RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/03 p. 2
  • Purogiramu Yomusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Yomusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naOctober 13
  • Vhiki Inotanga naOctober 20
  • Vhiki Inotanga naOctober 27
  • Vhiki Inotanga naNovember 3
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
km 10/03 p. 2

Purogiramu Yomusangano Webasa

Vhiki Inotanga naOctober 13

Rwiyo 215

10 min: Zviziviso zveungano uye zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Kurudzira vose kushandisa mibvunzo iri papeji 1 kudzokorora zvavakanyora pakugadzirira kukurukurirana nevateereri purogiramu yeKokorodzano inoti “Ipai Mbiri Kuna Mwari” kuchaitwa paMusangano Webasa wevhiki inouya. Uchishandisa mazano ari papeji 8, iva nemienzaniso miviri inoshanda yokugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaOctober 1 uye Mukai! yaOctober 8. Mune mumwe muenzaniso wacho, enzanisira kudzokerazve kungaitwa kuvanhu vanogara vachiendeserwa magazini. Ronga pokutangira pakushanya kuchaitwa munguva inotevera nokuratidza bhokisi rakanzi “Zviri Mumagazini Yedu Inotevera.”—Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaOctober 1998, p. 4, ndima 7-8.

20 min: “Shumirai Jehovha Nomufaro.”a (Vateereri vose vanofanira kuva newedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2002 pakukurukurirana uku.) Pashure pokukurukura ndima 4, taura kuti muna November tichange tichigovera bhurocha raAnodei uye bhuku raZivo. Dzokorora muchidimbu imwe yemharidzo dzomuenzaniso dziri muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2002. Zvadaro ratidza nguva yokudzidzira apo mharidzo yacho inoenzanisirwa. Kurudzira vose kunyatsogadzirira ushumiri.

15 min: Kuitisa Zvidzidzo zveBhaibheri Kunounza Zvikomborero. Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri. Rondedzera zvakaitika zvishomanana zviri mumabhuku edu zvine chokuita nezvidzidzo zveBhaibheri zvinofambira mberi. (w00-CA 3/1 p. 6; yb98 map. 55-60) Kumbira vateereri kutaura zvatinodzidza pane zvakaitika izvi uye kuti tinobatsirwa sei nokuitisa zvidzidzo zveBhaibheri.

Rwiyo 172 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naOctober 20

Rwiyo 86

5 min: Zviziviso zveungano.

40 min: “Kokorodzano Dzoruwa neDzemarudzi Akawanda Dzinotikurudzira Kupa Mbiri Kuna Mwari!” Inofanira kupiwa nomukuru. Pashure pesumo yeminiti imwe kana kuti isingasviki miniti, kurukurirana nevateereri purogiramu yekokorodzano uchishandisa mibvunzo iri munyaya yacho. Ronga nguva yacho kuti ukwanise kukurukura mibvunzo yose, zvichida mimwe mibvunzo ichingopiwa mhinduro imwe. Haasi magwaro ose aripo angaverengwa munguva yakarongwa; aya akaisirwa kuti zvive nyore kuwana mhinduro. Mhinduro dzacho dzinofanira kunyanyosimbisa zvakanakira kushandisa zvinhu zvakadzidzwa.

Rwiyo 112 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naOctober 27

Rwiyo 64

12 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi. Yeuchidza vaparidzi kuendesa mishumo yebasa romumunda yaOctober. Kurudzira vose kudzokorora zvavakanyora papurogiramu yezuva regungano chairo yegore rebasa rapfuura pakugadzirira Musangano Webasa wevhiki inouya. Uchishandisa mazano ari papeji 8, iva nemienzaniso miviri yokugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaOctober 15 uye Mukai! yaNovember 8. Mune mumwe muenzaniso wacho, enzanisira nzira yokubata nayo nomunhu anoramba kukurukurirana achiti “Ini handifariri.”—Ona bhuku raKurangarira, p. 16.

20 min: Shandisa Bakatwa Romudzimu. (VaEf. 6:17) Kukurukurirana nevateereri kunobva mubhuku reChikoro Choushumiri, mapeji 143-4. Kumbira mhinduro yemibvunzo iyi: (1) Nei tichishandisa Bhaibheri patinopindura mibvunzo? (2) Zita rokuti Zvapupu zvaJehovha rinoratidzei pamusoro pedu? (3) Jesu akaratidza muenzaniso upi, uye tingagona sei kumutevedzera? (4) Mundima yeungano, ndedzipi dzimwe nzira dzinobudirira dzokusuma nadzo zviri muBhaibheri? (5) Nei zvakanaka kuverenga zvakananga muBhaibheri pose pazvinobvira? (6) Vakuru vangakurudzira sei vamwe kushandisa Bhaibheri zvakanaka? Iva nomuenzaniso wakanyatsogadzirirwa kubva pabasa rokuita riri papeji 144 apo muparidzi ane unyanzvi anoshandisa runenge rugwaro rumwe kupindura mubvunzo. Kurudzira vose kuvavarira kushandisa Bhaibheri nguva nenguva pavanopupurira.

13 min: Zvakaitika zvomuungano. Kumbira vateereri kurondedzera zvakaitika zvakavanakidza zvavakava nazvo pavaienda nokudzoka kukokorodzano yoruwa kana kuti pavaipupurira zvisina kurongwa kubasa, kuchikoro, kana kuti kumwewo.

Rwiyo 52 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naNovember 3

Rwiyo 147

5 min: Zviziviso zveungano.

15 min: Zvinodiwa muungano.

25 min: Ivai Vapfumi Pamabasa Akanaka Kwazvo. (1 Tim. 6:18) Achishandisa mibvunzo iri pano, mukuru anokurukura nevateereri purogiramu yezuva regungano chairo rakaitwa mugore rebasa rapfuura. Kumbira vaparidzi kuti varondedzere kuti vave vachikwanisa sei kushandisa zvavakadzidza. (Zvikamu zvacho zvingafanogoverwa vamwe vaparidzi.) Kurukurai hurukuro dzepurogiramu yacho dzinotevera: (1) “Mabasa Akanaka Kwazvo Anopfumisa Zvikuru.” (Mup. 2:11) Nei vashumiri vaMwari vachiita mabasa akanaka anorondedzerwa muShoko raMwari pane mabasa asina maturo enyika ino? (2) “Ivai Vapfumi Mukuona kwaMwari.” (Mat. 6:20) Vamwe vaka‘zviunganidzira pfuma mudenga’ sei, uye zvakavabatsirei? (3) “Pfumisa Ushumiri Hwako Nechidzidzo cheBhaibheri.” (om-CA p. 91) Chii chingatibatsira kutanga uye kuitisa chidzidzo cheBhaibheri? (4) “Mabasa Akanaka Kwazvo Munguva Ino Yokukohwa.” (Mat. 13:37-39) VaKristu vepakutanga vakaratidza muenzaniso upi wemabasa akanaka kwazvo, uye basa roUmambo rave richiwedzera sei muzuva redu? (5) “Mabasa Enyu Akanaka Kwazvo Ngaape Jehovha Mbiri.” (Mat. 5:14-16) Vamwe vaka‘bvumira sei chiedza chavo kuti chivheneke’? (6) “Kuonga Pwere Nokuda Kwemabasa Akanaka Kwazvo Adzinoita Mukurumbidza Jehovha.” (Pis. 148:12, 13) Pwere dzechiKristu dziri mudunhu redu dziri kurumbidza Jehovha sei? (7) “Rambai Muchiita Mabasa Akanaka Mukohwe Zvikomborero zvaJehovha.” (Zvir. 10:22) Sezvatinoramba takabatikana mumabasa akanaka kwazvo, zvikomborero zvipi zvatingakohwa somunhu mumwe, semhuri, seungano, uye sesangano repasi pose?

Rwiyo 180 nomunyengetero wokugumisa.

[Mashoko Omuzasi]

a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe