Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo
Mashoko akawanda ari kuwanikwa mazuva ano pamusoro pokuti tichengete mwoyo wedu chaiwoiwo wakanaka kuti tive noupenyu hunofadza uye hwakareba. Chinotonyanya kukosha ndezvakaita mwoyo wedu wokufananidzira. Saka, musoro wepurogiramu yezuva regungano chairo rinotanga muna September 2003 wakakodzera zvikuru uyo unoti: “Kushumira Jehovha Nomwoyo Wakakwana.” (1 Mak. 28:9) Tingatarisira mberi kuti tidzidze chii?
Mutariri wedunhu achakurukura hurukuro inoti “Kubatsira Vamwe Kushumira Jehovha Nomweya Unofara.” Kubvunzurudza kuchasimbisa mufaro unovapo kubva pakukudziridza kufarira uye kudzidza Bhaibheri nevanhu vanoda kushumira Jehovha. Hapana mubvunzo kuti vanopinda vose vachawana nyaradzo uye vachakurudzirwa nehurukuro yokutanga yomukurukuri anoshanya inoti, “Kuchengetedza Mwoyo Yedu Munyika Ine Zvinetso.” Purogiramu yemangwanani ichaguma nehurukuro yorubhabhatidzo.
Pamasikati, hurukuro inoti “Kubatsira Vamwe” icharatidza kuti tingayamura sei vamwe. Vabereki vangaitei kuti vadzivirire mwoyo yevana vavo pakufurirwa zvinhu zvakaipa ndokuvabatsira kuswedera pedyo naJehovha? Hurukuro inoti “Batsira Vana Vako Kufarira Jehovha” ichapa mazano anoshanda uye icharatidza kuti izvi zvingaitwa sei.
Tiri kushandisa zvinhu zvose zvinogoverwa naJehovha kuti tichengete mwoyo wedu wokufananidzira uine utano uye wakasimba here? Hurukuro yokupedzisira yomukurukuri anoshanya inoti, “Ramba Uchishumira Jehovha Nomwoyo Wakakwana,” ichataura zvinhu zvina zvinokosha zvepurogiramu yedu inoita kuti tirambe tichikura mumudzimu. Tinopedzera nguva uye simba rakawanda zvakadini mumunyengetero womwoyo wose, pakudzidza Shoko raMwari, pakuparidza nokushingaira, uye pakusonganirana nevamwe vaKristu? Tingavandudzika mune ipi neipi yenharaunda idzi here?
Jehovha anotikoka achiti: “Mwoyo wako ushingaire kudzidziswa, nenzeve dzako kunzwa mashoko ezivo.” (Zvir. 23:12) Ronga iye zvino kupinda zuva rinobatsira iri remirayiridzo inobva muMagwaro. Kuita kudaro kuchakusimbisa kuti urambe uchishumira Jehovha nomwoyo wakakwana uye nomweya unofara.