera pamwe nezvawakanyora, gadzirira uye pindurawo pakudzokorora purogiramu yekokorodzano kuchaitwa vhiki inotanga naOctober 20.
1. Zvisikwa zvisina upenyu zvinozivisa mbiri yaMwari sei, uye izvozvo zvinosiyana sei nenzira iyo vanhu vanomurumbidza nayo? (Pis. 19:1-3; “Zvinhu Zvakasikwa Zvinozivisa Mbiri yaMwari”)
2. Kushanduka chitarisiko kunofananidzira zvinhu zvipi zviri kutoitika, uye nhasi vaKristu vanokurudzirwa nezvinhu izvi munzirai? (Hurukuro inokosha yaiti, “Zvakaratidzwa Zvouprofita Zvinotikurudzira!”)
3. Tingakudziridza sei rudzi rwokuzvininipisa kwakaratidzwa nomuprofita Dhanieri, uye tichabatsirwa sei nokuita kudaro? (Dhan. 9:2, 5; 10:11, 12; “Mbiri yaJehovha Inozarurirwa Vanozvininipisa”)
4. (a) Zvinhu zvipi zvitatu zvatingadzidza pamusoro pokutonga kwaMwari kubva muuprofita hwaAmosi? (Amo. 1:3, 11, 13; 9:2-4, 8, 14) (b) Nhasi Zvapupu zvaJehovha zvingawana zvidzidzo zvipi zvinobatsira kubva mumuenzaniso unonyevera unowanikwa pana Amosi 2:12? (“Uprofita hwaAmosi—Shoko Rahwo Nokuda Kwezuva Redu”)
5. (a) Kunwa doro zvisina mwero kune ngozi dzipi, kunyange kana munhu asingadhakwi? (b) Chinetso chokunwa zvisina mwero chingaruramiswa sei? (Mako 9:43; VaEf. 5:18; “Nzvenga Musungo Woudhakwa”)
6. Uri kubatsirwa sei nebhuku idzva rinonzi “Ona Nyika Yakanaka”? (“‘Nyika Yakanaka”—Kufanoona Paradhiso”)
7. Tinga“ratidzira semagirazi mbiri yaJehovha” munzira dzipi nhatu? (2 VaK. 3:18; “Ratidzirai Semagirazi Mbiri yaJehovha”)
8. Ruvengo rusina chikonzero runobvepi, uye chii chingatibatsira kuramba takavimbika pasinei nokuvengwa kwakadaro? (Pis. 109:1-3; “Kuvengwa Pasina Chikonzero”)
9. Ndeapi ari maonero akafanana neaKristu oukuru, uye munhu angaziva sei kuti anofanira kukudziridza zvikuru maonero aya? (Mat. 20:20-26; “Kuva Nemaonero Akafanana neaKristu Oukuru”)
10. Chii chingatibatsira kuramba takasimba mumudzimu pasinei nokuneta munyama? (“Takaneta asi Hatisi Kupera Simba”)
11. Ndezvipi zvimwe zvinoshandiswa naSatani kusimudzira nhema, uye kana kutenda kwedu kuri pamuedzo wokutsauswa, ndedzipi dziri mhinduro dzakakodzera dzinobva muMagwaro? (Joh. 10:5; “Ngwarira ‘Inzwi Revaeni’”)
12. (a) Vabereki vangatevera sei muenzaniso waJesu wakanyorwa pana Mako 10:14, 16? (b) Chii chaunoda pamusoro pebhuku idzva rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru? (“Vana Vedu—Nhaka Inokosha”)
13. Pwere dziri kurumbidza Jehovha sei? (1 Tim. 4:12; “Nzira Iyo Pwere Dziri Kurumbidza Nayo Jehovha”)
14. Madariro api mumutambo waiti “Kupupurira Tisingatyi Pasinei Nokushorwa” akajeka zvikuru mupfungwa dzako?
15. Tingatevedzera sei muenzaniso wakaratidzwa (a) naPetro naJohani? (Mab. 4:10) (b) naStefani? (Mab. 7:2, 52, 53) (c) neungano yechiKristu yomuzana remakore rokutanga? (Mab. 9:31; mutambo uye hurukuro yaiti “Zivisa Mashoko Akanaka ‘Usingaregi’”)
16. (a) Takatsunga kupa mbiri kuna Mwari munzira dzipi? (b) Tingava nechokwadi chei sezvatinoshandisa zvatakadzidza paKokorodzano dzinoti “Ipai Mbiri Kuna Mwari”? (Joh. 15:9, 10, 16; “‘Rambai Muchibereka Zvibereko Zvakawanda’ Kuti Jehovha Apiwe Mbiri”)
Nokufungisisa murayiridzo womudzimu wakanaka kwazvo wakapiwa pakokorodzano, tichakurudzirwa kushandisa zvinhu zvatakadzidza. (VaF. 4:8, 9) Izvi zvichasimbisa kutsunga kwedu ‘kuita zvinhu zvose kuti Mwari apiwe mbiri.’—1 VaK. 10:31.